Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 21:1-18

2 Madzimambo 21:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Manase akanga ava namakore gumi namaviri paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mashanu namashanu. Zita ramai vake rainzi Hefizibha. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, achitevera zvinonyangadza zvendudzi dzakadzingwa pamberi pavaIsraeri naJehovha. Akavakazve matunhu akakwirira akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; uye akavaka aritari dzaBhaari akaita danda raAshera, sezvakanga zvaitwa naAhabhu mambo weIsraeri. Akapfugamira nyeredzi dzose dzedenga akadzinamata. Akavaka aritari mutemberi yaJehovha, makanga manzi naJehovha, “Ndichaisa zita rangu muJerusarema.” Muzvivanze zvose zviri zviviri zvetemberi yaJehovha, akavakira nyeredzi dzose dzokudenga aritari. Akabayira mwanakomana wake mumoto, akaita uroyi nokuvuka, akabvunza masvikiro navavuki. Akaita zvakaipa zvakawanda pamberi paJehovha, akamutsa hasha dzake. Akatora mufananidzo waAshera wakavezwa waakanga aita akauisa mutemberi, yakanga yanzi naJehovha kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Mutemberi iyi nomuJerusarema, mandakasarudza pakati pamarudzi ose aIsraeri, ndichaisamo Zita rangu nokusingaperi. Handichaitizve kuti tsoka dzavaIsraeri dzidzungaire kubva munyika yandakapa madzitateguru avo, kana vakangochenjera chete kuita zvose zvandakavarayira uye vakachengeta Murayiro wose wavakapiwa nomuranda wangu Mozisi.” Asi vanhu havana kuteerera. Manase akavatsausa, zvokuti vakanyanya kuita zvakaipa kupfuura dzimwe ndudzi dzakaparadzwa pamberi pavaIsraeri naJehovha. Jehovha akataura kubudikidza navaranda vake ivo vaprofita akati, “Manase mambo weJudha aita zvivi zvinonyangadza izvi. Aita zvakaipa zvakawanda kupfuura vaAmori vakamutangira uye atungamirira Judha muzvivi nezvifananidzo zvake. Naizvozvo zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri: Ndichauyisa dambudziko pamusoro peJerusarema neJudha zvokuti nzeve dzomumwe nomumwe achanzwa nezvazvo dzichaunga. Ndichatambanudzira kuJerusarema tambo yokuyeresa yandakayera nayo Samaria nerwodzi rwandakashandisa kuyera narwo imba yaAhabhu. Ndichapukuta Jerusarema somunhu anonopukuta ndiro, anoipukuta uye agoitsindikira. Ndichafuratira vakasara venhaka yangu uye ndichavapa kuvavengi vavo. Vachabirwa uye vachapambwa navavengi vavo, nokuti vakaita zvakaipa pamberi pangu vakanditsamwisa kubva pazuva rakabuda madzitateguru avo kubva muIjipiti kusvikira zuva ranhasi.” Pamusoro pezvo, Manase akateura ropa risina mhosva rakawanda zvokuti akazadza Jerusarema kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe, zvisiri izvozvo chete, asi nezvivi zvaakaita kuti Judha iite, zvokuti vakaita zvakaipa pamberi paJehovha. Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaManase, nezvose zvaakaita, pamwe chete nechivi chaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Manase akazorora namadzibaba ake akavigwa mubindu romumuzinda wake, bindu raUza. Uye Amoni mwanakomana wake akamutevera paumambo.

