Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 20:1-21

2 Madzimambo 20:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mumazuva iwayo Hezekia akarwara zvokuda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzira imba yako, nokuti uchafa, hausi kuzorarama.” Hezekia akatendeukira kumadziro uye akanyengetera kuna Jehovha akati, “Haiwa Jehovha, rangarirai kuti ndakafamba sei pamberi penyu nokutendeka uye nomwoyo wose uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema zvikuru. Isaya asati abva paruvanze rwapakati, shoko raJehovha rakauya kwaari richiti, “Dzokera undoudza Hezekia, mutungamiri wavanhu vangu kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichakuporesa. Nezuva retatu kubva zvino uchakwira kutemberi yaJehovha. Ndichawedzera paupenyu hwako makore gumi namashanu. Uye ndichakurwira iwe neguta rino. Ndicharwira guta iri kubva muruoko rwamambo weAsiria nokuda kwangu uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.’ ” Ipapo Isaya akati, “Gadzirai bundu ramaonde.” Vakaita saizvozvo vakariisa pamota, uye akapora. Hezekia akanga abvunza Isaya achiti, “Chiratidzo chichava chei chokuti Jehovha achandiporesa uye kuti ndichakwira kutemberi yaJehovha pazuva retatu kubva zvino here?” Isaya akapindura akati, “Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvaavimbisa: Ko, ungada kuti mumvuri uende nhambwe gumi mberi here kana kudzoka mushure nhambwe gumi?” Hezekia akati, “Zvakareruka kuti mumvuri uende mberi nhambwe gumi. Saka ngaudzoke nhambwe gumi mushure.” Ipapo muprofita Isaya akadana kuna Jehovha, Jehovha akadzorera mumvuri shure nhambwe gumi pamanera aAhazi. Panguva iyo yaMerodhaki-Bharadhani, mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira tsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara kwaHezekia. Hezekia akagamuchira nhume akadziratidza zvose zvakanga zviri mumatura ake, sirivha negoridhe, nezvinonhuhwira, namafuta anokosha, nedura rezvombo nezvose zvaiwanikwa pakati pepfuma yake. Hezekia haana chaasina kuvaratidza mumuzinda make kana muushe hwake hwose. Ipapo muprofita Isaya akaenda kuna Mambo Hezekia akamubvunza akati, “Zvanzi kudini navarume avo, uye vabvepi?” Hezekia akapindura akati, “Vabva kunyika iri kure. Vabva kuBhabhironi.” Muprofita akamubvunza akati, “Chii chavaona mumuzinda mako?” Hezekia akapindura akati, “Vaona zvose zviri mumuzinda mangu. Hapana chinhu chiri pakati pepfuma yangu chandisina kuvaratidza.” Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Chinzwa shoko raJehovha: Zvirokwazvo nguva ichasvika yokuti zvose zviri mumuzinda mako, nezvose zvakaunganidzwa nababa vako kusvikira pazuva ranhasi, zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi. Hapana chichasara, ndizvo zvinotaura Jehovha. Uye vamwe vavanakomana vako, venyama yako chaivo neropa rako, vauchabereka, vachatorwa kubva kwauri, uye vachava varanda mumuzinda wamambo weBhabhironi.” Hezekia akapindura akati, “Shoko raJehovha rawataura rakanaka.” Nokuti akafungawo akati, “Hakuchavi here norugare nokudzivirirwa munguva youpenyu hwangu?” Kana zviri zvimwe zvakaitika panguva yokutonga kwaHezekia, nezvose zvaakaita uye namavakiro aakaita dziva nomugero waakauyisa nawo mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha? Hezekia akazorora namadzibaba ake. Manase mwanakomana wake akamutevera paumambo.

2 Madzimambo 20:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, kusvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, “Zvanzi naJehovha, ‘Chiraira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.’ ” Ipapo akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha, akati, “Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nezvokwadi nomwoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema kwazvo. Zvino Isaya wakanga achigere kubuda paruvazhe rwapakati, shoko raJehovha rikauya kwaari, richiti, “Dzokazve, undoti kuna Hezekia, mutungamiriri wavanhu vangu, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waDhavhidhi baba vako, ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.’ “Ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu; ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria, ndichadzivira guta rino nokuda kwangu, uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu.” Ipapo Isaya akati, “Uyai nebundu ramawonde.” Ivo vakauya naro, vakariisa pamota, akapora. Zvino Hezekia akati kuna Isaya, “Chiratidzo chichava cheiko kuti Jehovha uchandiporesa, ndikwire kumba kwaJehovha nezuva rechitatu here?” Isaya akati, “Ichi chichava chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha uchaita sezvaakataura. Unoda kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi, kana udzoke mitaro inegumi here?” Hezekia akapindura, akati, “Zvakareruka kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi; kwete, mumvuri ngaudzoke mitaro inegumi.” Ipapo muporofita akadana kuna Jehovha, akadzosera mumvuri shure mitaro inegumi pachikiratidzo chenguva chaAhazi. Zvino nenguva iyo Bherodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma nwadhi nechipo kuna Hezekia; nokuti wakanga anzwa kuti Hezekia wairwara. Hezekia akavanzwa, akavaratidza imba yose yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri papfuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia. Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, “Ko varume ava vakati kudini? Vasvika kwauri vachibvepiko?” Hezekia akati, “Vabva kunyika iri kure, Bhabhironi.” Akati, “Vakawonei mumba mako?” Hezekia akapindura, akati, “Vakaona zvose zviri mumba mangu, hakune chinhu pakati pepfuma yangu chandisina kuvaratidza.” Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Inzwa shoko raJehovha. ‘Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi zvichaiswa Bhabhironi; hakuna chinhu chichasiyiwa, ndizvo zvinotaura Jehovha. Vamwe vavanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa; vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.’ ” Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, “Shoko raJehovha, ramataura, rakanaka haro.” Akatiwo, “Ko handizvo here, kana rugare nezvokwadi zviripo hazvo pamazuva angu?” Zvino mamwe mabasa aHezekia, nesimba rake, nokuita kwake dziva nomugero, nokusvitsa kwake mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo aJudha? Hezekia akavata namadzibaba ake, Manase mwanakomana wake akamutevera paushe.

