2 Madzimambo 21
21
B: MANASE NAAMONI MADZIMAMBO MAVIRI AKAIPA
Manase mambo wokwaJudha
(2 Nhor 33:1–20)
1Manase akanga ava namakore gumi namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore makumi mashanu ana mashanu ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi aHefizibha. 2Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevedzera tsika dzinosemesa kwazvo dzaiitwa namarudzi akadzingirwa vanhu vechiIsiraeri naTenzi 3nokuti akavakazve nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziya dzakanga dzamboparadzwa nababa wake Hezekiya. Iye akavakirawo Bhaari atari akagadzirawo chimufananidzo chokunamata chiAshera sezvakaitwawo naAhabhu mambo wokwaIsiraeri. Akapfugamirawo gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga achizvinamata. 4Akavakawo atari mumba yaTenzi yakanga yanzi naTenzi, “PaJerusaremu ndipo pandichaisa zita rangu.” 5Akavakira atari gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga muzvivanze zviviri zvemba yaTenzi. 6Akapisa mwana wake mukomana sechibayiro. Manase akanga apindawo mune zvokufembera namaminimini nezvoun'anga hwokududzira mashura obvunzirawo kumasvikiro nokun'anga. Akaita zvakaipa zvakanyanya kwazvo zvisingadiwi naTenzi akamuvirutsa nehasha. 7Chifananidzo chokuveza chokunamata chiAshera chacho chaakagadzira chiya akachimisa mumba iya yakanga yanzi naTenzi kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Pamba iyi neJerusaremu pandakasarudza mumadzinza ose eIsiraeri ndipo pandichaisa zita rangu narini wose 8uyewo kuti handizoita kuti tsoka yomuIsiraeri ibude kunze vadzungaire vari kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo. Ndokunge chete vachenjerera kutevedza zvose zvandakati vaite uye nezvose zviri pamutemo wavakaudzwa naMosesi muranda wangu.” 9Asi havana kuteerera uyewo Manase akavafurira kuita zvakaipa zvaitopfuura zvakaitwa namarudzi aye akaparadzwa naTenzi achiadzingira vanhu veIsiraeri.
10Tenzi akataura nomuromo wavaranda vake vaporofita kuti, 11“Pamusana pokuti Manase mambo wokwaJudha akaita zvinosemesa kudai achiita zvinhu zvakaipa kupinda zvaiitwa navaAmori vakamutangira kuvapo akapinza vokwaJudha mukutadza nokunamata zvifananidzo zvake izvi, 12naizvozvo zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri, ‘Chinzwai, ndava kuzopinza Jerusaremu novokwaJudha munyatwa yokuti ani naani anoinzwa anowunga nzeve. 13Urefu hwemwero hwandakaranga nahwo Samaria noudzamu hwandakaranga nahwo imba yaAhabhu ndiwo mwero wandicharanga nawo Jerusaremu. Sokukokota kunoita munhu ndiro, kuikokota zvokuti anogona kuitaridza pasi, ndiko kukokotedza kwandichaita Jerusaremu. 14Chitsama ichochi chenhaka yavanhu vangu chakasara ndichachiti kuche mumaoko avavengi vavo vachave vokuitwa kanyama kanyama nokuva vanhu vokupambwa navavengi vavo vose. 15Ndinodaro nokuti vakaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi vakandivirutsa nehasha kubvira zuva rakabuda madzibaba avo muIjipiti kusvikira pari nhasi.’ ”
16Uyewo Manase uyu akadeura ropa rakanyanya kwazvo ravanhu vasina nemhosva yese zvokuti akazadza Jerusaremu naro kunze nokunze kuwedzera pachitadzo chaakapinza nacho vokwaJudha mukutadza vakaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi.
17Inga dzimwe nyaya dzaManase nezvose zvaakaita nechitadzo chaakapara, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. 18Manase akazovatawo oenda kwakaenda vamwe, madzitateguru ake. Akavigwa mubindu romumuzinda make mubindu raUza. Mwanakomana wake Amoni ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Amoni mambo wokwaJudha
(2 Nhor 33:21–25)
19Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakore maviri ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Meshuremeti mwanasikana waHaruzi wokuJotibha. 20Iye akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi sezvakangoita baba vake Manase. 21Mune zvose akatevedza nzira yakafamba nababa vake. Akanamata zvifananidzo zvainamatwa nababa vake akazvipfugamira. 22Akafuratira Tenzi, Mwari wamadzibaba ake akarega kutevedza gwara raTenzi. 23Makurukota aAmoni akaita bangano rokumupandukira. Vakauraya mambo iyeyu mumuzinda make. 24Asi vanhu vomunyika iyi vakauraya vose ivavo vakanga vapandukira mambo Amoni. Vanhu ivavo venyika iyi vakagadza Josiya mwana wake mukomana umambo panzvimbo pake.
25Inga dzimwe nyaya dzezvaAmoni dzezvaakaita, dzakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. 26Akavigwa muguva rake mubindu raUza. Mwana wake mukomana Josiya ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Madzimambo 21: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.