2 Timoti 4:6-22
2 Timoti 4:6-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti ini ndava kutodururwa sechipiriso chinonwiwa, uye nguva yangu yokuenda yasvika. Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange yangu, ndachengeta kutenda kwangu. Zvino ndakachengeterwa korona yangu yokururama, yandichapiwa, naIshe, mutongi akarurama pazuva iro, uye kwete ini ndoga, asiwo nokuna vose vanoshuva kuonekwa kwake. Ita napaunogona napo pose kuti ukurumidze kuuya kwandiri, nokuti Dhemasi akada nyika yazvino, akandisiya akaenda kuTesaronika. Kiresenzi akaenda kuGaratia, uye Tito akaenda kuDharimatia. Ruka oga ndiye aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo paushumiri hwangu. Ndakatuma Tikikasi kuEfeso. Paunouya, uuye nejasi randakasiya naKapasi paTiroasi, uye uuye nebhuku rangu, zvikuru magwaro amatehwe. Arekizanda, mupfuri wendarira, akandiitira zvakaipa zvizhinji. Ishe achamutsiva pane zvaakaita. Newewo umuchenjerere, nokuti akapikisa zvikuru mashoko edu. Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga, hapana munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kupiwa mhosva nokuda kwaizvozvo. Asi Ishe akamira neni uye akandipa simba, kuti kubudikidza neni shoko riparidzwe zvakakwana uye kuti veDzimwe Ndudzi vose varinzwe. Uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba. Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni. Ndikwazisire Pirisira naAkwira neveimba yaOnesiferasi. Erastasi akasara kuKorinde, uye ndakasiya Tirofimasi paMiretasi achirwara. Ita napaunogona napo pose kuti uuye kuno chando chisati chasvika. Yubhurasi anokukwazisa, uyewo naPudhenzi, Rino, Kiraudhiyo nehama dzose. Ishe ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive newe.
2 Timoti 4:6-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ini ndotodururwa, nguva yokuenda kwangu yasvika. Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda; kubva zvino ndakachengeterwa korona yokururama, yandichapiwa naIshe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vakada kuonekwa kwake. Shingaira kuti ukurumidze kuuya kwandiri. Nokuti Dhemasi akandisiya, akada nyika yazvino, akaenda Tesaronika; Kiresenzi akaenda Garatiya, naTito akaenda Dharimatia. Ruka oga aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo pabasa. Asi Tikiko ndakamutuma Efeso. Nguo yandakasiya paTiroa kuna Karipo, uuye nayo pakuuya kwako, nebhuku, zvikuru magwaro amatehwe. Arekizanda, mupfuri wendarira, akandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva paakaita napo; newewo umuchenjere, nokuti akadzivisa zvikuru mashoko edu. Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga kwakanga kusina munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kuravirwa izvozvi. Asi Ishe akamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwazvo kuparidza kwangu, vahedheni vose vanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba. Ishe achandirwira pamabasa ose akaipa, achandiponesa ndipinde ushe hwake hwokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni. Ndikwazisirei Pirisika naAkwira, neimba yaOnesiforo. Erasito akasara paKorinde, asi Tirofimo ndakamusiya paMireto achirwara. Shingaira kuuya, chando chisati chasvika. Yubhuro, naPudhe, naRino, naKiraudhiya nehama dzose vanokukwazisa. Ishe ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive nemi.
