2 Samueri 16:20-22
2 Samueri 16:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, “Tipewo zano rako. Toita sei?” Ahitoferi akapindura akati, “Vatai navarongo vababa venyu avo vakasiyiwa vakachengeta muzinda wamambo. Ipapo Israeri yose ichanzwa kuti mazviita chinhu chinonhuhwa mumhuno dzababa venyu, uye maoko avanhu vose vanokutsigirai achasimbiswa.” Ipapo vakamisira Abhusaromu tende pamusoro pedenga remba, uye akavata navarongo vababa vake vaIsraeri vose vachiona.
2 Samueri 16:20-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Abhusaromu akati kuna Ahitoferi, “Tipei zano rako, tinofanira kuiteiko?” Ahitoferi akati kuna Abhusaromu, “Pindai kuvarongo vababa venyu vavakasiya, kuti vachengete imba; ipapo vaIsiraeri vose vachanzwa kuti mosemwa nababa venyu; ipapo maoko avose vamunawo achasimbiswa.” Naizvozvo vakadzikira Abhusaromu tende pamusoro peimba, Abhusaromu akapinda kuvarongo vababa vake vaIsiraeri vose vachizviona.
2 Samueri 16:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Abhusharomu ndokuchizoti kuna Ahitoferi, “Tipewo zano, toitei?” Ahitoferi akati kuna Abhusharomu, “Torana navarongo vababa vako vavakasiya kuti vachengete musha ugare navo savakadzi vako. Isiraeri yose ichazvinzwa kuti wakazvimutsira daka nababa vako. Izvozvo zvinobva zvasimbaradza vanhu vaunavo” Vanhu vakabva vadzikira Abhusharomu tendhe padenga remba, Abhusharomu akatorana navarongo vababa vake vaIsiraeri vose vachiona.
2 Samueri 16:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Abhusharomu ndokuchizoti kuna Ahitoferi, “Tipewo zano, toitei?” Ahitoferi akati kuna Abhusharomu, “Torana navarongo vababa vako vavakasiya kuti vachengete musha ugare navo savakadzi vako. Isiraeri yose ichazvinzwa kuti wakazvimutsira daka nababa vako. Izvozvo zvinobva zvasimbaradza vanhu vaunavo” Vanhu vakabva vadzikira Abhusharomu tendhe padenga remba, Abhusharomu akatorana navarongo vababa vake vaIsiraeri vose vachiona.
2 Samueri 16:20-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Absaromi akati kunaAhitoferi: Tipei zano rako, tinofanira kuiteiko? Ahitoferi akati kunaAbsaromi: Pindai kuʋaroŋgo ʋaɓaɓa ʋenyu ʋaʋakasiya, kuti ʋaceŋgete imba; ipapo ʋaIsraeri ʋose ʋacanzwa kuti mosemŋa naɓaɓa ʋenyu; ipapo maʋoko aʋose ʋamunaʋo acasimbiswa. Naiɀoɀo ʋakadzikira Absaromi tente pamsoro peimba, Absaromi akapinda kuʋaroŋgo ʋaɓaɓa ʋake ʋaIsraeri ʋose ʋaciɀiʋona.