2 Samueri 9:6-13
2 Samueri 9:6-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro akati asvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake kuti aratidze rukudzo. Dhavhidhi akati, “Mefibhosheti!” Iye akapindura akati, “Ndini muranda wenyu.” Dhavhidhi akati kwaari, “Usatya hako, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira tsitsi nokuda kwababa vako Jonatani. Ndichadzosera kwauri nyika yose yakanga iri yasekuru vako Sauro, uye uchadya patafura yangu nguva dzose.” Mefibhosheti akakotamira pasi akati, “Muranda wenyu chiiko, zvamunorangarira imbwa yakafa yakaita seni?” Ipapo mambo akadana Zibha, muranda waSauro, akati kwaari, “Ndapa muzukuru wavatenzi vako zvose zvakanga zviri zvaSauro nemhuri yake. Iwe navana vako navaranda vako ndimi muchamurimira minda mugokohwa zvirimwa, kuti muzukuru wavatenzi vako awane zvokudya. Mefibhosheti, muzukuru wavatenzi vako, achadya patafura yangu nguva dzose.” Zvino Zibha aiva navanakomana gumi navashanu navaranda makumi maviri. Ipapo Zibha akati kuna mambo, “Muranda wenyu achaita zvose zvamunomurayira kuti aite imi, ishe wangu namambo. Naizvozvo Mefibhosheti akadya patafura yaDhavhidhi somumwe wavanakomana vamambo.” Mefibhosheti akanga ane mwanakomana mudiki ainzi Mika, uye vose veimba yaZibha vakanga vari varanda vaMefibhosheti. Saka Mefibhosheti akagara muJerusarema nokuti aigara achidya patafura yamambo, uye akanga akaremara tsoka dzake dzose.

2 Samueri 9:6-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, akasvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake, akamupfugamira. Dhavhidhi akati, “Mefibhosheti!” Iye akapindura akati, “Tarirai muranda wenyu.” Dhavhidhi akati kwaari, “Usatya, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka nokuda kwaJonatani baba vako, uye ndichakudzosera nyika yose yababa vako Sauro; iwe uchagara uchidya zvokudya patafura yangu.” Iye akamupfugamira akati, “Muranda wenyu chinyiko, zvamakatarira imbwa yakafa seni?” Ipapo mambo akadana Zibha muranda waSauro, akati kwaari, “Zvose zvakanga zviri zvaSauro neimba yake yose, ndakazvipa mwanakomana watenzi wako. Iwe unofanira kumurimira minda, iwe navanakomana vako, navaranda vako, nokukohwa mbesa kuti mwanakomana watenzi wako ave nezvokudya zvaangadya; asi Mefibhosheti mwanakomana watenzi wako, uchagara achidya zvokudya patafura yangu.” Zvino Zibha waiva navanakomana vane gumi navashanu navaranda vana makumi maviri. Ipapo Zibha akati kuna mambo, “Muranda wenyu uchaita zvose zvinorairwa muranda wenyu nashe wangu mambo.” Mambo akati, “Kana ari Mefibhosheti, iye ucharamba achidya patafura yangu, somumwe wavanakomana vamambo.” Zvino Mefibhosheti waiva nomwanakomana muduku, wainzi Mika. Uye vose vakanga vagere mumba maZibha vaiva varanda vaMefibhosheti. Naizvozvo Mefibhosheti wakagara Jerusaremu, nokuti waigara achidya patafura yamambo; wakanga akaremara tsoka dzake dzose.
