Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 22:1-51

2 Samueri 22:1-51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Dhavhidhi akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva muruoko rwavavengi vake vose nomuruoko rwaSauro. Akati: “Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu uye mununuri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari, nhoo yangu, norunyanga rworuponeso rwangu. Ndiye nhare yangu, utiziro hwangu nomuponesi wangu, munondiponesa pavanhu vanoita nechisimba. Ndinodana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu. “Mafungu orufu akandikomba; mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza. Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakandivinga. Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadanidzira kuna Mwari wangu. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake. “Nyika yakadedera uye ikazungunuka, nheyo dzokudenga dzakadengenyeka; dzakadedera nokuti akanga atsamwa. Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akapfutamo. Akakamura matenga akaburuka pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake. Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka mudenga denga pamapapiro emhepo. Akaita kuti rima rimupoteredze setende, iwo makore matema emvura yokudenga. Kubva pakupenya kwokuvapo kwake mabhananʼana emheni akapenya. Jehovha akatinhira ari kudenga; inzwi reWokumusoro-soro rakanzwikazve. Akapfura miseve akaparadzira vavengi, mabhananʼana emheni akavaparadza. Mipata yegungwa yakaiswa pachena uye nheyo dzenyika dzakabudiswa pachena nokutuka kwaJehovha, nokufema kwomweya wemhino dzake. “Akatambanudza ruoko ari kudenga akandibata; akandibudisa kubva pamvura yakadzika. Akandinunura kubva pamuvengi wangu ane simba, kubva kuvavengi, vakanga vachindikurira pasimba. Vakandivinga muzuva renjodzi yangu, asi Jehovha akanga ari mutsigiri wangu. Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana; akandinunura nokuti akanga achindifarira. “Jehovha akandiitira zviri maererano nokururama kwangu; maererano nokuchena kwamaoko angu, akandipa mubayiro. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha; handina kuita chakaipa ndichitsauka kubva kuna Mwari wangu. Mirayiro yake yose iri pamberi pangu; handina kutsauka kubva pamitemo yake. Ndakanga ndisina chandinopomerwa pamberi pake, uye ndakazvichengeta kuti ndirege kutadza. Jehovha akandipa mubayiro maererano nokururama kwangu, maererano nokuchema kwangu pamberi pake. “Kune vakatendeka munoratidza kutendeka kwenyu, kune vasina chavanopomerwa munoratidza kusapomerwa kwenyu, kune vakachena munozviratidza makachena, asi kune vasakarurama munozviratidza nehasha. Munoponesa vanozvininipisa, asi meso enyu ari pamusoro pavanozvikudza kuti muvaderedze. Imi muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha anoshandura rima rangu kuti rive chiedza. Norubatsiro rwenyu ndinogona kuenda kundorwa neboka ravarwi; naMwari wangu ndinogona kukwira rusvingo. “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; shoko raJehovha harina charingapomerwa. Ndiye nhoo yavose vanovanda maari. Nokuti ndianiko Mwari kunze kwaJehovha? Uye ndianiko Dombo kunze kwaMwari wedu? NdiMwari anondishongedza nesimba uye anoruramisa nzira yangu. Anoita tsoka dzangu kuti dzive setsoka dzenondo; anoita kuti ndigone kumira pakakwirira. Anodzidzisa maoko angu kurwa; maoko angu anowembura uta hwendarira. Munondipa nhoo yenyu yokukunda, munokotamira pasi kuti mundikurise. Munotambanudza nzira pasi pangu, kuitira kuti zvitsitsinho zvangu zvirege kutsauka. “Ndakatevera vavengi vangu ndikavaparadza; handina kudzoka kusvikira vaparadzwa. Ndakavaparadza zvachose, uye havana kugona kumuka; vakawira pasi petsoka dzangu. Makandishongedza nesimba rokurwa; makaita kuti vadzivisi vangu vakotame patsoka dzangu. Makaita kuti vavengi vangu vatize pakurwa, uye ndakaparadza vavengi vangu. Vakachemera kubatsirwa, asi hakuna munhu akavaponesa, kunyange kuna Jehovha, asi haana kupindura. Ndakavapwanya vakatsetseka seguruva renyika; ndakavatswa uye ndikavatsika sedope riri munzira dzomumusha. “Makandinunura kubva pakurwisa kwavanhu vangu; makandichengetedza somutungamiri wendudzi. Vanhu vandakanga ndisingazivi vava pasi pangu. Uye vatorwa vanouya kwandiri vachidedera, pavanongondinzwa vanonditeerera. Vose vanoora mwoyo; vanouya vachidedera kubva panhare dzavo. “Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe! Ngaakudzwe Mwari, iye Dombo, Muponesi wangu! Ndiye Mwari anonditsivira, anoisa ndudzi pasi pangu, anondisunungura kubva kuvavengi vangu. Imi makandikudza pamusoro pavavengi vangu; kubva kuvanhu vanoita nechisimba, makandinunura. Naizvozvo ndichakurumbidzai, imi Jehovha, pakati pendudzi; ndicharumbidza zita renyu nenziyo. “Iye anopa mambo wake kukunda kukuru; anoratidza unyoro hwake kumuzodziwa wake, kuna Dhavhidhi nezvizvarwa zvake nokusingaperi.”

