Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 10:1-19

2 Samueri 10:1-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Nokufamba kwenguva mambo wavaAmoni akafa, mwanakomana wake Hanuni akamutevera paumambo. Dhavhidhi akafunga kuti, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi tsitsi, sokundiitira tsitsi kwakaita baba vake.” Naizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kundobata Hanuni maoko pamusoro pababa vake. Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika kunyika yavaAmoni, machinda avaAmoni akati kuna Hanuni mambo wavo, “Munofunga here imi kuti Dhavhidhi ari kuremekedza baba venyu nokutumira kwaaita vanhu vake kuzochema nemi? Dhavhidhi haana kuvatuma here kuti vazoongorora guta nokurisora kuti vagoriparadza?” Naizvozvo Hanuni akabata vanhu vaDhavhidhi, akavaveura rumwe rutivi rwendebvu, akacheka zvipfeko zvavo napakati kumagaro, ndokuvadzinga. Zvino Dhavhidhi akati audzwa nezvazvo, akatuma nhume kundosangana navarume ava, nokuti vakanga vanyadziswa zvikuru. Mambo akati, “Chimbogarai henyu paJeriko kudzamara ndebvu dzenyu dzakura, mugozouya.” Zvino vaAmoni pavakaziva kuti vakanga vonhuhwa pamberi paDhavhidhi, vakatenga varwi vetsoka zviuru makumi maviri zvavaAramu kubva kuBheti Rehobhi neZobha, pamwe chete namambo weMaaka navarume chiuru chimwe, uye navarume zviuru gumi nezviviri vaibva kuTobhi. Paakazvinzwa, Dhavhidhi akatumira Joabhu navarume vose veboka ravarwi. VaAmoni vakabuda pasuo reguta ravo ndokubva vazvironga kuti varwe, uye vaAramu veZobha neRehobhi navarume veTobhi neveMaaka vakanga vari voga mubani. Joabhu akaona kuti akanga akombwa navarwi mberi neshure; naizvozvo akasarudza dzimwe mhare dzavaIsraeri ndokuvaendesa kundorwisa vaAramu. Akaisa vamwe vose pasi paAbhishai mukoma wake ndokuvatuma kundorwisa vaAmoni. Joabhu akati, “Kana vaAramu vakandikurira iwe wozouya kuzondinunura; asi kana vaAmoni vakakukurira ipapo ini ndichauya kuzokununura. Iva nesimba tirwire vanhu vedu namaguta aMwari wedu takashinga. Jehovha achaita zvinomufadza.” Zvino Joabhu navarwi vake vakaenda kundorwisa vaAramu, ivo vakatiza pamberi pake. VaAmoni pavakaona vaAramu vachitiza, vakatiza pamberi paAbhishai, ndokupinda muguta. Saka Joabhu akadzoka kundorwisa vaAmoni akasvika kuJerusarema. VaAramu vakati vaona kuti vakundwa navaIsraeri, vakaunganazve. Hadhadhezeri akakokera vaAramu kubva mhiri kwoRwizi; vakaenda kuHeramu vachitungamirirwa naShobhaki mutungamiri wehondo yaHadhadhezeri. Dhavhidhi akati azvinzwa, akaunganidza vaIsraeri vose, vakayambuka Jorodhani vakaenda kuHeramu. VaAramu vakazvigadzirira kuti vasangane naDhavhidhi uye vakarwa naye. Asi vakatiza pamberi pavaIsraeri, Dhavhidhi akauraya mazana manomwe avachairi vengoro dzamabhiza nezviuru makumi mana zvavarwi vetsoka. Akabaya Shobhaki mutungamiri wehondo yavo, akafira ipapo. Madzimambo ose akanga ari varanda vaHadhadhezeri akati aona kuti akundwa navaIsraeri, akayanana navaIsraeri uye akava pasi pavo. Saka vaAramu vakatya kubatsira vaAmoni zvakare.