2 Madzimambo 21:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Manase wakatanga kubata ushe ava namakore ane gumi namaviri; akabata ushe makore makumi mashanu namashanu paJerusaremu; zita ramai vake raiva Hefizibha. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvinonyangadza zvavahedheni vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri. Nokuti wakavakazve matunhu akakwirira, akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; akamutsira Bhaari aritari, akaisapo danda rokunamata naro, sezvakaita Ahabhi mambo waIsiraeri; akanamata hondo dzose dzokudenga, akadzishumira. Akavaka aritari mumba maJehovha, kunyange Jehovha akanga ati, “PaJerusaremu ndipo pandichaisa zita rangu.” Akavakira hondo dzose dzokudenga aritari muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha. Akapinza mwanakomana wake mumoto, akatenda mashura, akaita mazango, akagadza masvikiro navauki; akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo. Akaisa mufananidzo wedanda rokunamata naro raakaveza mumba makanzi naJehovha kuna Dhavhidhi nokuna Soromoni mwanakomana wake, “Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino napaJerusaremu, randakazvitsaurira pakati pamarudzi ose eIsiraeri. Handichazofambisa-fambisa tsoka dzavaIsiraeri kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo; kana vachichenjera bedzi kuita zvandakavaraira, nomurayiro wose wavakarairwa naMosesi muranda wangu.” Asi havana kuteerera; Manase akavatsausa vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana veIsiraeri. Jehovha akataura navo navaporofita varanda vake, akati, “Manase mambo waJudha zvaakaita zvinonyangadza izvi, akaita zvakaipa kupfuura zvose zvakaitwa navaAmori vakamutangira, akatadzisawo Judha nezvifananidzo zvake. Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari weIsiraeri, ‘Tarirai, ndichauyisira Jerusaremu naJudha zvakaipa zvikadai, kuti vose vanozvinzwa nzeve dzavo dzichaunga. Ndichayera Jerusaremu norwozi rwandakayera Samaria narwo, uye norwozi rwandakaruramisa imba yaAhabhi narwo; ndichapisika Jerusaremu somunhu unopisika ndiro, unoipisika akaitsindikira. Ndicharasha vakasara venhaka yangu, ndivaise mumaoko avavengi vavo; vachapedzwa nokuparadzwa navavengi vavo vose; nokuti vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakanditsamwisa, kubva pazuva rokubuda kwamadzibaba avo paIjipiti kusvikira zuva ranhasi.’ ” Manase akateurawo ropa rakawanda risine mhosva, kusvikira azadza Jerusaremu kubva kurutivi rumwe kusvikira kuno rumwe rutivi; zvivi zvake zvaakatadzisa Judha nazvo, achiita zvakaipa pamberi paJehovha, zvisingaverengwi. Zvino mamwe mabasa aManase, nezvose zvaakaita, nezvivi zvake zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aJudha? Manase akavata namadzibaba ake, akavigwa mumunda weimba yake, mumunda waUza; Amoni mwanakomana wake akamutevera paushe.

2 Madzimambo 21:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Manase akanga ava namakore gumi namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore makumi mashanu ana mashanu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi aHefizibha. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevedzera tsika dzinosemesa kwazvo dzaiitwa namarudzi akadzingirwa vanhu vechiIsiraeri naTenzi nokuti akavakazve nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziya dzakanga dzamboparadzwa nababa wake Hezekiya. Iye akavakirawo Bhaari atari akagadzirawo chimufananidzo chokunamata chiAshera sezvakaitwawo naAhabhu mambo wokwaIsiraeri. Akapfugamirawo gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga achizvinamata. Akavakawo atari mumba yaTenzi yakanga yanzi naTenzi, “PaJerusaremu ndipo pandichaisa zita rangu.” Akavakira atari gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga muzvivanze zviviri zvemba yaTenzi. Akapisa mwana wake mukomana sechibayiro. Manase akanga apindawo mune zvokufembera namaminimini nezvoun'anga hwokududzira mashura obvunzirawo kumasvikiro nokun'anga. Akaita zvakaipa zvakanyanya kwazvo zvisingadiwi naTenzi akamuvirutsa nehasha. Chifananidzo chokuveza chokunamata chiAshera chacho chaakagadzira chiya akachimisa mumba iya yakanga yanzi naTenzi kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Pamba iyi neJerusaremu pandakasarudza mumadzinza ose eIsiraeri ndipo pandichaisa zita rangu narini wose uyewo kuti handizoita kuti tsoka yomuIsiraeri ibude kunze vadzungaire vari kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo. Ndokunge chete vachenjerera kutevedza zvose zvandakati vaite uye nezvose zviri pamutemo wavakaudzwa naMosesi muranda wangu.” Asi havana kuteerera uyewo Manase akavafurira kuita zvakaipa zvaitopfuura zvakaitwa namarudzi aye akaparadzwa naTenzi achiadzingira vanhu veIsiraeri. Tenzi akataura nomuromo wavaranda vake vaporofita kuti, “Pamusana pokuti Manase mambo wokwaJudha akaita zvinosemesa kudai achiita zvinhu zvakaipa kupinda zvaiitwa navaAmori vakamutangira kuvapo akapinza vokwaJudha mukutadza nokunamata zvifananidzo zvake izvi, naizvozvo zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri, ‘Chinzwai, ndava kuzopinza Jerusaremu novokwaJudha munyatwa yokuti ani naani anoinzwa anowunga nzeve. Urefu hwemwero hwandakaranga nahwo Samaria noudzamu hwandakaranga nahwo imba yaAhabhu ndiwo mwero wandicharanga nawo Jerusaremu. Sokukokota kunoita munhu ndiro, kuikokota zvokuti anogona kuitaridza pasi, ndiko kukokotedza kwandichaita Jerusaremu. Chitsama ichochi chenhaka yavanhu vangu chakasara ndichachiti kuche mumaoko avavengi vavo vachave vokuitwa kanyama kanyama nokuva vanhu vokupambwa navavengi vavo vose. Ndinodaro nokuti vakaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi vakandivirutsa nehasha kubvira zuva rakabuda madzibaba avo muIjipiti kusvikira pari nhasi.’ ” Uyewo Manase uyu akadeura ropa rakanyanya kwazvo ravanhu vasina nemhosva yese zvokuti akazadza Jerusaremu naro kunze nokunze kuwedzera pachitadzo chaakapinza nacho vokwaJudha mukutadza vakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Inga dzimwe nyaya dzaManase nezvose zvaakaita nechitadzo chaakapara, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Manase akazovatawo oenda kwakaenda vamwe, madzitateguru ake. Akavigwa mubindu romumuzinda make mubindu raUza. Mwanakomana wake Amoni ndiye akazotonga panzvimbo pake.

