2 Petro 2:20-21
2 Petro 2:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana vakatiza kuora kwenyika ino nokuda kwokuziva Ishe wedu noMuponesi Jesu Kristu uye vakasungwazve mazviri uye vakundwa nazvo, vaipa pakupedzisira kupfuura zvavakanga vari pakutanga. Zvaiva nani kwavari kuti dai vasina kumboziva havo nzira yokururama, pano kuti vaizive, ipapo vagozofuratira murayiro mutsvene wakanga wapiwa kwavari.
2 Petro 2:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwazve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuura kutanga kwavo. Nokuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yokururama, pakuti vadzoke pamurayiro mutsvene wavakapiwa, wavakanga vambouziva havo.
2 Petro 2:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti kana vapunyuka zvinosvibisa panyika pamusana pokuziva Tenzi wedu noMuponesi Jesu Kristu, vanobatwazve nazvo nokukurirwa nazvo. Magumo avo anoipa kupinda aya. Zvaitova nani kwavari dai vakanga vasina kumboziva zvavo nzira yoururami panze pokuiziva vozodzokera shure vachibva kumutemo unoera wavakapiwa.
2 Petro 2:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti iʋo, kana nenzira yokuziʋa Ishe, Muponesi Jesu Kristu, ʋambotiza haʋo ɀinoȿiɓisa ɀenyika, kana ʋakaɓatwa nokukundwa ɀe naɀo, kuguma kwaʋo kwaipa kupfuʋura kutaŋga kwaʋo. Nokuti ɀaiʋa nani kwaʋari kana ʋasaiziʋa nzira yokururama, pakuti ʋadzoke pamurairo mutȿene waʋakapiwa, waʋakaŋga ʋambouziʋa haʋo.
2 Petro 2:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)