Zvino panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavateerera. Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kukavapo, naizvozvo nheyo dzeimba dzikazununguswa; pakarepo misuo yose yeimba ikazarurwa, nemisungo yavose ikasununguka. Ipapo murindi wetorongo akapepuka, ndokuona mikova yetorongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzviuraya, achiti vasungwa vatiza. Ipapo Pauro akadanidzira nezwi guru, akati, “Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose.”
Zvino akati akumbira mwenje, akamhanyiramo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, achibvunda; akavabudisira kunze, akati, “Vatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?”
Vakati, “Tenda kuna Ishe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.” Vakaparidza shoko raMwari kwaari navose vaiva mumba make. Akavatora nenguva iyoyo yousiku, akakupa mavanga avo, ndokubhabhatidzwa pakarepo, iye navose vake. Akaenda navo mumba make, ndokuisa zvokudya pamberi pavo, akafara zvikuru, iye nemhuri yake yose, achitenda kuna Mwari.
Zvino kwakati kwaedza vatongi vakatuma mapurisa, vachiti, “Sunungurai vanhu vaya.”
Murindi wetorongo akaudza Pauro mashoko iwayo, achiti, “Vatongi vatuma shoko kuti musunungurwe; naizvozvo budai henyu zvino, muende norugare.”
Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutorongo; zvino voda kutibudisa chinyararire here? Haiwa kwete! Ngavauye vamene vatibudise.”
Mapurisa akaudza vatongi mashoko iwayo; vakatya vachinzwa kuti vaRoma; vakasvika, vakakumbira zvikuru kwavari; vakavabudisa, mutorongo ndokuvakumbira kuti vabve muguta ravo.
Ipapo vakabuda mutorongo, vakapinda mumba maRidhia; vakaona hama, vakavanyaradza, ndokuenda.