2 Samueri 12:1-10
2 Samueri 12:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Paakasvika kwaari, akataura akati, “Pakanga pane varume vaviri mune rimwe guta, mumwe akanga akapfuma mumwe ari murombo. Mupfumi uyu akanga ana makwai mazhinji kwazvo uye nemombe zhinji, asi murombo akanga asina chinhu kusara kwegwayana rimwe chete raakanga atenga. Akarirera, rikakura naye navana vake. Raidya pamwe chete naye, richinwira pamukombe waayinwira, uye richirara pamaoko ake. Rakanga rakaita somwanasikana kwaari. “Zvino muenzi aipfuura hake akasvika kumupfumi uya, asi mupfumi uyu haana kuda kubata rimwe ramakwai ake kana mombe kuti agadzirire zvokudya mupfuuri uyu akanga asvika kwaari. Asi iye akatora gwayana romurombo akarigadzirira uya akanga asvika kwaari.” Dhavhidhi akatsamwira munhu uyu zvikuru kwazvo akati kuna Natani, “Chokwadi naJehovha mupenyu, munhu akaita zvinhu zvakadai anofanira kufa! Anofanira kuripira gwayana iri kakapetwa runa pamusoro, nokuti akaita zvinhu zvakadai akasava netsitsi.” Ipapo Natani akati kuna Dhavhidhi, “Ndimi munhu uyo! Zvanzi naJehovha: Mwari weIsraeri: ‘Ndakakuzodza kuti uve mambo weIsraeri, uye ndakakununura kubva paruoko rwaSauro. Ndakapa kwauri imba yatenzi wako, uye vakadzi vatenzi wako ndakavaisa mumaoko ako. Ndakakupa imba yaIsraeri neyaJudha. Uye dai zvose izvi zvakava zvishoma, ndaidai ndakakupa zvimwezve. Ko, wakazvidzirei shoko raJehovha nokuita zvisakarurama pamberi pake? Wakauraya Uria muHiti nomunondo uye ukatora mukadzi wake ukamuita wako. Wakamuuraya nomunondo wavaAmoni. Naizvozvo, munondo hauchazobvi mumba mako, nokuti wakandizvidza uye ukatora mukadzi waUria muHiti kuti ave wako.’
2 Samueri 12:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Akasvika kwaari, akati kwaari, “Kwakanga kuna varume vaviri muguta rimwe; mumwe wakanga akapfuma, asi mumwe wakanga ari murombo. Mupfumi wakanga ana makwai nemombe zhinji kwazvo; asi murombo wakanga asine chinhu, asi gwayana rimwe duku resheshe, raakanga atenga, akarirera; rikakura kwaari pamwechete navana vake, rikadya zvokudya zvake, nokunwira pamukombe wake, nokuvata pachifuva chake, rikafanana nomukunda wake. Zvino mufambi wakati achisvika kumupfumi, iye akaramba kutora chipfuwo kumakwai ake kana kumombe dzake, kuti achigadzirire mufambi wakanga asvika kwaari, asi wakatora gwayana romurombo, akarigadzirira munhu wakanga asvika kwaari.” Ipapo kutsamwa kwaDhavhidhi kwakamukira munhu uyu kwazvo, akati kuna Natani, “NaJehovha mupenyu, munhu wakaita kudai, anofanira kufa. Uye unofanira kuripira gwayana iro namana, zvaakaita izvozvo, uye zvaakanga asine nyasha.” Natani akati kuna Dhavhidhi, “Ndiwe munhu uyo! Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Ndakakuzodza iwe kuti uve mambo waIsiraeri, ndikakurwira paruoko rwaSauro, ndikakupa imba yatenzi vako, navakadzi vatenzi vako pachipfuva chako, ndikakupa imba yaIsiraeri neyaJudha; uye dai izvo zvisina kuringana, ndaikuwedzera zvokuti nezvokuti. Wazvidzireiko shoko raJehovha, ukaita zvakaipa pamberi pake? Wauraya Uriya muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti ave mukadzi wako, ukamuurayisa nomunondo wavaAmoni. Naizvozvo zvino munondo haungabvi paimba yako nokusingaperi; nokuti wakandizvidza, ukatora mukadzi waUriya muHiti kuti ave mukadzi wako.’
