2 Samueri 22
22
Rwiyo rwaDhavhidhi
1Zvino Dhavhidhi wakataura kuna Jehovha mashoko orwiyo urwu nenguva yaakarwirwa naJehovha pamaoko avavengi vake vose, napamaoko aSauro; 2akati,
“Jehovha idombo rangu, nenhare yangu,
nomurwiri wangu, iye ndowangu.
3Mwari idombo rangu, ndichavimba naye;
Nhoo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu
yakakwirira, soutiziro hwangu.
Muponesi wangu, anondiponesa pakumanikidzwa.
4Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa;
Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu.
5“Nokuti mafungu orufu akandikomba,
Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa.
6Mabote aSheori akandisunga,
Misungo yorufu yakandiwira.
7“Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha,
Ndakadana kuna Mwari wangu,
Akanzwa izwi rangu ari mutemberi yake;
Kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake.
8“Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera;
Nheyo dzokudenga dzakadengenyeka,
Dzikazununguswa, nokuti iye wakanga atsamwa.
9Utsi hwakakwira hwuchibva mumhino dzake,
Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza;
Mazimbe akabatidzwa nawo.
10Wakakotamisawo kudenga‐denga, akaburuka,
Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake.
11Wakatasva kerubhu, akabhururuka;
Zvirokwazvo, wakaonekwa ari pamapapiro emhepo.
12Wakazvipoteredza nerima setende,
Mvura yakaunganidzwa, nemvumi dzehore dzedenga.
13Nokupenya, kwakanga kuri pamberi pake,
Mazimbe omoto akabatidzwa.
14Jehovha wakatinhira kudenga,
Wokumusoro‐soro wakataura nezwi rake.
15Wakatuma miseve, akavaparadza;
Akatuma mheni, akavavhundusa.
16Ipapo pasi pegungwa pakaonekwa,
Uye nheyo dzenyika dzakaratidzwa pachena,
Nokutuka kwaJehovha,
Nokufema kwemweya wemhino dzake.
17“Wakatambanudza ruoko rwake ari kumusoro, akanditora,
Akandinyukura pamvura zhinji;
18Akandirwira pamuvengi wangu ane simba,
Nokuna vanondivenga; nokuti vakanga vondikurira.
19Vakandivinga nezuva renjodzi yangu,
Asi Jehovha wakanga ari mutsigiro wangu.
20Akandibudisira kunzvimbo yakafarikana,
Akandirwira, nokuti wakanga achindifarira.
21“Jehovha wakandiitira zvakaenzana nokururama kwangu,
Akandipa mubayiro wakaenzana nokuchena kwamaoko angu.
22Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha,
Handina kubva kuna Mwari wangu nokunyengera.
23Nokuti zvose zvaakatonga zvakanga zviri pamberi pangu;
Kana zviri zvaakatema, handina kutsauka kwazviri.
24Ndakanga ndakarurama kwazvo pamberi pake,
Ndakazvichengeta pazvakaipa zvangu.
25Naizvozvo Jehovha wakandiitira
zvakaenzana nokururama kwangu,
Zvakaenzana nokuchena kwangu pamberi pake.
26“Ane ngoni, munomuitirawo ngoni;
Munhu, wakarurama kwazvo, munomuitirawo zvakarurama;
27Wakanaka, munomuitirawo zvakanaka;
Wakatsauka, munomuitira hasha.
28Muchaponesa vanhu vanotambudzika,
Asi meso enyu anoona vanozvikudza, kuti muvaderedze.
29Nokuti muri mwenje wangu, Jehovha;
Jehovha uchavhenekera rima rangu.
30Nokuti nemi ndichavamba hondo,
Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo.
31“Kana ari Mwari, nzira yake yakarurama kwazvo;
Shoko raJehovha rakaidzwa;
Ndiye nhoo yavose vanotenda kwaari.
32Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha?
Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu?
33Mwari ndiye nhare yangu ine simba;
Iye unondifambisa nenzira yakarurama.
34Unoita tsoka dzangu setsoka dzenondokadzi,
Unondiisa pakakwira.
35Unodzidzisa maoko angu kurwa;
Naizvozvo maoko angu anowembura uta hwendarira.
36“Makandipawo nhoo yokuponesa kwenyu,
Unyoro hwenyu hwakandikurisa.
37Makandiitira nzvimbo
yakafarikana pasi pangu pandingatsika;
Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.
38Ndakateverera vavengi vangu, ndikavaparadza,
Handina kudzokazve kusvikira vapedzwa.
39Ndakavapedza, ndakavabaya, havagoni kumuka;
Vakawira pasi petsoka dzangu.
40Nokuti makandisunga chiwuno nesimba rokurwa naro;
Makandikundisa vaindimukira.
41Makatizisa vavengi vangu,
Kuti ndiparadze vanondivenga.
42Vakatarira, asi kwakanga kusino muponesi,
Kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.
43Ipapo ndakavapwanya‐pwanya seguruva renyika;
Ndikavaswa samatope enzira dzomumusha,
ndikavaparadzira kure.
44“Makandirwirawo pakukakavadzana kwavanhu vangu,
Makandichengeta kuti ndive mukuru wendudzi;
Vanhu vandakanga ndisingazivi, vachandishumira.
45Vatorwa vachanamata kwandiri;
Vachateerera pakarepo kana vachindinzwa.
46Vatorwa vachatorerwa simba,
Vachabuda pavaivanda vachidedera.
47“Jehovha mupenyu; dombo rangu ngarikudzwe;
Mwari, dombo rokuponeswa kwangu, ngaarumbidzwe.
48Ndiye Mwari unonditsivira,
Unondikundisa vanhu.
49Unondibvisa kuvavengi vangu;
Zvirokwazvo, munondisimudzira kumusoro kwavanondimukira;
Munondirwira pamunhu unondimanikidza.
50“Naizvozvo ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi,
Ndichakudza zita renyu nenziyo;
51Unopa mambo wake kuponeswa kukuru;
Unoitira muzodzwa wake unyoro,
Kuna Dhavhidhi navana vake nokusingaperi.”
Zvasarudzwa nguva ino
2 Samueri 22: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002