Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 16:25-40

Mabasa 16:25-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera. Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka. Muchengeti wetorongo akamuka, uye paakaona masuo etorongo azaruka akavhomora munondo wake akada kuzviuraya nokuti akafunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka. Asi Pauro akadanidzira achiti, “Usazvikuvadza! Tiri muno tose!” Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje itungidzwe, akapinda achimhanya ndokusvikowira pamberi paPauro naSirasi achidedera. Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?” Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.” Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba. Nenguva yousiku iyoyo, muchengeti wetorongo akavatora akashambidza maronda avo; uye pakarepo, akabhabhatidzwa iye nemhuri yake. Muchengeti wetorongo akaenda navo kumba kwake akavagadzirira zvokudya; akazadzwa nomufaro nokuti akanga atenda kuna Mwari, iye nemhuri yake. Kwakati kwaedza, vatongi vakatuma vabati vavo kumuchengeti wetorongo neshoko rokuti: “Sunungura varume vaya.” Muchengeti wetorongo akati kuna Pauro, “Vatongi varayira kuti iwe naSirasi musunungurwe. Zvino mungaenda henyu. Endai norugare.” Asi Pauro akati kumubati, “Vakatirova pachena tisina kutongwa, kunyange zvedu tiri vaRoma, uye vakatiisa mutorongo. Uye zvino vava kuda kutiregedza chinyararire here? Kwete! Ngavauye ivo vagotibudisa.” Vabati vakandozivisa vatongi izvozvo, uye ivo vakati vanzwa kuti Pauro naSirasi vakanga vari vaRoma, vakatya kwazvo. Vakauya kuzovanyengetedza ndokuvabudisa mutorongo, vachivakumbira kuti vabve muguta. Shure kwokubuda kwaPauro naSirasi mutorongo, vakaenda kumba kwaRidhia, kwavakandosangana nehama uye vakavakurudzira. Ipapo vakaenda havo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 16

Mabasa 16:25-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavateerera. Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kukavapo, naizvozvo nheyo dzeimba dzikazununguswa; pakarepo misuo yose yeimba ikazarurwa, nemisungo yavose ikasununguka. Ipapo murindi wetorongo akapepuka, ndokuona mikova yetorongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzviuraya, achiti vasungwa vatiza. Ipapo Pauro akadanidzira nezwi guru, akati, “Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose.” Zvino akati akumbira mwenje, akamhanyiramo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, achibvunda; akavabudisira kunze, akati, “Vatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?” Vakati, “Tenda kuna Ishe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.” Vakaparidza shoko raMwari kwaari navose vaiva mumba make. Akavatora nenguva iyoyo yousiku, akakupa mavanga avo, ndokubhabhatidzwa pakarepo, iye navose vake. Akaenda navo mumba make, ndokuisa zvokudya pamberi pavo, akafara zvikuru, iye nemhuri yake yose, achitenda kuna Mwari. Zvino kwakati kwaedza vatongi vakatuma mapurisa, vachiti, “Sunungurai vanhu vaya.” Murindi wetorongo akaudza Pauro mashoko iwayo, achiti, “Vatongi vatuma shoko kuti musunungurwe; naizvozvo budai henyu zvino, muende norugare.” Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutorongo; zvino voda kutibudisa chinyararire here? Haiwa kwete! Ngavauye vamene vatibudise.” Mapurisa akaudza vatongi mashoko iwayo; vakatya vachinzwa kuti vaRoma; vakasvika, vakakumbira zvikuru kwavari; vakavabudisa, mutorongo ndokuvakumbira kuti vabve muguta ravo. Ipapo vakabuda mutorongo, vakapinda mumba maRidhia; vakaona hama, vakavanyaradza, ndokuenda.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 16

