2 Samueri 3:27-29
2 Samueri 3:27-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kuzoti Abhineri adzoka paHebhuroni, Joabhu akamutora akaenda naye parutivi, pakati pesuo sokunge aida kutaura naye muchivande. Zvino ipapo, kuti atsive ropa raAsaheri mununʼuna wake, Joabhu akamubaya padumbu, ndokubva afa. Shure kwokunge Dhavhidhi anzwa nezvazvo, akati, “Ini noushe hwangu hatina mhosva nokusingaperi pamberi paJehovha pamusoro peropa raAbhuneri mwanakomana waNeri. Ropa rake ngarive pamusoro waJoabhu nepaimba yababa vake yose! Imba yaJoabhu ngairege kushaya munhu ane ronda risingapori, kana ana maperembudzi, kana anofamba nomudonzvo, kana anourayiwa nomunondo, kana anoshayiwa zvokudya.”
2 Samueri 3:27-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Abhineri wakati adzoswa Hebhuroni, Joabhu akaenda naye vari voga pakati peSuo, kuti ataurirane naye vari voga, akamubayapo nomudumbu, akafa, nokuda kweropa romunun’una wake Ashaheri. Pashure Dhavhidhi wakati achizvinzwa, akati, “Ini noushe hwangu hatine mhosva pamberi paJehovha nokusingaperi pamusoro peropa raAbhineri mwanakomana waNeri; ngazvive pamusoro waJoabhu napamusoro peimba yose yababa vake; imba yaJoabhu igare ina vanhu vane hosha yokuyerera, kana vane maperembudzi, kana vanodonzva nomudonzvo, kana vanourawa nomunondo, kana vanoshaiwa zvokudya.”
2 Samueri 3:27-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakadzoka Abhuneru kuHebhuroni, Joabhu akamutora akaenda naye parutivi munhandare yesuo guru reguta kuti ambotaurirana zvake kazevezeve naye. Ipapo ndopaakamubhovhora mudumbu akabva afa kuri kutsividza ropa romunun'una wake Asaheri raakadeura. Kuzoti Dhavhidhi paakazvinzwa akati, “Ini nevokwangu tichagara nariini wose tisina mhosva pana Tenzi yokudeura ropa raAbhuneru mwanakomana waNeru. Ngaipfukire iye Joabhu navose vemba yokwababa vake. Mumhuri yokwaJoabhu ngamurege kushayikwa vanhu vanotambura neizvi zvinoti: chirwere chezvinobuda mumuviri, namaperembudzi navanotoda mudonzvo kuti vafambe navanoita zvokuurayiwa nebakatwa kana vanofa nenzara!”
2 Samueri 3:27-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Abineri wakati adzoswa Hebroni, Joabi akaenda naye ʋari ʋoga pakati pesuʋo, kuti ataurirane naye ʋari ʋoga, akamuɓaya’po nomuɗumbu, akafa, nokuɗa kweropa romunuŋuna wake Asaheri. Pashure Davidi wakati aciɀinzwa, akati: Ini noʋushe bgaŋgu hatinemhoȿa pamberi paJehova nokusiŋgaperi pamsoro peropa raAbineri mŋanakomana waNeri; ŋgaɀiʋe pamusoro waJoabi napamsoro peimba yose yaɓaɓa ʋake; imba yaJoabi igare inaʋanhu ʋanehosha yokuyerera, kana ʋanamaperembudzi, kana ʋanoɗonɀa nomuɗonɀo, kana ʋanoʋurawa nomunondo, kana ʋanoshaiwa ɀokudya.
2 Samueri 3:27-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)