Mabasa 14:21-22
Mabasa 14:21-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakaparidza mashoko akanaka muguta iroro vakawana vadzidzi vazhinji kwazvo. Ipapo vakadzokera kuRistira, Ikoniamu nokuAndioki, vachisimbisa vadzidzi nokuvakurudzira kuti varambe vari pakutenda. Vakati, “Tinofanira kutambudzika kuti tipinde muumambo hwaMwari.”
Mabasa 14:21-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati vaparidza Vhangeri paguta iro, vakaita vadzidzi vazhinji, ndokudzokera Risitira, neIkonio, neAndioki, vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivarayira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, “Tinofanira kupinda ushe hwaMwari namadambudziko mazhinji.”
Mabasa 14:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakanga vaparidza Dama Rakanaka muguta iroro vakava navadzidzi vazhinji vakadzokera kuRisitira nokuIkoniumu nokuAndiyoku vachisimbisa vadzidzi vachivakurudzira kuenderera mberi nechitendero. Vaiti, kuti tipinde muumambo hwaMwari tinofanira kutopindamo nomumatambudziko akawanda.
Mabasa 14:21-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋaparidza Evaŋgeri paguta iro, ʋakaita ʋadzidzi ʋazhinji, ndokudzokera Ristra, neIkonio, neAntiokia, ʋacisimbisa mŋeya yaʋadzidzi, ʋaciʋaraira kuti ʋatsuŋgirire pakutenda, ʋaciti, tinofanira kupinda ʋushe bgaMŋari namaɗambudziko mazhinji.
Mabasa 14:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)