2 Timoti 4:6-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kana ndiri ini ndatosvika pokuti ndichiitwa chibayiro. Nguva yangu yokuenda yasvika. Ini ndakarwisa zvakanaka; ndakapedza mujaho, ndakachengeta chitendero. Kubva zvino ndakachengeterwa chiremba choururami, chandakagadzirirwa naTenzi mutongi wakarurama chaachandipa paZuva riya riya, kwete ini ndoga asi vose vanofarira kuzviratidza kwake. Edza napaunogona kuuya kwandiri nokukurumidza nokuti, Dhemasi, pamusana pokuda zvapanyika pano, akanditiza akaenda kuTesaronika. Kiresenzia akaenda kuGaratia. Titosi akaendawo Dharimatia. Ruka chete ndiye aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anobatsira kwazvo nokundishandira kwaanoita. Tikikusi ndakamutuma kuEfeso. Kana wouya ndivigirewo bhachi randakasiya naKariposi kuTiroasi uye mabhuku zvikuru amatehwe ose okunyorera. Arekizanda, mupfuri wesimbi akandiitira zvakaipa zvikuru. Tenzi achamutsividza zviito zvake. Kana iwewo muchenjerere nokuti anopikisana kwazvo neshoko redu. Pakutongwa kwangu kwokutanga hapana akamira neni, vose vakanditiza. Dai vangorega kupihwa mhosva nazvo. Asi Tenzi ndiye akanditsigira akandipa simba kuti ndiparidze shoko zvizere kuti vechirudzi vose varinzwe. Ndizvozvo ndakanununurwa mukanwa meshumba. Tenzi achandinunura kumabasa ose akaipa achindichengetedzera umambo hwake hwokudenga. Iye ngaarumbidzwe narini narini. Ameni. Ndikwazisirewo Pirisika naAkwira nevemba yaOnesiforosi. Erasitosi akasara Kukorinde. Tirofimosi ndakamusiya achirwara kuMiretusi. Edza kuuya mwaka wechando usati wauya. Yubhurosi anokukwazisa naPudhenzi naRinusi naKiraudhia nevehama vose. Tenzi ngaave newe. Chikomborero chenyasha ngachive newe.
2 Timoti 4:6-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ini ndotoɗururwa, ŋguʋa yokuenda kwaŋgu yaȿika. Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwaŋgu, ndakaceŋgeta kutenda; Kubva ɀino ndakaceŋgeterwa korona yokururama, yandicapiwa naShe, Mutoŋgi wakarurama, nezuʋa irero; ndisini ndoga, asi naʋose ʋakaɗa kusinehanya kwake. Shiŋgaira kuti ukurumidze kuʋuya kwandiri. Nokuti Demasi wakandisiya, akaɗa nyika yaɀino, akaenda Tesaronika; Kreske wakaenda Garatia, naTito wakaenda Darmatia. Ruka oga uneni. Tora Marko uʋuye naye, nokuti unondiɓatsira kwaɀo paɓasa. Asi Tikiko ndakamutuma Efeso. Ŋguʋo yandakasiya paTroa kunaKarpo, uʋuye nayo pakuʋuya kwako, nebuku, ɀikuru magwaro amatebge. Areksandro, mupfuri wendarira, wakandiitira ɀakaipa ɀizhinji; Ishe ucamutsiʋa paakaita napo; newe ʋo umucenjere, nokuti wakadziʋisa ɀikuru mashoko eɗu. Pakuɀiɗaʋirira kwaŋgu kwokutaŋga kwakaŋga kusinomunhu wakandiɓatsira, asi ʋose ʋakandisiya. Ŋgaʋarege kuraʋirwa iɀoɀi. Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwaɀo kuparidza kwaŋgu, ʋahedeni ʋose ʋanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba. Ishe ucandirwira pamaɓasa ose akaipa, ucandiponesa ndipinde ʋushe bgake bgokuɗeŋga; kubginya ŋgakuʋe kwaari nokusiŋgaperi‐peri. Ameni. Ndikwazisirei Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo. Erasto wakasara paKorinte, asi Trofimo ndakamusiya paMireto acirwara. Shiŋgaira kuʋuya, cando cisati caȿika. Yuburo, naPude, naRina, naKraudia nehama dzose ʋanokukwazisa. Ishe ŋgaaʋe nomŋeya wako. Nyasha ŋgadziʋe nemi.
2 Timoti 4:6-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)