2 Samueri 10:1-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Shure kwaizvozvo mambo wavana vaAmoni wakafa, Hanuni mwanakomana wake akabata ushe panzvimbo yake. Zvino Dhavhidhi akati, “Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi zvakanaka, sezvandakaitirwa zvakanaka nababa vake.” Naizvozvo Dhavhidhi akatuma varanda vake kumubata ruoko pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi vakasvika kunyika yavana vaAmoni. Asi machinda avana vaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo, “Munofunga kuti Dhavhidhi unoda kukudza baba venyu zvaatuma vabati voruoko kwamuri here? Dhavhidhi haana kutuma varanda vake kwamuri kuti anzvere guta nokurishora, nokuriputsa here?” Naizvozvo Hanuni akabata varanda vaDhavhidhi, akavewura rumwe rutivi rwendebvu dzavo, akagura nguo dzavo napakati kusvikira pamagaro avo, akavadzinga. Zvino vakati vaudza Dhavhidhi izvozvo, akatuma vanhu kundosangana navo; nokuti varume vakanga vachinyara kwazvo. Mambo akati, “Garai henyu Jeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzamerazve, mugodzoka henyu.” Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vovengwa naDhavhidhi, vana vaAmoni vakatuma nhume vakaripira vaSiria veBhetirehobhu, navaSiria veZobha, vaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri, namambo weMaaka ana varume vane chiuru chimwe, navarume veTobhi vane zviuru zvine gumi nezviviri. Dhavhidhi wakati azvinzwa, akatuma Joabhu nehondo yose yavarume vane simba. Vana vaAmoni vakabuda, vakagadzira hondo pavanopinda napo pasuo; vaSiria veZobha, naveRehobhu, navarume veTobhi neMaaka vakanga vari pachavo voga pasango. Zvino Joabhu wakati achiona kuti wovavarirwa mberi neshure, akatsaura vamwe kuna vakatsaurwa vose vaIsiraeri, akavagadzira kuti varwe navaSiria. Vamwe vanhu, vakanga vasara, akavaisa kuna Abhishai, munun’una wake, akavagadzira kuti varwe navana vaAmoni. Akati, “Kana vaSiria vakandikurira, iwe unofanira kundibatsira; asi kana vana vaAmoni vakakukurira iwe, ini ndichauya kukubatsira. Tsunga mwoyo, tirwire vanhu vedu namaguta aMwari wedu savarume; naJehovha ngaaite sezvaanoda.” Naizvozvo Joabhu navanhu vaakanga anavo vakaswedera kuzorwa navaSiria, ivo vakatiza pamberi pake. Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vaSiria vatiza, naivo vakatizawo saizvozvo pamberi paAbhishai, vakapinda muguta. Ipapo Joabhu akadzoka kuvana vaAmoni, akasvika Jerusaremu. Zvino vaSiria vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri vakaungana, Hadhadhezeri akatuma vanhu kundotora vaSiria vakanga vari mhiri kwoRwizi, vakasvika paHeramu, vakatungamirirwa naShobhaki mukuru wehondo yaHadhadhezeri. Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; akaunganidza vaIsiraeri vose, vakayambuka Jorodhani, vakasvika paHeramu. VaSiria vakazvigadzira, vakarwa naDhavhidhi. VaSiria vakatiza pamberi pavaIsiraeri; Dhavhidhi akauraya kuvaSiria varume vengoro dzina mazana manomwe, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvina makumi mana, akaurayawo Shobhaki mukuru wehondo yavo, akafirapo. Zvino madzimambo ose akanga ari varanda vaHadhadhezeri, vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri, vakayanana navaIsiraeri, vakavashumira. Naizvozvo vaSiria vakatya kuzobatsira vana vaAmoni.

