2 Timoti 1:15-18
2 Timoti 1:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Unoziva kuti vose vari mudunhu reEzhia vakandisiya, kusanganisirawo naFigerasi naHerimogenesi. Ishe ngaaitire imba yaOnesiferasi ngoni, nokuti kazhinji anondisimbisa uye haana kunyadziswa nengetani dzangu. Asi kutoti, paakanga ari muRoma, akanditsvaga kwazvo kusvikira andiwana. Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kubva kuna Ishe pazuva iro! Iwe unoziva kwazvo kuti akandibatsira zvikuru sei muEfeso.
2 Timoti 1:15-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Unozviziva hako kuti vose vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo panaFigero naHerimogene. Ishe ngaaitire imba yaOnesiforo ngoni, nokuti kazhinji akandisimbisa, asinganyadziswi neketani yangu. Asi akati asvika Roma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana. (Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kuna Ishe nezuva irero); newe unoziva kwazvo hukuru hwokushumira kwake paEfeso.
2 Timoti 1:15-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iwe unoziva kuti vose vari muAsia vakandisiya. Vamwe vavo ndavana Figerasi naHerimoganesi. Dai Mwari angoitira veimba yaOnesiforusi tsitsi nokuti akandinyaradza kazhinji. Hazvaimbomunyadzisa kuti ini ndaiva muusungwa. Zvokuti paakasvika kuRoma akanditsvaka nemeso matsvuku akandiwana. Dai Tenzi angomuitira tsiye nyoro dzinobva kuna iye Tenzi Pazuva Iroro. Iwe unonyatsoziva basa rose raakaita kuEfesusi.
2 Timoti 1:15-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unoɀiziʋa hako kuti ʋose ʋari paAsia ʋakandifuratira; pakati paʋo panaFigero naHermogene. Ishe ŋgaaitire imba yaOnesiforo ŋgoni, nokuti kazhinji wakandisimbisa, asiŋganyadziswi neketani yaŋgu. Asi wakati aȿika Roma, akanditȿaka ɀikuru, akandiwana. (Ishe ŋgaamuitire cinhu ici kuti awane ŋgoni kunaShe nezuʋa irero); newe unoziʋa kwaɀo ʋukuru bgokushumira kwake paEfeso.
2 Timoti 1:15-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)