2 Timoti 4:10-16
2 Timoti 4:10-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
nokuti Dhemasi akada nyika yazvino, akandisiya akaenda kuTesaronika. Kiresenzi akaenda kuGaratia, uye Tito akaenda kuDharimatia. Ruka oga ndiye aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo paushumiri hwangu. Ndakatuma Tikikasi kuEfeso. Paunouya, uuye nejasi randakasiya naKapasi paTiroasi, uye uuye nebhuku rangu, zvikuru magwaro amatehwe. Arekizanda, mupfuri wendarira, akandiitira zvakaipa zvizhinji. Ishe achamutsiva pane zvaakaita. Newewo umuchenjerere, nokuti akapikisa zvikuru mashoko edu. Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga, hapana munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kupiwa mhosva nokuda kwaizvozvo.
2 Timoti 4:10-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Dhemasi akandisiya, akada nyika yazvino, akaenda Tesaronika; Kiresenzi akaenda Garatiya, naTito akaenda Dharimatia. Ruka oga aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo pabasa. Asi Tikiko ndakamutuma Efeso. Nguo yandakasiya paTiroa kuna Karipo, uuye nayo pakuuya kwako, nebhuku, zvikuru magwaro amatehwe. Arekizanda, mupfuri wendarira, akandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva paakaita napo; newewo umuchenjere, nokuti akadzivisa zvikuru mashoko edu. Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga kwakanga kusina munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kuravirwa izvozvi.
2 Timoti 4:10-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti, Dhemasi, pamusana pokuda zvapanyika pano, akanditiza akaenda kuTesaronika. Kiresenzia akaenda kuGaratia. Titosi akaendawo Dharimatia. Ruka chete ndiye aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anobatsira kwazvo nokundishandira kwaanoita. Tikikusi ndakamutuma kuEfeso. Kana wouya ndivigirewo bhachi randakasiya naKariposi kuTiroasi uye mabhuku zvikuru amatehwe ose okunyorera. Arekizanda, mupfuri wesimbi akandiitira zvakaipa zvikuru. Tenzi achamutsividza zviito zvake. Kana iwewo muchenjerere nokuti anopikisana kwazvo neshoko redu. Pakutongwa kwangu kwokutanga hapana akamira neni, vose vakanditiza. Dai vangorega kupihwa mhosva nazvo.
2 Timoti 4:10-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Demasi wakandisiya, akaɗa nyika yaɀino, akaenda Tesaronika; Kreske wakaenda Garatia, naTito wakaenda Darmatia. Ruka oga uneni. Tora Marko uʋuye naye, nokuti unondiɓatsira kwaɀo paɓasa. Asi Tikiko ndakamutuma Efeso. Ŋguʋo yandakasiya paTroa kunaKarpo, uʋuye nayo pakuʋuya kwako, nebuku, ɀikuru magwaro amatebge. Areksandro, mupfuri wendarira, wakandiitira ɀakaipa ɀizhinji; Ishe ucamutsiʋa paakaita napo; newe ʋo umucenjere, nokuti wakadziʋisa ɀikuru mashoko eɗu. Pakuɀiɗaʋirira kwaŋgu kwokutaŋga kwakaŋga kusinomunhu wakandiɓatsira, asi ʋose ʋakandisiya. Ŋgaʋarege kuraʋirwa iɀoɀi.
2 Timoti 4:10-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)