2 Timoti 4:9-11
2 Timoti 4:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ita napaunogona napo pose kuti ukurumidze kuuya kwandiri, nokuti Dhemasi akada nyika yazvino, akandisiya akaenda kuTesaronika. Kiresenzi akaenda kuGaratia, uye Tito akaenda kuDharimatia. Ruka oga ndiye aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo paushumiri hwangu.
2 Timoti 4:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shingaira kuti ukurumidze kuuya kwandiri. Nokuti Dhemasi akandisiya, akada nyika yazvino, akaenda Tesaronika; Kiresenzi akaenda Garatiya, naTito akaenda Dharimatia. Ruka oga aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo pabasa.
2 Timoti 4:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Edza napaunogona kuuya kwandiri nokukurumidza nokuti, Dhemasi, pamusana pokuda zvapanyika pano, akanditiza akaenda kuTesaronika. Kiresenzia akaenda kuGaratia. Titosi akaendawo Dharimatia. Ruka chete ndiye aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anobatsira kwazvo nokundishandira kwaanoita.
2 Timoti 4:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shiŋgaira kuti ukurumidze kuʋuya kwandiri. Nokuti Demasi wakandisiya, akaɗa nyika yaɀino, akaenda Tesaronika; Kreske wakaenda Garatia, naTito wakaenda Darmatia. Ruka oga uneni. Tora Marko uʋuye naye, nokuti unondiɓatsira kwaɀo paɓasa.
2 Timoti 4:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)