Ɀino ʋakati ʋaʋaroʋa ɀikuru, ʋakaʋaisa mutoroŋgo, ʋakaraira murindi wetoroŋgo kuti aʋaceŋgete kwaɀo. Iye akati arairwa kuɗaro, akaʋaisa mutoroŋgo yomukati, akasuŋga makumbo aʋo mumatanda. Ɀino paneŋge pakati poʋusiku, Pauro naSirasi ʋakaŋga ʋacinyeŋgetera nokuimbira Mŋari nziyo; ʋakaŋga ʋakasuŋgwa ʋakaʋaterera. Pakarepo kuɗeŋgenyeka kwenyika kukuru kukaʋa’po, naiɀoɀo nheyo dzeimba dzikazunuŋguswa; pakarepo mikoʋa yose yeimba ikazarurwa, nemisuŋgo yaʋose ikasunuŋguka. Ipapo murindi wetoroŋgo akapepuka, ndokuʋona mikoʋa yetoroŋgo yakazaruka, akavomora munondo wake, akaɗa kuɀiʋuraya, aciti ʋasuŋgwa ʋatiza. Ipapo Pauro akaɗanidzira nenzwi guru, akati: Usaɀikuʋadza, nokuti tiri muno tose. Ɀino wakati akumbira mŋenje, akamhanyira’mo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, acibvunda; akaʋaɓuɗisira kunze, akati: Ʋatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe? Ʋakati: Tenda kunaShe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako. Ʋakaparidza shoko raMŋari kwaari naʋose ʋaiʋa mumba make. Akaʋatora neŋguʋa iyeyo yoʋusiku, akakupa maʋaŋga aʋo, ndokubapatidzwa pakarepo, iye naʋose ʋake. Akaenda naʋo mumba make, ndokuisa ɀokudya pamberi paʋo, akafara ɀikuru, iye nemhuri yake yose, acitenda kunaMŋari.
Ɀino kwakati kwaedza, ʋatoŋgi ʋakatuma mapurisa, ʋaciti: Sunuŋgurai ʋanhu ʋaya.