Mabasa 16:25-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pokunge pava pakati pousiku Pauro naSirasi vainge vachinamata vachikumbira vachiimbira Mwari dzimbo, vasungwa vachivateerera. Pakarepo pakave nokundengendeka kukuru zvokuti ugaro hweJeri hwakazunguzika. Pakarepo makonhi ose akazaruka. Majoti omunhu oga oga akabva asungunuka. Muchengeti wejeri paakamuka akaona kuti makonhi ejeri akanga akazaruka akazvomora bakatwa rake avakuda kuzviuraya achifunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka. Asi Pauro akadaidzira nezwi guru achiti, “Usazvikuvadze zvako nokuti isu tose tiri muno.” Akadaidzira kuti kuuiwe nemwenje, ndokumhanyira mukati. Akandowira pamberi paPauro naSirasi achidedera nokutya. Akavabudisa akati, “Varume chii chandingaite kuti ndiponeswe?” Ivo vakati, “Tenda muna Tenzi Jesu uchaponeswa iwe nemhuri yako.” Vakataura kwaari Shoko raTenzi nokune vose vaiva mumba make. Akavatora panguva iyoyo yousiku akavashambidza maronda avo. Iye akabva aombekwa pakarepo pamwechete nemhuri yake yose. Akakwira navo kumba kwake akavapa chokudya akafara kwazvo nemba yake yose kuti akanga atenda kuna Mwari. Pakwakanga kwaedza vatongi vakatuma mapurisa vachiti, “Regai vanhu vaya vaende zvavo.” Muchengeti wapajeri akasvitsa shoko kuna Pauro achiti, “Vatongi vatuma shoko rokuti muende zvenyu.” Saizvozvo chibudai muende zvenyu norugare. Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pazere vanhu, tisina kubatwa nemhosva, isu pamutemo, tiri vaRoma vakatiisa mujeri. Zvino vanoda kutiburitsa muchivande here?” Kwete, ngavatouya ivo pachavo vazotiburitsa. Mapurisa akasvitsa shoko iri kuna vatongi. Vakatya pavakanzwa kuti, pamutemo vanhu ava vaiva vaRoma. Vakauya vakakumbira ruregerero. Vakavaburitsa vakavakumbira kuti vabve muguta iroro. Nokudaro vakabuda mujeri vakashanyira Ridhia. Pavakanga vaona vehama vakavakurudzira vakabva vaenda.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 16

Mabasa 16:25-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino paneŋge pakati poʋusiku, Pauro naSirasi ʋakaŋga ʋacinyeŋgetera nokuimbira Mŋari nziyo; ʋakaŋga ʋakasuŋgwa ʋakaʋaterera. Pakarepo kuɗeŋgenyeka kwenyika kukuru kukaʋa’po, naiɀoɀo nheyo dzeimba dzikazunuŋguswa; pakarepo mikoʋa yose yeimba ikazarurwa, nemisuŋgo yaʋose ikasunuŋguka. Ipapo murindi wetoroŋgo akapepuka, ndokuʋona mikoʋa yetoroŋgo yakazaruka, akavomora munondo wake, akaɗa kuɀiʋuraya, aciti ʋasuŋgwa ʋatiza. Ipapo Pauro akaɗanidzira nenzwi guru, akati: Usaɀikuʋadza, nokuti tiri muno tose. Ɀino wakati akumbira mŋenje, akamhanyira’mo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, acibvunda; akaʋaɓuɗisira kunze, akati: Ʋatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe? Ʋakati: Tenda kunaShe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako. Ʋakaparidza shoko raMŋari kwaari naʋose ʋaiʋa mumba make. Akaʋatora neŋguʋa iyeyo yoʋusiku, akakupa maʋaŋga aʋo, ndokubapatidzwa pakarepo, iye naʋose ʋake. Akaenda naʋo mumba make, ndokuisa ɀokudya pamberi paʋo, akafara ɀikuru, iye nemhuri yake yose, acitenda kunaMŋari. Ɀino kwakati kwaedza, ʋatoŋgi ʋakatuma mapurisa, ʋaciti: Sunuŋgurai ʋanhu ʋaya. Murindi wetoroŋgo akaʋudza Pauro mashoko iwayo, aciti: Ʋatoŋgi ʋatuma shoko kuti musunuŋgurwe; naiɀoɀo ɓuɗai henyu ɀino, muende norugare. Asi Pauro wakati kwaʋari: Ʋakatiroʋa pacena, isu ʋanhu ʋaRoma tisina‐kutoŋgwa, ʋakatiisa mutoroŋgo; ɀino ʋoɗokutiɓuɗisa cinyararire here? Haiwa, kwete! Ŋgaʋaʋuye ʋamene ʋatiɓuɗise. Mapurisa akaʋudza ʋatoŋgi mashoko iwayo; ʋakatya ʋacinzwa kuti ʋaRoma; ʋakaȿika, ʋakakumbira ɀikuru kwaʋari; ʋakaʋaɓuɗisa, ndokukumbira kuti ʋabve muguta raʋo. Ipapo ʋakaɓuɗa mutoroŋgo, ʋakapinda mumba maRidia; ʋakaʋona hama, ʋakaʋanyaradza, ndokuenda.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 16

Mabasa 16:25-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)