2 Madzimambo 5:14-15
2 Madzimambo 5:14-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka akaburuka akandozvinyudza muna Jorodhani kanomwe, sezvaakanga audzwa nomunhu waMwari, nyama yake ikadzoredzerwa pakare ikava yakachena, seyomwana mucheche. Ipapo Naamani akadzokera neboka rake rose kumunhu waMwari. Akamira pamberi pake akati, “Zvino ndava kuziva kuti hakuna Mwari panyika yose kunze kwomunyika yeIsraeri. Ndapota, gamuchirai chipo chabva kumuranda wenyu.”

2 Madzimambo 5:14-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo akaburuka, akandonyura muna Jorodhani kanomwe, sezvakanga zvataura munhu waMwari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka. Zvino akadzokera kumunhu waMwari, iye neboka rake rose, akasvika, akamira pamberi pake, akati, “Tairirai, zvino ndoziva kuti hapana Mwari pasi pose, asi pakati peIsiraeri; naizvozvo zvino, gamuchirai henyu chipo kumuranda wenyu.”
2 Madzimambo 5:14-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo akadzika akandozvinyika kanomwe muna Jorodhani sezvaakanga audzwa nomunhu waMwari, muviri wake ukapora ukaita sezvawaimbenge uri ukanaka sewemwana mudiki akabva achenurwa. Akadzokera kumunhu waMwari iye nechikwata chake chavanhu. Akasvika akamira paari akati, “Ndazoziva zvino kuti muIsiraeri chete ndimo muna Mwari pasi pano pose zvapo, saka dai imi mangochindigamuchirirawo ini muranda wenyu chipo ichi.”
2 Madzimambo 5:14-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo akaɓuruka, akandonyura munaJoridani kanomŋe, seɀakaŋga ɀataura munhu waMŋari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomŋana muɗuku, akaʋa wakanaka. Ɀino akadzokera kumunhu waMŋari, iye neɓoka rake rose, akaȿika, akamira pamberi pake, akati: Tarirai, ɀino ndoziʋa kuti hapanaMŋari pasi pose, asi pakati paIsraeri; naiɀoɀo ɀino, gamucirai henyu cipo kumuranda wenyu.
2 Madzimambo 5:14-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)