2 Samueri 9:6-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mefibhosheti, mwanakomana waJonatani mwana waSauro, akauya kuna Dhavhidhi akasvikomugwadamira achimuremekedza. Dhavhidhi akati, “Mefibhosheti,” Iye akati, “Ndini muranda wenyu changamire.” Dhavhidhi akati kwaari, “Usatye zvako nokuti zvokukuitira mwoyochena ndinofanira kukuitira mwoyochena chaizvo pamusana pababa wako Jonatani. Ndichadzosera kwauri minda yose yokwaSauro vasekuru vako, uyezve uchange uchidya pamwechete neni pateburu yangu nguva dzose.” Iye akamugwadamira kumuremekedza akati, “Ko iyeni muranda wenyu ndiri chiiwo zvangu, kwamuri iyemi, imbwawo zvangu yakafa kudai, wamungabva matarisawo kudai.” Mambo akadaidza Zibha muranda waSauro akamuti, “Zvose zvokwaSauro nemhuri yake yose ndazvipa kumwanakomana watenzi wako. Zvino iwe navanakomana vako navaranda vako munofanira kumurimira munda muchimuigira zvinobva mumundamo kuitira kuti mwanakomana watenzi wako awane chokudya. Asi Mefibhosheti uyu mwanakomana watenzi wako achange achidya chokudya pamwechete neni pateburu yangu nguva dzose.” Zvino Zibha aiva navana vakomana gumi navashanu navaranda makumi maviri. Zibha akati kuna mambo, “Changamire mambo, zvose zvamati ini muranda wenyu ndiite ndozvandichaita.” Nokudaro Mefibhosheti akazenge ava kudya pamwechete naDhavhidhi pateburu yake sezvakangoitawo mumwe mwanakomana wamambo. Mefibhosheti aiva nomwana muduku mukomana ainzi Mika. Vose vaigara mumusha waZibha vakabva vava varanda vaMefibhosheti. Naizvozvo Mefibhosheti akagara muJerusaremu nokuti ainge achidya pamwechete namambo pateburu yake. Izvozvo akanga akaremara makumbo ake ose ari maviri.
2 Samueri 9:6-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo Mefibosheti mŋanakomana waJonatani, mŋanakomana waSauro, akaȿika kunaDavidi, akawira pasi neciso cake, akamufugamira. Davidi akati: Mefibosheti! Iye akapindura, akati: Tarirai muranda wenyu. Davidi akati kwaari: Usatya, nokuti ɀirokwaɀo ndicakuitira ɀakanaka nokuɗa kwaJonatani ɓaɓa ʋako, ʋuye ndicakudzosera nyika yose yaɓaɓa ʋako Sauro; iwe ucagara ucidya ɀokudya patafura yaŋgu. Iye akamufugamira, akati: Muranda wenyu cinyiko, ɀamakatarira imbga yakafa seni? Ipapo mambo akaɗana Ziba muranda waSauro, akati kwaari: Ɀose ɀakaŋga ɀiri ɀaSauro neimba yake yose, ndakaɀipa mŋanakomana watenzi wako. Iwe unofanira kumurimira minda, iwe naʋanakomana ʋako, naʋaranda ʋako, nokukohwa micero, kuti mŋanakomana watenzi wako aʋe neɀokudya ɀaaŋgadya; asi Mefibosheti mŋanakomana watenzi wako, ucagara acidya ɀokudya patafura yaŋgu. Ɀino Ziba waiʋa naʋanakomana ʋanegumi naʋashanu naʋaranda ʋanamakumi maʋiri. Ipapo Ziba akati kunamambo: Muranda wenyu ucaita ɀose ɀinorairwa muranda wenyu nashe waŋgu mambo. Mambo akati: Kana ari Mefibosheti, iye ucaramba acidya patafura yaŋgu, somumŋe waʋanakomana ʋamambo. Ɀino Mefibosheti waiʋa nomŋanakomana muɗuku, wainzi Mika. Ʋuye ʋose ʋakaŋga ʋagere mumba maZiba ʋaiʋa ʋaranda ʋaMefibosheti. Naiɀoɀo Mefibosheti wakagara Jerusarema, nokuti waigara acidya patafura yamambo; wakaŋga akaremara tsoka dzake dzose.
2 Samueri 9:6-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)