2 Samueri 12:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Paakasvika kwaari akamuti, “Kwaiva navamwe varume vaviri mune rimwe guta. Mumwe aiva mupfumi mumwe ari murombo. Mupfumi wacho aiva nemombe nezvimwe zvipfuwo namatanga. Asi murombo akanga asina nechinhu chose achingova chete nehwayana sheshe yaakanga atenga. Akairera ikakura ainayo pamwechete navana vake. Chaaidya ndochayaidyawo ichinwirawo mumukombe wake, ichitorara zvayo mumaoko ake, ichinge mwanasikana kwaari. Zvino mupfumi uyu akasvikirwa nomweni. Haana kuda kubayira mweni uya akanga amushanyira mombe kana chimwe chipfuwo chomudanga make. Asi kutoti akatora hwayana iya yomurombo akabayira muenzi uya akanga amushanyira.” Dhavhidhi akavirukira munhu iyeyo nehasha akati kuna Natani, “NaTenzi chaiye mupenyu, munhu iyeyo anofanira kufa. Anofanira kuripa hwayana iyoyo kakapetwa kana pamusana pezvaakaita izvozvo uye pamusana pokuti haana kuita tsitsi.” Natani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Iyemi ndimi munhu wacho. Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Ndakakugadza umambo hweIsiraeri ndikakununura mumaoko aSauro. Ndakakupa ini imba yaiva yatenzi wako, ndakaita kuti vakadzi vatenzi wako vave vako ndikaisa mumaoko ako mhuri yokwaIsiraeri neyokwaJudha, dai izvozvo zvanga zviri zvishoma ndingadai ndakakupa zvakapetwa kaviri. Wazvidzireiko zvakarehwa naTenzi uchiita zvisingadiwe naTenzi? Wakaurayisa Uriya muHiti nebakatwa, ukatora mukadzi wake uchimuita wako. Asi iye ukamuuraya nebakatwa revaAmoni. Saka naizvozvo hondo yebakatwa haibve mumba mako nokuti wandizvidza ukatora zvako mukadzi waUriya muHiti uchimuita wako.’
2 Samueri 12:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova akatuma Natani kunaDavidi. Akaȿika kwaari, akati kwaari: Kwakaŋga kunaʋarume ʋaʋiri muguta rimŋe; mumŋe wakaŋga akafuma, asi mumŋe wakaŋga ari murombo. Mufumi wakaŋga anamakwai neŋombe zhinji kwaɀo; asi murombo wakaŋga asinecinhu, asi gwaiana rimŋe ɗuku reshece, raakaŋga ateŋga, akarirera; rikakura kwaari pamŋe cete naʋana ʋake, rikadya ɀokudya ɀake, nokunwira pamukombe wake, nokuʋata pacifuʋa cake, rikafanana nomukunda wake. Ɀino mufambi wakati aciȿika kumufumi, iye akaramba kutora cipfuwo kumakwai ake kana kuŋombe dzake, kuti acigadzirire mufambi wakaŋga aȿika kwaari, asi wakatora gwaiana romurombo, akarigadzirira munhu wakaŋga aȿika kwaari. Ipapo kutsamŋa kwaDavidi kwakamukira munhu uyu kwaɀo, akati kunaNatani: NaJehova mupenyu, munhu wakaita kuɗai, unofanira kufa. Ʋuye unofanira kuripira gwaiana iro namanna, ɀaakaita iɀoɀo, ʋuye ɀaakaŋga asinenyasha. Natani akati kunaDavidi: Ndiwe munhu uyo! Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ndakakuzodza iwe kuti uʋe mambo waIsraeri, ndikakurwira paruʋoko rwaSauro, ndikakupa imba yatenzi ʋako, naʋakadzi ʋatenzi ʋako pacifuʋa cako, ndikakupa imba yaIsraeri neyaJuda; ʋuye ɗai iɀo ɀisino‐kuriŋgana, ndaikuwedzera ɀokuti neɀokuti. Waɀidzireiko shoko raJehova, ukaita ɀakaipa pamberi pake? Waʋuraya Uria muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti aʋe mukadzi wako, ukamuʋurayisa nomunondo waʋaAmoni. Naiɀoɀo ɀino munondo hauŋgabvi paimba yako nokusiŋgaperi; nokuti wakandiɀidza, ukatora mukadzi waUria muHiti kuti aʋe mukadzi wako.
2 Samueri 12:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)