2 Samueri 10:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mushure mezvizvi mambo wevaAmoni akafa ndokubva mwanakomana wake Hanuni amutsiva pakutonga. Dhavhidhi akati, “Ndicharamba ndiine mwoyo wakanaka kuna Hanuni mwanakomana wavaNahashi, mwoyo wandakaitirwawo nababa vake.” Saizvozvo Dhavhidhi akatuma makurukota ake kundomubata maoko pamusana pababa vake. Makurukota aDhavhidhi akasvika munyika yevaAmoni. Asi machinda evaAmoni akati kuna changamire wavo Hanuni, “Munofunga kuti izvozvi Dhavhidhi kukutumirai nhume kuzokubatai maoko kwaaita uku kuremekedza baba venyu nhai? Dhavhidhi haana here kutumira makurukota ake kuzoongorora guta rino nokurisora kuti varikurire.” Saka Hanuni akabata makurukota aDhavhidhi akaaveura rumwe rutivi rwose rwendebvu mumwe nomumwe, akacheka napakati hanzu dzavo nechapahudyu akavati vachienda. Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi akatuma vanhu kundovachingura nokuti vakanga vachinyara zvikuru kwazvo. Mambo akati, “Imborambai muri kuJeriko kudzamara ndebvu dzenyu dzamera mugozoti modzoka zvenyu kuno.” VaAmoni pavakaona kuti vatomutsa ruvengo naDhavhidhi, vaAmoni ava vakatuma nhume kundokumbira varwi vachiita zvokutobhadhara mari kuvaSiria vokuBhetirehobhu nevaSiria vokuZobha. Vakawana makumi maviri ezviuru zvavarwi vetsoka vakati mambo wokuMaoka auyewo navarume chiuru chimwechete uyewo varume vokuTobhu gumi rezviuru rine zviuru zviviri. Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akatuma Joabhu nehondo yose yavarume vano chaivo. VaAmoni vakauya vakaronganirana hondo pasuo guru. VaSiriawo vokuZobha nevokuRehobhu navarume vokuTobhu novokuMaaka vakanga vari pavowo voga musango. Pakaona Joabhu kuti hondo yavavinga, yatoita zvokuvakomba mberi neshure, akasarudza vamwe varwi mukati mevakanga vasarudzwa muIsiraeri vaya, akavaronga kuti varwisane nevaSiria. Vamwe varwi vake vose akavaisa mumaoko omunun'una wake Abhishai akavaronga kuti varwisane nevaAmoni. Akabva ati, “Kana ndichinge ndava kukurirwa navaSiria iwe unouya kuzondibatsira. Asi kana vaAmoni vava kukukurira ini ndichauya kuzonunura. Tsunga mwoyo tiite zvechirume tichiitira vanhu vedu namaguta aMwari wedu. Mwari ngaaite kuda kwake.” Saizvozvo Joabhu navarwi vaaiva navo vakatanga kuvinga vaSiria kundovarwisa vakabva vamutiza. VaAmori pavakangoona kuti vaSiria vatiza vakaitawo zvimwechetezvo vakatiwo ware kutiza Abhishai, vakapinda muguta. Joabhu akadzoka kwaakanga andorwisana nevaAmoni akaenda kuJerusaremu. Asi vaSiria pavakaona kuti vakurirwa neIsiraeri, vakaunganidzana pamwechete. Hadhadhiezeru akatumira nhume dzikauya nevaSiria vokumhiri kwaYufuratesi. Vakauya kuHeramu vachitungamirirwa naShobaki mutungamiriri wehondo yaHadhadhiezeru. Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akakokorodza Isiraeri yose pamwechete akayambuka Jorodhani akaenda kuHeramu. VaSiria vakaronganirana kurwisa kuHeramu. VaSiria vakaronganirana kurwisa Dhavhidhi vakarwa naye. VaSiria vakabva vaparamuka kutiza Isiraeri. Dhavhidhi akarakatisa kuuraya vachairi vechiSiria vengoro dzehondo mazana manomwe pamwechete navarwi vemabhiza makumi mana ezviuru. Vakakuvadzawo Shobaki mutungamiriri wehondo akabva afira ipapo. Madzimambo ose akanga ari makurukota aHadhadhiezeru paakaona kuti vakurirwa neIsiraeri, vakaita chibvumirano kuti pave nokuwirirana neIsiraeri vakabva vava varanda vavo. Naizvozvo vaSiria vakazenge vava kutya kununura vaAmoni.

