Ɀino Jehova akatuma Natani kunaDavidi. Akaȿika kwaari, akati kwaari: Kwakaŋga kunaʋarume ʋaʋiri muguta rimŋe; mumŋe wakaŋga akafuma, asi mumŋe wakaŋga ari murombo. Mufumi wakaŋga anamakwai neŋombe zhinji kwaɀo; asi murombo wakaŋga asinecinhu, asi gwaiana rimŋe ɗuku reshece, raakaŋga ateŋga, akarirera; rikakura kwaari pamŋe cete naʋana ʋake, rikadya ɀokudya ɀake, nokunwira pamukombe wake, nokuʋata pacifuʋa cake, rikafanana nomukunda wake. Ɀino mufambi wakati aciȿika kumufumi, iye akaramba kutora cipfuwo kumakwai ake kana kuŋombe dzake, kuti acigadzirire mufambi wakaŋga aȿika kwaari, asi wakatora gwaiana romurombo, akarigadzirira munhu wakaŋga aȿika kwaari. Ipapo kutsamŋa kwaDavidi kwakamukira munhu uyu kwaɀo, akati kunaNatani: NaJehova mupenyu, munhu wakaita kuɗai, unofanira kufa. Ʋuye unofanira kuripira gwaiana iro namanna, ɀaakaita iɀoɀo, ʋuye ɀaakaŋga asinenyasha.
Natani akati kunaDavidi: Ndiwe munhu uyo! Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ndakakuzodza iwe kuti uʋe mambo waIsraeri, ndikakurwira paruʋoko rwaSauro, ndikakupa imba yatenzi ʋako, naʋakadzi ʋatenzi ʋako pacifuʋa cako, ndikakupa imba yaIsraeri neyaJuda; ʋuye ɗai iɀo ɀisino‐kuriŋgana, ndaikuwedzera ɀokuti neɀokuti. Waɀidzireiko shoko raJehova, ukaita ɀakaipa pamberi pake? Waʋuraya Uria muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti aʋe mukadzi wako, ukamuʋurayisa nomunondo waʋaAmoni. Naiɀoɀo ɀino munondo hauŋgabvi paimba yako nokusiŋgaperi; nokuti wakandiɀidza, ukatora mukadzi waUria muHiti kuti aʋe mukadzi wako.