2 Timoti 4:16-17
2 Timoti 4:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga, hapana munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kupiwa mhosva nokuda kwaizvozvo. Asi Ishe akamira neni uye akandipa simba, kuti kubudikidza neni shoko riparidzwe zvakakwana uye kuti veDzimwe Ndudzi vose varinzwe. Uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba.
2 Timoti 4:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga kwakanga kusina munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kuravirwa izvozvi. Asi Ishe akamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwazvo kuparidza kwangu, vahedheni vose vanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba.
2 Timoti 4:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakutongwa kwangu kwokutanga hapana akamira neni, vose vakanditiza. Dai vangorega kupihwa mhosva nazvo. Asi Tenzi ndiye akanditsigira akandipa simba kuti ndiparidze shoko zvizere kuti vechirudzi vose varinzwe. Ndizvozvo ndakanununurwa mukanwa meshumba.
2 Timoti 4:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakuɀiɗaʋirira kwaŋgu kwokutaŋga kwakaŋga kusinomunhu wakandiɓatsira, asi ʋose ʋakandisiya. Ŋgaʋarege kuraʋirwa iɀoɀi. Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwaɀo kuparidza kwaŋgu, ʋahedeni ʋose ʋanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba.
2 Timoti 4:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)