2 Timoti 1:8-18
2 Timoti 1:8-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka usanyadziswa nokupupura Ishe wedu, kana kunyadziswa neni musungwa wake. Asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kwevhangeri, nesimba raMwari, akatiponesa uye akatidanira kuupenyu hutsvene, kwete nokuda kwechinhu chatakaita asi kuti nokuda kwake iye, uye nenyasha. Nyasha idzi takadzipiwa muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo, asi zvino dzakaratidzwa nokuonekwa kwoMuponesi wedu Kristu Jesu, akaparadza rufu uye akabudisa pachena upenyu nokusafa kubudikidza nevhangeri. Uye ndakaitwa muparidzi, mupostori nomudzidzisi wevhangeri iri. Ndokusaka ndichitambudzika sezvandiri kuita. Asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva iroro. Zvawakanzwa kubva kwandiri, zvichengete sedzidziso yechokwadi, nokutenda norudo muna Kristu Jesu. Chengetedza chakanaka chiri mauri chawakapiwa, chichengetedze uchibatsirwa naMweya Mutsvene anogara matiri. Unoziva kuti vose vari mudunhu reEzhia vakandisiya, kusanganisirawo naFigerasi naHerimogenesi. Ishe ngaaitire imba yaOnesiferasi ngoni, nokuti kazhinji anondisimbisa uye haana kunyadziswa nengetani dzangu. Asi kutoti, paakanga ari muRoma, akanditsvaga kwazvo kusvikira andiwana. Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kubva kuna Ishe pazuva iro! Iwe unoziva kwazvo kuti akandibatsira zvikuru sei muEfeso.
2 Timoti 1:8-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo usanyadziswa nokupupurira Ishe wedu, kana ini, musungwa wake, asi utambudzike pamwechete neni nokuda kweVhangeri nesimba raMwari, akatiponesa, akatidana nokudana kutsvene, zvisingabvi pamabasa edu, asi nokufunga kwake, nenyasha dzaakatiitira muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo, asi kwakaratidzwa zvino nokuonekwa kwoMuponesi wedu, Kristu Jesu, iye akaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nokusaora nenzira yeVhangeri, yandakaitwa muparidzi, nomupostori, nomudzidzisi wayo. Nemhaka iyi ndinotambudzikawo nezvinhu izvi, asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva irero. Batisisa zvawakaratidzwa zvamashoko akarurama, izvo zvawakanzwa kwandiri mukutenda norudo ruri muna Kristu Jesu. Icho chakanaka, chawakapiwa, uchichengete naMweya Mutsvene anogara matiri. Unozviziva hako kuti vose vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo panaFigero naHerimogene. Ishe ngaaitire imba yaOnesiforo ngoni, nokuti kazhinji akandisimbisa, asinganyadziswi neketani yangu. Asi akati asvika Roma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana. (Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kuna Ishe nezuva irero); newe unoziva kwazvo hukuru hwokushumira kwake paEfeso.
2 Timoti 1:8-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo usanyare kupupurira Tenzi wedu kana kundipupurirawo ini musungwa wake, nesimba raunopiwa naMwari. Chikonzero chiri chokuti utambudzikewo pamwechete neni pamusana peShoko Rakanaka raiye akatinunura akatidaidza nokudaidza kunoera, kwete nokuda kwamabasa edu asi pamusana pezvirongwa zvake uye pamusana penyasha dzake dzaakatipa muna Kristu Jesu karekareko. Asi iye zvino akaratidzwa pachena nokuzvionesa kwomununuri wedu Kristu Jesu akaparadza rufu akaunza upenyu ndokuratidza pachena, nokuShoko Rakanaka, upenyu nokusafa. Ndakasarudzwa kuva muparidzi nomupositori nomudzidzisi weShoko Rakanaka iroro, nokuda kwaizvozvi ndinotambudzika kudai, asi handinyari nokuti ndinoziva wandakatenda maari uye ndine chokwadi chokuti anokwanisa kuchengetedza zvakaiswa mumaoko mangu kusvikira Zuva iroro. Nyatsochengetedza mashoko ezviro kwazvo awakanzwa kwandiri somuenzaniso waunofanira kutevera uri muchitendero norudo zvinowanikwa muna Kristu Jesu. Chengetedza chokwadi chakaiswa mumaoko ako naMweya Mutsvene anogara matiri. Iwe unoziva kuti vose vari muAsia vakandisiya. Vamwe vavo ndavana Figerasi naHerimoganesi. Dai Mwari angoitira veimba yaOnesiforusi tsitsi nokuti akandinyaradza kazhinji. Hazvaimbomunyadzisa kuti ini ndaiva muusungwa. Zvokuti paakasvika kuRoma akanditsvaka nemeso matsvuku akandiwana. Dai Tenzi angomuitira tsiye nyoro dzinobva kuna iye Tenzi Pazuva Iroro. Iwe unonyatsoziva basa rose raakaita kuEfesusi.
2 Timoti 1:8-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo usanyadziswa nokupupurira Ishe weɗu, kana ini, musuŋgwa wake, asi utambudzike pamŋe cete neni nokuɗa kweEvaŋgeri nesimba raMŋari, wakatiponesa, akatiɗana nokuɗana kutȿene, ɀisiŋgabvi pamaɓasa eɗu, asi nokufuŋga kwake, nenyasha dzaakatiitira munaKristu Jesu ŋguʋa dzisati dzaʋa’po, asi kwakaratidzwa ɀino nokuʋonekwa kwoMuponesi weɗu, Kristu Jesu, iye wakaparadza rufu, akaɓuɗisa pacena ʋupenyu nokusaʋora nenzira yeEvaŋgeri, yandakaitwa muparidzi, nomuapostora, nomudzidzisi wayo. Nemhaka iyi ndinotambudzika ʋo neɀinhu iɀi, asi handinyadziswi, nokuti ndinoziʋa wandakatenda, ndinoziʋa kwaɀo kuti unogona kuceŋgeta candakamupa kuȿikira zuʋa irero. Ƃatisisa ɀawakaratidzwa ɀamashoko akarurama, iɀo ɀawakanzwa kwandiri mukutenda noruɗo ruri munaKristu Jesu. Ico cakanaka, cawakapiwa, uciceŋgete noMŋeya Mutȿene unogara matiri Unoɀiziʋa hako kuti ʋose ʋari paAsia ʋakandifuratira; pakati paʋo panaFigero naHermogene. Ishe ŋgaaitire imba yaOnesiforo ŋgoni, nokuti kazhinji wakandisimbisa, asiŋganyadziswi neketani yaŋgu. Asi wakati aȿika Roma, akanditȿaka ɀikuru, akandiwana. (Ishe ŋgaamuitire cinhu ici kuti awane ŋgoni kunaShe nezuʋa irero); newe unoziʋa kwaɀo ʋukuru bgokushumira kwake paEfeso.
2 Timoti 1:8-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)