2 Samueri 22:1-51 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Dhavhidhi wakataura kuna Jehovha mashoko orwiyo urwu nenguva yaakarwirwa naJehovha pamaoko avavengi vake vose, napamaoko aSauro; akati, “Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu, iye ndowangu. Mwari idombo rangu, ndichavimba naye; Nhoo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira, soutiziro hwangu. Muponesi wangu, anondiponesa pakumanikidzwa. Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu. “Nokuti mafungu orufu akandikomba, Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa. Mabote aSheori akandisunga, Misungo yorufu yakandiwira. “Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndakadana kuna Mwari wangu, Akanzwa izwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake. “Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzokudenga dzakadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti iye wakanga atsamwa. Utsi hwakakwira hwuchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo. Wakakotamisawo kudenga‐denga, akaburuka, Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake. Wakatasva kerubhu, akabhururuka; Zvirokwazvo, wakaonekwa ari pamapapiro emhepo. Wakazvipoteredza nerima setende, Mvura yakaunganidzwa, nemvumi dzehore dzedenga. Nokupenya, kwakanga kuri pamberi pake, Mazimbe omoto akabatidzwa. Jehovha wakatinhira kudenga, Wokumusoro‐soro wakataura nezwi rake. Wakatuma miseve, akavaparadza; Akatuma mheni, akavavhundusa. Ipapo pasi pegungwa pakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakaratidzwa pachena, Nokutuka kwaJehovha, Nokufema kwemweya wemhino dzake. “Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji; Akandirwira pamuvengi wangu ane simba, Nokuna vanondivenga; nokuti vakanga vondikurira. Vakandivinga nezuva renjodzi yangu, Asi Jehovha wakanga ari mutsigiro wangu. Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti wakanga achindifarira. “Jehovha wakandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu. Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera. Nokuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu; Kana zviri zvaakatema, handina kutsauka kwazviri. Ndakanga ndakarurama kwazvo pamberi pake, Ndakazvichengeta pazvakaipa zvangu. Naizvozvo Jehovha wakandiitira zvakaenzana nokururama kwangu, Zvakaenzana nokuchena kwangu pamberi pake. “Ane ngoni, munomuitirawo ngoni; Munhu, wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama; Wakanaka, munomuitirawo zvakanaka; Wakatsauka, munomuitira hasha. Muchaponesa vanhu vanotambudzika, Asi meso enyu anoona vanozvikudza, kuti muvaderedze. Nokuti muri mwenje wangu, Jehovha; Jehovha uchavhenekera rima rangu. Nokuti nemi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo. “Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhoo yavose vanotenda kwaari. Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu? Mwari ndiye nhare yangu ine simba; Iye unondifambisa nenzira yakarurama. Unoita tsoka dzangu setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pakakwira. Unodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anowembura uta hwendarira. “Makandipawo nhoo yokuponesa kwenyu, Unyoro hwenyu hwakandikurisa. Makandiitira nzvimbo yakafarikana pasi pangu pandingatsika; Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka. Ndakateverera vavengi vangu, ndikavaparadza, Handina kudzokazve kusvikira vapedzwa. Ndakavapedza, ndakavabaya, havagoni kumuka; Vakawira pasi petsoka dzangu. Nokuti makandisunga chiwuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira. Makatizisa vavengi vangu, Kuti ndiparadze vanondivenga. Vakatarira, asi kwakanga kusino muponesi, Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura. Ipapo ndakavapwanya‐pwanya seguruva renyika; Ndikavaswa samatope enzira dzomumusha, ndikavaparadzira kure. “Makandirwirawo pakukakavadzana kwavanhu vangu, Makandichengeta kuti ndive mukuru wendudzi; Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira. Vatorwa vachanamata kwandiri; Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa. Vatorwa vachatorerwa simba, Vachabuda pavaivanda vachidedera. “Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe; Mwari, dombo rokuponeswa kwangu, ngaarumbidzwe. Ndiye Mwari unonditsivira, Unondikundisa vanhu. Unondibvisa kuvavengi vangu; Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira; Munondirwira pamunhu unondimanikidza. “Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi, Ndichakudza zita renyu nenziyo; Unopa mambo wake kuponeswa kukuru; Unoitira muzodzwa wake unyoro, Kuna Dhavhidhi navana vake nokusingaperi.”

