2 Madzimambo 20:6
2 Madzimambo 20:6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichawedzera paupenyu hwako makore gumi namashanu. Uye ndichakurwira iwe neguta rino. Ndicharwira guta iri kubva muruoko rwamambo weAsiria nokuda kwangu uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.’ ”
2 Madzimambo 20:6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu; ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria, ndichadzivira guta rino nokuda kwangu, uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.”
2 Madzimambo 20:6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uye ndichawedzera upenyu hwako namakore gumi namashanu. Ndichanunura iwe neguta iro rino iri mumaoko amambo weAsiria. Ndichadzivirira guta rino iri ndichiitira ini pachangu pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi.”
2 Madzimambo 20:6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicawedzera pamazuʋa ako makore anegumi namashanu; ndicakurwira iwe neguta rino paruʋoko rwamambo weAsiria, ndicadzitira guta rino nokuɗa kwaŋgu, ʋuye nokuɗa kwaDavidi muranda waŋgu.
2 Madzimambo 20:6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)