2 Samueri 12:24-31
2 Samueri 12:24-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akaenda kwaari akandorara naye. Akabereka mwanakomana, vakamutumidza kuti Soromoni. Jehovha akamuda; uye nokuti Jehovha akamuda, akatuma shoko nokuna Natani muprofita kuti amutumidze kuti Jedhidhia. Zvino Joabhu akandorwa naRabha wavaAmoni uye akatora nhare yamambo. Ipapo Joabhu akatuma nhume kuna Dhavhidhi, achiti, “Ndarwisa Rabha ndikatora nzvimbo inobva mvura yeguta iri. Naizvozvo unganidzai varwi vose mukombe guta mugorikunda. Zvikasadaro ini ndichatora guta, uye rinozotumidzwa zita rangu.” Naizvozvo Dhavhidhi akaunganidza hondo yose ndokubva aenda kuRabha, akandorirwisa akaritora. Akabvisa korona pamusoro wamambo wavo, kurema kwayo kwaisvika tarenda rimwe chete uye yakanga yakanamirwa mabwe anokosha, uye yakaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvinhu zvizhinji kwazvo kubva muguta iri uye akabudisa vanhu vakanga varimo, akavapa basa ravaishanda namajeko, mapiki namatemo, uye akavapa basa rokukanya zvidhina. Akaita izvi kumaguta ose avaAmoni. Ipapo Dhavhidhi nehondo yose vakadzokera kuJerusarema.

2 Samueri 12:24-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akapinda kwaari, akavata naye, iye akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akadikanwa naJehovha. Jehovha akatuma shoko nomuromo waNatani muporofita, akamutumidza zita rinonzi Jedhidhia, nokuda kwaJehovha. Zvino Joabhu akandorwa naRabha, guta ravana vaAmoni, akakunda muzinda. Joabhu akatuma nhume kuna Dhavhidhi, akati, “Ndandorwa naRabha, ndikakunda guta remvura. Naizvozvo zvino, unganidzai vanhu vakasara, mudzike matende enyu paguta, murikunde, ini ndirege kuzokunda guta, rikatumidzwa zita rangu.” Dhavhidhi akaunganidza vanhu vose, vakaenda Rabha, vakarwa naro, vakarikunda. Akabvisa korona yamambo wavo pamusoro wake; iyo yakasvika tarenda rimwe rendarama pakurema kwayo, uye yakanga ina mabwe anokosha, ikaiswa pamusoro waDhavhidhi. Akapamba zvizhinji kwazvo paguta iro. Akabudisawo vanhu vakanga varimo, akavabatisa namajeko, nembambo dzamatare, namasanhu amatare, akavasevenzesa pakuita zvitinha; akaita saizvozvo namaguta ose avana vaAmoni. Dhavhidhi navanhu vose vakadzokera Jerusaremu.
2 Samueri 12:24-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha akapindazve mumba naye vakagara vose akazobereka mwana mukomana. Dhavhidhi akamutumidza zita rokuti Soromoni, Tenzi akamuda. Akatumako muporofita Natani kuti amutumidze zita rokuti Yedhidhiya, akadariso ndiTenzi. Izvozvo Joabhu akarwisa Rabha guta revaAmoni. Akatanga akurira muzinda wamambo waivamo. Joabhu ndokubva atuma nhume kuna Dhavhidhi kundoti, “Ndakarwisa Rabha, ndikarikurira guta remvura. Saka zvino chiunganidzai vamwe varwi vose mukombe guta iri murikurire. Ndingazodaro ndikarikurira ndiri ini, guta rikazodaidzwa nezita rangu.” Saizvozvo Dhavhidhi akaunganidza varwi vose pamwechete. Akaenda kuRabha akarirwisa akarikurira. Akatorera mambo weko ngundu youmambo mumusoro yairema makumi matatu amakirogiramu ane makirogiramu mana endarama yakanga iine dombo rinokosha. Yakadzikwa mumusoro waDhavhidhi. Akakukucha zvinhu zvaakapamba mugutamo zvakawanda kwazvo. Akatinha vanhu vakanga varimo akavaendesa kuchibharo kundoshanda namajeko namapiki namatemo esimbi. Akavakanyisa zvidhinha. Ndozvaakaita kumaguta ose evaAmoni. Dhavhidhi navarwi vose vakazodzokera zvavo kuJerusaremu.
2 Samueri 12:24-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Davidi akanyaradza mukadzi wake Bati‐sheba, akapinda kwaari, akaʋata naye, iye akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akaɗikanwa naJehova. Jehova akatuma shoko nomuromo waNatani muprofita, akamutumidza zita rinonzi Jedidia, nokuɗa kwaJehova. Ɀino Joabi akandorwa neRaba, guta raʋana ʋaAmoni, akakunda muzinda. Joabi akatuma nhume kunaDavidi, akati: Ndandorwa neRaba, ndikakunda guta remvura. Naiɀoɀo ɀino, ʋuŋganidzai ʋanhu ʋakasara, mudzike matente enyu paguta, murikunde, ini ndirege kuzokunda guta, rikatumidzwa zita raŋgu. Davidi akaʋuŋganidza ʋanhu ʋose, ʋakaenda Raba, ʋakarwa naro, ʋakarikunda. Akabvisa korona yamambo waʋo pamusoro wake; iyo yakaȿika tarenta rimŋe rendarama pakurema kwayo, ʋuye yakaŋga inamabge anokosha, ikaiswa pamusoro waDavidi. Akapamba ɀizhinji kwaɀo paguta iro. Akaɓuɗisa ʋo ʋanhu ʋakaŋga ʋari’mo, akaʋaɓatisa namajeko, nembambo dzamatare, namasanhu amatare, akaʋaseʋenzesa pakuita ɀitina; akaita saiɀoɀo namaguta ose aʋana ʋaAmoni. Davidi naʋanhu ʋose ʋakadzokera Jerusarema.
2 Samueri 12:24-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)