Mabasa 13:1-3
Mabasa 13:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro. Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira.” Saka vakati vapedza kutsanya nokunyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo vakavatuma.
Mabasa 13:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino pakereke yapaAndioki paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Bhanabhasi naSimeoni, ainzi Nigeri, naRukio weKurene, naManaeni akanga arerwa pamwechete naHerodhi mubati, naSauro. Vakati vachishumira Ishe, nokuzvinyima zvokudya, Mweya Mutsvene akati, “Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kubata basa randakavadanira.” Ipapo vakazvinyima zvokudya, vakanyengetera, vakaisa maoko pamusoro pavo, ndokuvaendesa.
Mabasa 13:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Musangano rokuAndiyoku maiva navaporofita navadzidzisi vaiti Bhanabhasi naSimeoni ainzi Mutema kouya Rusiasi wokuSairini naManaeni (akarerwa naHerodhi mutetiraki) naSauro. Pavainamata Tenzi uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vaite basa randavasarudzira. Mushure mokutsanya nokunamata vakaisa maoko avo pavari vakavaendesa.
Mabasa 13:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino pakereke yapaAntiokia paiʋa naʋaprofita naʋadzidzisi, ʋaiti: Barnabasi naSimeoni, wainzi Nigeri, naRukio weKurini, naManaeni wakaŋga arerwa pamŋe cete naHerode muɓati, naSauro. Ʋakati ʋacishumira Ishe, nokuɀinyima ɀokudya, Mŋeya Mutȿene akati: Nditsaurirei Barnabasi naSauro kuɓate‐ɓasa randakaʋaɗanira. Ipapo ʋakaɀinyima ɀokudya, ʋakanyeŋgetera, ʋakaisa maʋoko pamsoro paʋo, ndokuʋaendisa.
Mabasa 13:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)