2 Madzimambo 21:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Manase wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anegumi namaʋiri; akaɓata ʋushe makore anamakumi mashanu namashanu paJerusarema; zita ramai ʋake raiʋa Hefziba. Akaita ɀakaipa pamberi paJehova, akateʋera ɀinonyaŋgadza ɀaʋahedeni ʋakaŋga ʋadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri. Nokuti wakaʋaka ɀe matunhu akakwirira, akaŋga aparadzwa naɓaɓa ʋake Hezekia; akamutsira Baari artari, akaisa’po ɗanda rokunamata naro, seɀakaita Ahabi mambo waIsraeri; akanamata hondo dzose dzokuɗeŋga, akadzishumira. Akaʋaka artari mumba maJehova, kunyaŋge Jehova wakaŋga ati: PaJerusarema ndi’po pandicaisa zita raŋgu. Akaʋakira hondo dzose dzokuɗeŋga artari muʋazhe mbiri dzeimba yaJehova. Akapinza mŋanakomana wake mumŋoto, akatenda mashura, akaita mazaŋgo, akagadza maȿikiro naʋaʋuki; akaita ɀakaipa ɀizhinji pamberi paJehova, ndokumutsamŋisa naɀo. Akaisa mufananidzo weɗanda rokunamata naro raakaʋeza mumba makanzi naJehova kunaDavidi nokunaSoromoni mŋanakomana wake: Ndicaisa zita raŋgu nokusiŋgaperi paimba ino napaJerusarema, randakaɀitsaurira pakati pamarudzi ose aIsraeri. Handicazofamba‐fambisi tsoka dzaʋaIsraeri kunze kwenyika yandakapa madziɓaɓa aʋo; kana ʋacicenjera ɓedzi kuita ɀandakaʋaraira, nomurairo wose waʋakarairwa naMosesi muranda waŋgu. Asi haʋana‐kuterera; Manase akaʋatsausa ʋakaita ɀakaipa kupfuʋura ɀakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri. Jehova akataura naʋo naʋaprofita ʋaranda ʋake, akati: Manase mambo waJuda ɀaakaita ɀinonyaŋgadza iɀi, akaita ɀakaipa kupfuʋura ɀose ɀakaitwa naʋaAmori ʋakamutaŋgira, akatadzisa ʋo Juda neɀifananidzo ɀake. Naiɀoɀo ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Tarirai, ndicaʋuyisira Jerusarema naJuda ɀakaipa ɀikaɗai, kuti ʋose ʋanoɀinzwa nzeʋe dzaʋo dzicawuŋga. Ndicayera Jerusarema norwonzi rwandakayera Samaria narwo, ʋuye norwonzi rwandakaruramisa imba yaAhabi narwo; ndicapisika Jerusarema somunhu unopisika ndiro, unoipisika akaitsindikira. Ndicarasha ʋakasara ʋenhaka yaŋgu, ndiʋaise mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo; ʋacapedzwa nokuparadzwa naʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose; nokuti ʋakaita ɀakaipa pamberi paŋgu, ʋakanditsamŋisa, kubva pazuʋa rokuɓuɗa kwamadziɓaɓa aʋo paEgipita kuȿikira zuʋa ranhasi. Manase akateʋura ʋo ropa rakawanda risinemhoȿa, kuȿikira azadza Jerusarema kubva kurutiʋi rumŋe kuȿikira kunorumŋe rutiʋi; ɀiʋi ɀake ɀaakatadzisa Juda naɀo, aciita ɀakaipa pamberi paJehova, ɀisiŋgaʋereŋgwi. Ɀino mamŋe maɓasa aManase, neɀose ɀaakaita, neɀiʋi ɀake ɀaakaita, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda? Manase akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa mumunda weimba yake, mumunda waUza; Amoni mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.

2 Madzimambo 21:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)