2 Timoti 4:1-8
2 Timoti 4:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinokurayira pamberi paMwari naKristu Jesu, achatonga vapenyu navakafa uye pamusoro pokuonekwa kwake noushe hwake kuti: Paridza shoko; ugare wakagadzirira panguva yakafanira kunyange isakafanira; rayira, tsiura, uye ukurudzire nomwoyo murefu zvikuru uye nokudzidzisa zvakanaka. Nokuti nguva ichasvika vanhu pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve dzavo. Vachafuratidza nzeve dzavo kuchokwadi uye vachatsaukira kungano. Asi iwe, usvinure pazvinhu zvose, tsungirira pamatambudziko, uite basa romuvhangeri, uite mabasa ose oushumiri hwako. Nokuti ini ndava kutodururwa sechipiriso chinonwiwa, uye nguva yangu yokuenda yasvika. Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange yangu, ndachengeta kutenda kwangu. Zvino ndakachengeterwa korona yangu yokururama, yandichapiwa, naIshe, mutongi akarurama pazuva iro, uye kwete ini ndoga, asiwo nokuna vose vanoshuva kuonekwa kwake.
2 Timoti 4:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinokupupurira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, iye achatonga vapenyu navakafa pakuonekwa kwake noushe hwake; paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; rayira, tuka, ranga nomwoyo murefu zvikuru nokudzidzisa. Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi, vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachazviunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo, vachifuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitsaukira kungano. Asi iwe svinura pazvinhu zvose, tambudzika, bata basa romuvhangeri, upedzise basa rako kwazvo. Nokuti ini ndotodururwa, nguva yokuenda kwangu yasvika. Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda; kubva zvino ndakachengeterwa korona yokururama, yandichapiwa naIshe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vakada kuonekwa kwake.
2 Timoti 4:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinokukomeresa pamberi paMwari uye pamberi paKristu Jesu achazotonga vapenyu navakafa, pamberi paiye achazozviratidza muumambo hwake. Paridza shoko. Ramba uchingoriparidza panguva yarinofanira kuparidzwa kana panguva isiri yokuriparidza. Vataurire vazvinzwe; tsiura; uye vakurudzire. Usanete kuva nomwoyo murefu uye usanete kudzidzisa. Nokuti nguva iri kuuya vanhu pavanenge vasisadi chidzidziso chechokwadi vave nenzeve dzinovava vachizviunganidzira vadzidzisi vanowirirana nezvavanoda. Vachafuratira chokwadi votendeukira kune zvengano. Iwe ramba wakasimba, tirira matambudziko. Ita basa romuparidzi weShoko Rakanaka. Ita basa rako. Kana ndiri ini ndatosvika pokuti ndichiitwa chibayiro. Nguva yangu yokuenda yasvika. Ini ndakarwisa zvakanaka; ndakapedza mujaho, ndakachengeta chitendero. Kubva zvino ndakachengeterwa chiremba choururami, chandakagadzirirwa naTenzi mutongi wakarurama chaachandipa paZuva riya riya, kwete ini ndoga asi vose vanofarira kuzviratidza kwake.
2 Timoti 4:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinokupupurira kwaɀo pamberi paMŋari, naKristu Jesu, iye ucatoŋga ʋapenyu naʋakafa pakuʋonekwa kwake noʋushe bgake; paridza shoko; ramba uciɗaro neŋguʋa yakafanira, kunyaŋge isakafanira; raira, tuka, raŋga nomŋoyo murefu ɀikuru nokudzidzisa. Nokuti ŋguʋa icaȿika yaʋacaramba kutendera dzidziso yakarurama, asi, ʋaciɗa kufadzwa panzeʋe dzaʋo, ʋacaɀiʋuŋganidzira ʋadzidzisi pakuciʋa kwaʋo, ʋacifuratidza nzeʋe dzaʋo paɀokwaɗi, ʋacitsaukira kuŋgano. Asi iwe ȿinura paɀinhu ɀose, tambudzika, ɓata ɓasa romuevaŋgeri, upedzise ɓasa rako kwaɀo. Nokuti ini ndotoɗururwa, ŋguʋa yokuenda kwaŋgu yaȿika. Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwaŋgu, ndakaceŋgeta kutenda; Kubva ɀino ndakaceŋgeterwa korona yokururama, yandicapiwa naShe, Mutoŋgi wakarurama, nezuʋa irero; ndisini ndoga, asi naʋose ʋakaɗa kusinehanya kwake.
2 Timoti 4:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)