2 Samueri 10:1-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Shure kwaiɀoɀo mambo waʋana ʋaAmoni wakafa, Hanuni mŋanakomana wake akaɓata ʋushe panɀimbo yake. Ɀino Davidi akati: Ndicaitira Hanuni mŋanakomana waNahashi ɀakanaka, seɀandakaitirwa ɀakanaka naɓaɓa ʋake. Naiɀoɀo Davidi akatuma ʋaranda ʋake kumuɓata ruʋoko pamsoro paɓaɓa ʋake. Ʋaranda ʋaDavidi ʋakaȿika kunyika yaʋana ʋaAmoni. Asi macinda aʋana ʋaAmoni akati kunaHanuni ishe waʋo: Munofuŋga kuti Davidi unoɗa kukudza ɓaɓa ʋenyu ɀaatuma ʋaɓati ʋoruʋoko kwamuri here? Davidi haana‐kutuma ʋaranda ʋake kwamuri kuti anɀere guta nokurishora, nokuriputsa here? Naiɀoɀo Hanuni akaɓata ʋaranda ʋaDavidi, akaʋeʋura rumŋe rutiʋi rwendebvu dzaʋo, akagura ŋguʋo dzaʋo napakati kuȿikira pamagaro aʋo, akaʋadziŋga. Ɀino ʋakati ʋaʋudza Davidi iɀoɀo, akatuma ʋanhu kundosoŋgana naʋo; nokuti ʋarume ʋakaŋga ʋacinyara kwaɀo. Mambo akati: Garai henyu Jeriko kuȿikira ndebvu dzenyu dzamera ɀe, mugodzoka henyu. Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋaciʋona kuti ʋoʋeŋgwa naDavidi, ʋana ʋaAmoni ʋakatuma nhume ʋakaripira ʋaSiria ʋeBeti‐rehobi, naʋaSiria ʋeZoba, ʋaifamba namakumbo ʋaneɀuru ɀinamakumi maʋiri, namambo weMaaka anaʋarume ʋanecuru cimŋe, naʋarume ʋeTobi ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri. Davidi wakati aɀinzwa, akatuma Joabi nehondo yose yaʋarume ʋanesimba. Ʋana ʋaAmoni ʋakaɓuɗa, ʋakagadzira hondo paʋanopinda napo pasuʋo; ʋaSiria ʋeZoba, naʋeRehobi, naʋarume ʋeTobi neMaaka ʋakaŋga ʋari pacaʋo ʋoga pasaŋgo. Ɀino Joabi wakati aciʋona kuti woʋaʋarirwa mberi neshure, akatsaura ʋamŋe kunaʋakatsaurwa ʋose ʋaIsraeri, akaʋagadzira kuti ʋarwe naʋaSiria. Ʋamŋe ʋanhu, ʋakaŋga ʋasara, akaʋaisa kunaAbishai, munuŋuna wake, akaʋagadzira kuti ʋarwe naʋana ʋaAmoni. Akati: Kana ʋaSiria ʋakandikurira, iwe unofanira kundiɓatsira; asi kana ʋana ʋaAmoni ʋakakukurira iwe, ini ndicaʋuya kukuɓatsira. Tsuŋga mŋoyo, tirwire ʋanhu ʋeɗu namaguta aMŋari weɗu saʋarume; naJehova ŋgaaite seɀaanoɗa. Naiɀoɀo Joabi naʋanhu ʋaakaŋga anaʋo ʋakasweɗera kuzorwa naʋaSiria, iʋo ʋakatiza pamberi pake. Ɀino ʋana ʋaAmoni ʋakati ʋaciʋona kuti ʋaSiria ʋatiza, naiʋo ʋakatiza ʋo saiɀoɀo pamberi paAbishai, ʋakapinda muguta. Ipapo Joabi akadzoka kuʋana ʋaAmoni, akaȿika Jerusarema. Ɀino ʋaSiria ʋakati ʋaciʋona kuti ʋakundwa naʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana, Hadarezeri akatuma ʋanhu kundotora ʋaSiria ʋakaŋga ʋari mhiri kwoRwizi, ʋakaȿika paHerami, ʋakatuŋgamirirwa naShobaki mukuru wehondo yaHadarezeri. Davidi akaʋudzwa iɀoɀo; akaʋuŋganidza ʋaIsraeri ʋose, ʋakayambuka Joridani, ʋakaȿika paHerami. ƲaSiria ʋakaɀigadzira, ʋakarwa naDavidi. ƲaSiria ʋakatiza pamberi paʋaIsraeri; Davidi akaʋuraya kuʋaSiria ʋarume ʋeŋgoro dzinamazana manomŋe, naʋataȿi ʋamabiza ʋaneɀuru ɀinamakumi manna, akaʋuraya ʋo Shobaki mukuru wehondo yaʋo, akafira’po. Ɀino madzimambo ose, akaŋga ari ʋaranda ʋaHadarezeri, ʋakati ʋaciʋona kuti ʋakundwa naʋaIsraeri, ʋakayanana naʋaIsraeri, ʋakaʋashumira. Naiɀoɀo ʋaSiria ʋakatya kuzoɓatsira ʋana ʋaAmoni.

2 Samueri 10:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)