Mabasa 16:23-35
Mabasa 16:23-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwokurohwa zvikuru, vakaiswa mutorongo, uye muchengeti wetorongo akarayirwa kuti avachengetedze kwazvo. Akati agamuchira kurayira uku, akavaisa muchitokisi chomukati akasungirira tsoka dzavo pamatanda. Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera. Pakarepo pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru zvokuti nheyo dzetorongo dzakazungunuka. Kamwe kamwe masuo etorongo akazaruka, uye ngetani dzavanhu vose dzakasununguka. Muchengeti wetorongo akamuka, uye paakaona masuo etorongo azaruka akavhomora munondo wake akada kuzviuraya nokuti akafunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka. Asi Pauro akadanidzira achiti, “Usazvikuvadza! Tiri muno tose!” Muchengeti wetorongo akadanidzira kuti mwenje itungidzwe, akapinda achimhanya ndokusvikowira pamberi paPauro naSirasi achidedera. Ipapo akavabudisa kunze akati kwavari, “Vakuru, ndingaita sei kuti ndiponeswe?” Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.” Ipapo vakataura shoko raShe kwaari nokuna vose vakanga vari mumba. Nenguva yousiku iyoyo, muchengeti wetorongo akavatora akashambidza maronda avo; uye pakarepo, akabhabhatidzwa iye nemhuri yake. Muchengeti wetorongo akaenda navo kumba kwake akavagadzirira zvokudya; akazadzwa nomufaro nokuti akanga atenda kuna Mwari, iye nemhuri yake. Kwakati kwaedza, vatongi vakatuma vabati vavo kumuchengeti wetorongo neshoko rokuti: “Sunungura varume vaya.”
Mabasa 16:23-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vavarova zvikuru, vakavaisa mutorongo, vakarayira murindi wetorongo kuti avachengete kwazvo. Iye akati arayirwa kudaro, akavaisa mutorongo yomukati, akasunga makumbo avo mumatanda. Zvino panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavateerera. Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kukavapo, naizvozvo nheyo dzeimba dzikazununguswa; pakarepo misuo yose yeimba ikazarurwa, nemisungo yavose ikasununguka. Ipapo murindi wetorongo akapepuka, ndokuona mikova yetorongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzviuraya, achiti vasungwa vatiza. Ipapo Pauro akadanidzira nezwi guru, akati, “Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose.” Zvino akati akumbira mwenje, akamhanyiramo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, achibvunda; akavabudisira kunze, akati, “Vatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?” Vakati, “Tenda kuna Ishe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.” Vakaparidza shoko raMwari kwaari navose vaiva mumba make. Akavatora nenguva iyoyo yousiku, akakupa mavanga avo, ndokubhabhatidzwa pakarepo, iye navose vake. Akaenda navo mumba make, ndokuisa zvokudya pamberi pavo, akafara zvikuru, iye nemhuri yake yose, achitenda kuna Mwari. Zvino kwakati kwaedza vatongi vakatuma mapurisa, vachiti, “Sunungurai vanhu vaya.”
Mabasa 16:23-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakanga vavarova zvakanyanya, vakavaisa mujeri vachiti kune muchengeti wejeri anyatsovachengetedza kwazvo. Paakaudzwa izvi akavaisa mujeri romukatikati akavakachikira makumbo avo mumatanda. Pokunge pava pakati pousiku Pauro naSirasi vainge vachinamata vachikumbira vachiimbira Mwari dzimbo, vasungwa vachivateerera. Pakarepo pakave nokundengendeka kukuru zvokuti ugaro hweJeri hwakazunguzika. Pakarepo makonhi ose akazaruka. Majoti omunhu oga oga akabva asungunuka. Muchengeti wejeri paakamuka akaona kuti makonhi ejeri akanga akazaruka akazvomora bakatwa rake avakuda kuzviuraya achifunga kuti vasungwa vakanga vapunyuka. Asi Pauro akadaidzira nezwi guru achiti, “Usazvikuvadze zvako nokuti isu tose tiri muno.” Akadaidzira kuti kuuiwe nemwenje, ndokumhanyira mukati. Akandowira pamberi paPauro naSirasi achidedera nokutya. Akavabudisa akati, “Varume chii chandingaite kuti ndiponeswe?” Ivo vakati, “Tenda muna Tenzi Jesu uchaponeswa iwe nemhuri yako.” Vakataura kwaari Shoko raTenzi nokune vose vaiva mumba make. Akavatora panguva iyoyo yousiku akavashambidza maronda avo. Iye akabva aombekwa pakarepo pamwechete nemhuri yake yose. Akakwira navo kumba kwake akavapa chokudya akafara kwazvo nemba yake yose kuti akanga atenda kuna Mwari. Pakwakanga kwaedza vatongi vakatuma mapurisa vachiti, “Regai vanhu vaya vaende zvavo.”
Mabasa 16:23-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋaʋaroʋa ɀikuru, ʋakaʋaisa mutoroŋgo, ʋakaraira murindi wetoroŋgo kuti aʋaceŋgete kwaɀo. Iye akati arairwa kuɗaro, akaʋaisa mutoroŋgo yomukati, akasuŋga makumbo aʋo mumatanda. Ɀino paneŋge pakati poʋusiku, Pauro naSirasi ʋakaŋga ʋacinyeŋgetera nokuimbira Mŋari nziyo; ʋakaŋga ʋakasuŋgwa ʋakaʋaterera. Pakarepo kuɗeŋgenyeka kwenyika kukuru kukaʋa’po, naiɀoɀo nheyo dzeimba dzikazunuŋguswa; pakarepo mikoʋa yose yeimba ikazarurwa, nemisuŋgo yaʋose ikasunuŋguka. Ipapo murindi wetoroŋgo akapepuka, ndokuʋona mikoʋa yetoroŋgo yakazaruka, akavomora munondo wake, akaɗa kuɀiʋuraya, aciti ʋasuŋgwa ʋatiza. Ipapo Pauro akaɗanidzira nenzwi guru, akati: Usaɀikuʋadza, nokuti tiri muno tose. Ɀino wakati akumbira mŋenje, akamhanyira’mo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, acibvunda; akaʋaɓuɗisira kunze, akati: Ʋatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe? Ʋakati: Tenda kunaShe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako. Ʋakaparidza shoko raMŋari kwaari naʋose ʋaiʋa mumba make. Akaʋatora neŋguʋa iyeyo yoʋusiku, akakupa maʋaŋga aʋo, ndokubapatidzwa pakarepo, iye naʋose ʋake. Akaenda naʋo mumba make, ndokuisa ɀokudya pamberi paʋo, akafara ɀikuru, iye nemhuri yake yose, acitenda kunaMŋari. Ɀino kwakati kwaedza, ʋatoŋgi ʋakatuma mapurisa, ʋaciti: Sunuŋgurai ʋanhu ʋaya.
Mabasa 16:23-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)