2 Petro 2:18-19
2 Petro 2:18-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti nokutaura kwavo mashoko mazhinji okuzvikudza asina maturo, vanonyengera pakuchiva kwenyama noutere, avo vachangotiza vachibva kuna vanogara pakutsauka; vachivapikira kusunungurwa, nyamba ivo vamene vari varanda vakuora; nokuti waakundwa naye, munhu anoitwa muranda wake.
2 Petro 2:18-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti vanotaura zvisina maturo, mashoko okuzvikudza, uye nokuchiva kwenyama yavo, vanobata kumeso vanhu vaya vari kutiza kubva kuna vanogara mukutsauka. Vanovavimbisa kusununguka, asi ivo pachavo vari varanda vokuora, nokuti munhu anoitwa muranda nechinhu chipi zvacho chinenge chamukunda.
2 Petro 2:18-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti nokutaura kwavo mashoko mazhinji okuzvikudza asina maturo, vanonyengera pakuchiva kwenyama noutere, avo vachangotiza vachibva kuna vanogara pakutsauka; vachivapikira kusunungurwa, nyamba ivo vamene vari varanda vakuora; nokuti waakundwa naye, munhu anoitwa muranda wake.
2 Petro 2:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokuti vanotaura mazwi makuru oupenzi vachishandisa muviri wavo zvinonyadzisa zvoruchiva rwenyama kuti vateye vanhu vari kutotangisa kupunyuka vachibva muvanhu vakarasika. Vanovatsidzira rusununguko asi ivo vari varanda vokuora, nokuti munhu anokundwa nechinhu anova muranda wechinhu ichocho.
2 Petro 2:18-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti nokutaura kwaʋo mashoko mazhinji okuɀikudza asinamaturo, ʋanonyeŋgera pakuciʋa kwenyama noʋutere, aʋo ʋacaŋgotiza ʋacibva kunaʋanogara pakutsauka; ʋaciʋapikira kusunuŋgurwa, nyamba iʋo ʋamene ʋaranda ʋokuʋora; nokuti waakundwa naye, munhu unoitwa muranda wake.
2 Petro 2:18-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)