Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Timoti 1:8-18

2 Timoti 1:8-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Saizvozvo usanyare kupupurira Tenzi wedu kana kundipupurirawo ini musungwa wake, nesimba raunopiwa naMwari. Chikonzero chiri chokuti utambudzikewo pamwechete neni pamusana peShoko Rakanaka raiye akatinunura akatidaidza nokudaidza kunoera, kwete nokuda kwamabasa edu asi pamusana pezvirongwa zvake uye pamusana penyasha dzake dzaakatipa muna Kristu Jesu karekareko. Asi iye zvino akaratidzwa pachena nokuzvionesa kwomununuri wedu Kristu Jesu akaparadza rufu akaunza upenyu ndokuratidza pachena, nokuShoko Rakanaka, upenyu nokusafa. Ndakasarudzwa kuva muparidzi nomupositori nomudzidzisi weShoko Rakanaka iroro, nokuda kwaizvozvi ndinotambudzika kudai, asi handinyari nokuti ndinoziva wandakatenda maari uye ndine chokwadi chokuti anokwanisa kuchengetedza zvakaiswa mumaoko mangu kusvikira Zuva iroro. Nyatsochengetedza mashoko ezviro kwazvo awakanzwa kwandiri somuenzaniso waunofanira kutevera uri muchitendero norudo zvinowanikwa muna Kristu Jesu. Chengetedza chokwadi chakaiswa mumaoko ako naMweya Mutsvene anogara matiri. Iwe unoziva kuti vose vari muAsia vakandisiya. Vamwe vavo ndavana Figerasi naHerimoganesi. Dai Mwari angoitira veimba yaOnesiforusi tsitsi nokuti akandinyaradza kazhinji. Hazvaimbomunyadzisa kuti ini ndaiva muusungwa. Zvokuti paakasvika kuRoma akanditsvaka nemeso matsvuku akandiwana. Dai Tenzi angomuitira tsiye nyoro dzinobva kuna iye Tenzi Pazuva Iroro. Iwe unonyatsoziva basa rose raakaita kuEfesusi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 2 Timoti 1

2 Timoti 1:8-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)