2 Samueri 22:1-51 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Dhavhidhi akadetemba mazwi erwiyo urwu kuna Tenzi paakununurwa naTenzi mumaoko avavengi vake vose nomumaoko aSauro achiti: Tenzi ndiye bako rangu, ndiye nhare nomununuri wangu. Mwari wangu ndiye bako rangu, maari ndimo mandinopotera. Ndiye nhoo yangu, simba noruponeso rwangu. Ndiye shongwe yangu yakakwirira, muponesi wokundinunura mumadzudzo. Ndinodaidzira kuna iye anofanira kurumbidzwa, Tenzi; ndinobva ndatonunurwa ini kune vanondivenga. Nokuti masundesunde orufu akandikomberedza, mharadzi dzikati neni momoto semafashamo emvura. Tambo dzenzvimbo yavachakabvu dzakanditi koche koche, mariva orufu akandigaririra. Munhamo yangu iyi ndakachema kuna Tenzi. Ndakachema kuna iye Mwari wangu, muTemberi yake iye akanzwa izwi rangu, kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake. Nyika yakadedera ikandengendeka, nheyo dzedenga dzikazunguzika dzikatetemera nokuti akanga ashatirwa. Akafemeruka utsi mumhuno dzake, rimi romoto rikavavaya, mukanwa make, mukabuda mazimbe anobvira moto. Akabvarura denga akaburuka, gore dema riri pasi petsoka dzake. Akati pakerubhu karakata akabhururuka, akaonekwa achibhururuka mumhepo. Rima raive rakamutenderedza, akariita chokuhwanda nacho, makute edenga matematema chaiwo emvura aya. Pamusana pokupenya kwaiva mberi kwake, mazhenje omoto wemheni aivaima. Tenzi akadhiriridza mudenga umu, izwi raNyadenga rikariridza. Akakanda miseve vakati dzvamu kutiza, nayo mheni vakati ware kutiza. Makoronga omugungwa akaoneka, pagere nyika pakanyatsoti pachena yacha. Akandisveerera ruoko ari kumusoro akanditora, akandinyurura mumvura zhinji. Akandinunura kuvavengi vangu vane simba kuna vaindivenga, nokuti vaiva nesimba kupinda ini. Vakandivinga pazuva renhamo dzangu, asi Tenzi ndiye akava musimboti wangu. Akandiburitsamo akanditi panhandare tendhe, akandinunura nokuti anondifarira. Tenzi akandipa mubayiro, maererano nokururama kwandinako, akandidzorera zvinofambiranawo, nokuchena kwandakaita maoko; nokuti ndakarambira ndiri mumakwara aTenzi; handina kuita chakaipa chokusiyana naMwari, nokuti chainditungamirira, zvirongwa zvake zvose, mirawo yake ndisingaifuratire. Kwaari iye handina chinoshoreka. Ndakazvichengeta ndisina mhosva. Ndokusaka andidzorerawo maererano nokururama kwandinako zvichifambiranawo nokuchena kwangu mukuona kwake. Kune akatendeka, imi makatendeka, kune akarurama, imi makarurama. Kune ane mwoyo wakanaka imi makanaka, asi kune ane muitiro wakakombama, imiwo munobva mavava. Munonunura vanotambudzika, asi munotsvukisira meso vanozvikudza, kuti muvaorore. Sezvo imi Tenzi murimi mwenje wangu, imi Mwari wangu ndimi munondivhenekera murima; nokuti nemi ndinoparadza chikwata chavarwi, ndiina Mwari wangu, rusvingo ndinosvetuka. Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTenzi ndezvechokwadi, inhoo yevose vanopotera kwaari. Ndiani Mwari, kunze kwaTenzi? Ndiani bako, kunze kwaMwari wedu? Mwari iyeyu ndiye diziro rangu akaita kuti nzira yangu ive yakarurama. Makumbo angu anoaita seengururu, kunyange pamangoringori ndinomira. Anondidzidzisa kurwa hondo zvokuti kunyange uta hwendarira maoko angu anogona kutatamura. Ruponiso rwenyu ndonhoo yamakandipa, nokuzvirereka kwenyu makaita kuti ndive mukuru mukuru. Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru zvokuti tsoka dzangu kutsvedzemuka hadzina. Ndakaronda vavengi vangu ndikavaparadza, kufuratira, ndakatozofuratira vapera kuti dhu. Ndakavazhanya ndikavapwanya-pwanya zvokutadza kana kumuka, vakati rakata pasi petsoka dzangu. Nokuti simba rokurwa hondo makandipa mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire. Vanondivenga makaita kuti vanditi ware kutiza vanondivenga ndikavaparadza. Vakaparapatika kutsvaka vokuvanunura vakamushaya, kuna Tenzi kwanga kusinawo mhinduro. Ndakavakuya-kuya vakaita sehuruva yevhu Ndikavatsika-tsika ndikavakanya-kanya sedhaka munzira Makandinunura mumhirizhonga yevekwangu mukaita kuti ndirambe ndiri musoro wendudzi dzavanhu, vanhu vandakanga ndisingambozivi vakandishandira. Vatorwa vaiuya kwandiri vachitodemba, vachiti vakangonzwa chete nezvangu vonditeerera. Vatorwa vakarasa mwoyo, nokukurumidza vakauya vachidedera. Tenzi mupenyu iye bako rangu, ngaarumbidzwe, ngaatunhidzwe Mwari wangu, ndiye bako rinondiponesa. Mwari anonditsivira anondiisira ndudzi pasi pangu. Makandipunyutsa kuvavengi vangu. Makandisumudzira pamusoro pevavengi vangu, mukandinunura kuvanhu vehondo. Naizvozvo ndinokurumbidzai iyemi Tenzi mukati mendudzi dzisingakuzivei ndichaimba ndichirumbidza zita renyu. Anopa mambo wake kukunda kukuru kwazvo, anoitira mwoyochena muzodzwa wake Dhavhidhi nezvizvarwa zvokwake narini wose.

2 Samueri 22:1-51 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Davidi wakataura kunaJehova mashoko orwiyo urwu neŋguʋa yaakarwirwa naJehova pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋake ʋose, napamaʋoko aSauro; akati: Jehova iɗombo raŋgu, nenhare yaŋgu, nomurwiri waŋgu, iye ndowaŋgu. Mŋari iɗombo raŋgu, ndicaʋimba naye; Nhoʋo yaŋgu, norunyaŋga rwokuponeswa kwaŋgu, shoŋgwe yaŋgu yakakwirira, noʋutiziro bgaŋgu. Muponesi waŋgu, munondiponesa pakumanikidzwa. Ndicaɗana kunaJehova, iye unofanirwa nokurumbidzwa; Naiɀoɀo ndicaponeswa kunaʋaʋeŋgi ʋaŋgu. Nokuti mafuŋgu orufu akandikomba, Ʋuye nzizi dzeɀakaipa dzakandivundusa. Maɓote aSheori akandisuŋga, Misuŋgo yorufu yakandiwira. Pakutambudzika kwaŋgu ndakaɗana kunaJehova, Ndakaɗana kunaMŋari waŋgu, Akanzwa inzwi raŋgu ari mutembere yake; Kucema kwaŋgu kukaȿika munzeʋe dzake. Ipapo nyika yakazunuŋguka, ikaɗeɗera; Nheyo dzokuɗeŋga dzakaɗeŋgenyeka, Dzikazunuŋguswa, nokuti iye wakaŋga atsamŋa. Ʋutsi bgakakwira bgucibva mumhino dzake, Ʋuye mŋoto wakaɓuɗa mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akaɓatidzwa nawo. Wakakotamisa ʋo kuɗeŋga‐ɗeŋga, akaɓuruka; Nerima guru rakaŋga riri pasi petsoka dzake. Wakataȿa kerubi, akabururuka; Ɀirokwaɀo, wakaʋonekwa ari pamapapiro emhepo. Wakaɀipoteredza nerima setente, Mvura yakaʋuŋganidzwa, nemvumi dzehore dzeɗeŋga. Nokupenya, kwakaŋga kuri pamberi pake, Mazimbe omŋoto akaɓatidzwa. Jehova wakatinhira kuɗeŋga, Wokumsoro‐soro wakataura nenzwi rake. Wakatuma miseʋe, akaʋaparadza; Akatuma mheni, akaʋavundusa. Ipapo pasi peguŋgwa pakaʋonekwa, Ʋuye nheyo dzenyika dzakaratidzwa pacena, Nokutuka