Mabasa 13:49-52
Mabasa 13:49-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko raShe rakapararira mudunhu rose. Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vaitya Mwari uye vaikudzikana navarume vairemekedzwa veguta, vakamutsira Pauro naBhanabhasi kutambudzwa, uye vakavadzinga mudunhu ravo. Saka vakazunza guruva patsoka dzavo vachiratidza kusafara pamusoro pavo ndokubva vaenda kuIkoniamu. Uye vadzidzi vakazadzwa nomufaro uye noMweya Mutsvene.
Mabasa 13:49-52 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shoko raIshe rikaparidzirwa kunyika yose. Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vainamata Mwari, vaikudzwa, navakuru veguta; vakamutsira Pauro naBhanabhasi dambudziko, vakavadzinga munyika yavo. Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo, vakaenda Ikonio. Vadzidzi vakaramba vachizadzwa nomufaro noMweya Mutsvene.
Mabasa 13:49-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko raMwari rakapararira munyika iyoyo. Asi vaJudha vakamutsa mweya usina kunaka pakati pamadzimai epamusoro, vanamati, navakuru vakuru vechirume vomuguta iroro vakatanga kutambudza Pauro naBhanabhasi vakavadzinga mudunhu ravo. Asi ivo vakazunza guruva patsoka dzavo rokuti vazviparira rushambwa, vakaenda kuIkoniumu. Vadzidzi vakazadzwa norufaro uye naMweya Mutsvene.
Mabasa 13:49-52 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shoko raShe rikaparidzirwa kunyika yose. Asi ʋaJuda ʋakakurudzira ʋakadzi ʋainamata Mŋari, ʋaikudzwa, naʋakuru ʋeguta; ʋakamutsira Pauro naBarnabasi ɗambudziko, ʋakaʋadziŋga munyika yaʋo. Asi iʋo ʋakazuza guruʋa patsoka dzaʋo, ʋakaenda Ikonio. Ʋadzidzi ʋakaramba ʋacizadzwa nomufaro noMŋeya Mutȿene.
Mabasa 13:49-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)