2 Timoti 1:7-10
2 Timoti 1:7-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora. Saka usanyadziswa nokupupura Ishe wedu, kana kunyadziswa neni musungwa wake. Asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kwevhangeri, nesimba raMwari, akatiponesa uye akatidanira kuupenyu hutsvene, kwete nokuda kwechinhu chatakaita asi kuti nokuda kwake iye, uye nenyasha. Nyasha idzi takadzipiwa muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo, asi zvino dzakaratidzwa nokuonekwa kwoMuponesi wedu Kristu Jesu, akaparadza rufu uye akabudisa pachena upenyu nokusafa kubudikidza nevhangeri.
2 Timoti 1:7-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi wesimba, noworudo, nowokuzvidzora. Naizvozvo usanyadziswa nokupupurira Ishe wedu, kana ini, musungwa wake, asi utambudzike pamwechete neni nokuda kweVhangeri nesimba raMwari, akatiponesa, akatidana nokudana kutsvene, zvisingabvi pamabasa edu, asi nokufunga kwake, nenyasha dzaakatiitira muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo, asi kwakaratidzwa zvino nokuonekwa kwoMuponesi wedu, Kristu Jesu, iye akaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nokusaora nenzira yeVhangeri
2 Timoti 1:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti Mwari haana kutipa mweya woumbwende asi mweya wesimba norudo nowokuzvibata. Saizvozvo usanyare kupupurira Tenzi wedu kana kundipupurirawo ini musungwa wake, nesimba raunopiwa naMwari. Chikonzero chiri chokuti utambudzikewo pamwechete neni pamusana peShoko Rakanaka raiye akatinunura akatidaidza nokudaidza kunoera, kwete nokuda kwamabasa edu asi pamusana pezvirongwa zvake uye pamusana penyasha dzake dzaakatipa muna Kristu Jesu karekareko. Asi iye zvino akaratidzwa pachena nokuzvionesa kwomununuri wedu Kristu Jesu akaparadza rufu akaunza upenyu ndokuratidza pachena, nokuShoko Rakanaka, upenyu nokusafa.
2 Timoti 1:7-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Mŋari haana‐kutipa mŋeya wokutya, asi wesimba, noworuɗo, nowokuɀidzora. Naiɀoɀo usanyadziswa nokupupurira Ishe weɗu, kana ini, musuŋgwa wake, asi utambudzike pamŋe cete neni nokuɗa kweEvaŋgeri nesimba raMŋari, wakatiponesa, akatiɗana nokuɗana kutȿene, ɀisiŋgabvi pamaɓasa eɗu, asi nokufuŋga kwake, nenyasha dzaakatiitira munaKristu Jesu ŋguʋa dzisati dzaʋa’po, asi kwakaratidzwa ɀino nokuʋonekwa kwoMuponesi weɗu, Kristu Jesu, iye wakaparadza rufu, akaɓuɗisa pacena ʋupenyu nokusaʋora nenzira yeEvaŋgeri
2 Timoti 1:7-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)