kwaJehova, Nokufema kwomŋeya wemhino dzake. Wakatambanudza ruʋoko rwake ari kumsoro, akanditora, Akandinyukura pamvura zhinji; Akandirwira pamuʋeŋgi waŋgu unesimba, Nokunaʋanondiʋeŋga; nokuti ʋakaŋga ʋondikurira. Ʋakandiʋiŋga nezuʋa renjodzi yaŋgu, Asi Jehova wakaŋga ari mutsigiro waŋgu. Akandiɓuɗisira kunɀimbo yakafarikana, Akandirwira, nokuti wakaŋga acindifarira. Jehova wakandiitira ɀakaenzana nokururama kwaŋgu, Akandipa muɓairo wakaenzana nokucena kwamaʋoko aŋgu. Nokuti ndakaceŋgeta nzira dzaJehova, Handina‐kubva kunaMŋari waŋgu nokunyeŋgera. Nokuti ɀose ɀaakatoŋga ɀakaŋga ɀiri pamberi paŋgu; Kana ɀiri ɀaakatema, handina‐kutsauka kwaɀiri. Ndakaŋga ndakarurama kwaɀo pamberi pake, Ndakaɀiceŋgeta paɀakaipa ɀaŋgu. Naiɀoɀo Jehova wakandiitira ɀakaenzana nokururama kwaŋgu, Ɀakaenzana nokucena kwaŋgu pamberi pake. Uneŋgoni, munomuitira ʋo ŋgoni; Munhu, wakarurama kwaɀo, munomuitira ʋo ɀakarurama; Wakanaka, munomuitira ʋo ɀakanaka; Wakatsauka, munomuitira ʋo hasha. Mucaponesa ʋanhu ʋanotambudzika, Asi meso enyu anoʋona ʋanoɀikudza, kuti muʋaɗeredze. Nokuti muri mŋenje waŋgu, Jehova; Jehova ucavenekera rima raŋgu. Nokuti nemi ndicaʋamba hondo, Kana ndinaMŋari waŋgu ndicaɗarika ruȿiŋgo. Kana ari Mŋari, nzira yake yakarurama kwaɀo; Shoko raJehova rakaidzwa; Ndiye nhoʋo yaʋose ʋanotenda kwaari. Nokuti ndianiko Mŋari, asi iye Jehova? Ndianiko ɗombo, asi iye Mŋari weɗu? Mŋari ndiye nhare yaŋgu inesimba; Iye unondifambisa nenzira yakarurama. Unoita tsoka dzaŋgu setsoka dzenondokadzi, Unondiisa pakakwirira. Unodzidzisa maʋoko aŋgu kurwa; Naiɀoɀo maʋoko aŋgu anowembura ʋuta bgendarira. Makandipa ʋo nhoʋo yokuponesa kwenyu, Ʋunyoro bgenyu bgakandikurisa. Makandiitira nɀimbo yakafarikana pasi paŋgu pandiŋgatsika; Tsoka dzaŋgu hadzina‐kutedzemuka. Ndakateʋerera ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, ndikaʋaparadza; Handina‐kudzoka ɀe kuȿikira ʋapedzwa. Ndakaʋapedza, ndakaʋaɓaya, haʋagoni kumuka; Ʋakawira pasi petsoka dzaŋgu. Nokuti makandisuŋga ciʋuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa ʋaindimukira. Makatizisa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu, Kuti ndiparadze ʋanondiʋeŋga. Ʋakatarira, asi kwakaŋga kusinomuponesi, KunaJehova, asi haana‐kuʋapindura. Ipapo ndakaʋapxanya‐pxanya seguruʋa renyika; Ndikaʋaswa samatope enzira dzomumusha, ndikaʋaparadzira kure. Makandirwira ʋo pakukakaʋadzana kwaʋanhu ʋaŋgu, Makandiceŋgeta kuti ndiʋe mukuru wendudzi; Ʋanhu ʋandakaŋga ndisiŋgaziʋi, ʋacandishumira. Ʋatorwa ʋacanamata kwandiri; Ʋacaterera pakarepo kana ʋacindinzwa. Ʋatorwa ʋacatorerwa simba, Ʋacaɓuɗa paʋaiʋanda ʋaciɗeɗera. Jehova mupenyu; ɗombo raŋgu ŋgarikudzwe; Mŋari, ɗombo rokuponeswa kwaŋgu, ŋgaarumbidzwe. Ndiye Mŋari unonditsiʋira, Unondikundisa ʋanhu. Unondibvisa kuʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Ɀirokwaɀo, munondisimudzira kumsoro kwaʋanondimukira; Munondirwira pamunhu unondimanikidza. Naiɀoɀo ndicakuʋoŋgai Jehova, pakati pendudzi, Ndicakudza zita renyu nenziyo; Unopa mambo wake kuponeswa kukuru, Unoitira muzodzwa wake ʋunyoro, KunaDavidi naʋana ʋake nokusiŋgaperi.

2 Samueri 22:1-51 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)