2 Madzimambo 20:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuti upenyu pakanga pasisina. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akamuti, “Zvanzi naTenzi, chirongai zvomusha wenyu nokuti mava kuzofa zvoupenyu kwamuri hapasisina.” Ipapo Hezekiya akatendeukira kumadziro ndokunamata kuna Tenzi achiti: “Ndakutetererai zvangu Tenzi! Dai mangoyeukawo waro kuwadzana kwandakaita nemi mumafambiro angu ndakatendeseka nomwoyo wose ndichiita zvakarurama zvamunoda.” Hezekiya akaungudza achichema zvikuru kwazvo. Izvozvo Isaya akanga asati apfuura ruvanze rwepakati ndokubva izwi raTenzi rauya kwaari richiti, “Dzokera kuna Hezekiya ishe wavanhu vangu uti zvanzi naTenzi, Mwari watateguru wako Dhavhidhi, ndanzwa munamato wako ndikaona misodzi yako. Chiteerera unzwe, ndichakuporesa. Pazuva retatu uchakwira kumba yaTenzi. Uye ndichawedzera upenyu hwako namakore gumi namashanu. Ndichanunura iwe neguta iro rino iri mumaoko amambo weAsiria. Ndichadzivirira guta rino iri ndichiitira ini pachangu pamusana pomuranda wangu Dhavhidhi.” Isaya ndokuti, “Unzai chambwa chamakuyu vachitore vachiise pamota racho kuti apore.” Hezekiya akati kuna Isaya, “Chichandiratidza kuti ndichapora chii? Uye chii chichandiratidzawo kuti ndichakwira zvangu kumba yaTenzi pazuva retatu?” Isaya ndokuti, “Chiratidzo chamunoitirwa naTenzi chamuchaziva nacho kuti Tenzi achaita zvaakuvimbisai ndechichi. Mumvuri woenda mberi here nhanho gumi kana kuti wodzokera shure nhano gumi?” Hezekiya akati, “Zviri nyore kuti mumvuri uende mberi nhanho gumi pano kuti udzokere shure nhano gumi.” Muprofita Isaya akachema kuna Tenzi akadzosera mumvuri wacho shure nhanho gumi dzawakanga wafamba pachiringazuva chiya chakavakwa naAhazi. Panguva iyoyo Merodhakibharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira nhume netsamba nechipo kuna Hezekiya nokuti akanga anzwa kuti Hezekiya akanga amborwara. Hezekiya akavagamuchira akavaratidza dzimba dzake dzose dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda hunoti sirivha nendarama netwokubikisa tunonhuwirira namafuta anokosha nezvombo zvake zvehondo nezvose zvaiva mudzimba dzake dzokuchengetera zvinhu. Chinhu chaiva mumuzinda make kana zvose zvoumambo hwake, Hezekiya hapana chaakasiya kuvaratidza. Muporofita Isaya akaenda kuna Hezekiya akati kwaari, “Ko shoko rauya navarume ava ndereyi? Vakakubvirai nepi?” Hezekiya akati, “Vabva kunyika iri kure kwazvo kuBhabhironi.” Iye akati, “Chiiko chavaona mumuzinda menyu?” Hezekiya akapindura achiti, “Vaona zvose zviri mumuzinda mangu. Hapana chandasiya kuvaratidza mudzimba dzangu dzokuchengetera zvinhu.” Isaya ndokuti kuna Hezekiya, “Chiteererai munzwe zvarehwa naTenzi. Kuchasvika mazuva okuti zvose zviri mumuzinda menyu nezvakachengetwa namadzibaba enyu kusvikira pari nhasi zvitutwe kuendwa nazvo kuBhabhironi pasina chinozosara, ndiTenzi anodaro kutaura. Vamwe vana vako vakomana vawakabereka vachatapwa vakasvikogadzirwa kuitwa vayuniki mumuzinda wamambo weBhabhironi.” Hezekiya akati kuna Isaya, “Shoko raTenzi ramataura ishoko rakanaka, nokuti aiti hazvinei zvazvo chero kune rugare nokugadzikana kwezvinhu mumazuva angu.” Inga dzimwe nyaya dzezvaHezekiya nougamba hwake hwose nokugadzira kwaakaita dziva riya nomugero uya akaunza mvura muguta iroro, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaJudha. Hezekiya akazovata oendawo kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ake. Mwanakomana wake Manase ndiye akazotonga panzvimbo pake.

2 Madzimambo 20:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino namazuʋa iwayo Hezekia wakarwara, kuȿikira pakufa. Muprofita Isaya mŋanakomana waAmozi akaȿika kwaari, akati kwaari: Ɀanzi naJehova: Ciraira nhaka yako, nokuti ucafa, hauŋgararami. Ipapo akatendeʋukira kumadziro, akanyeŋgetera kunaJehova, akati: Ƌoraŋgarirai henyu, Jehova, kuti ndakafamba pamberi penyu neɀokwaɗi nomŋoyo wose, ndikaita ɀakanaka pamberi penyu. Hezekia akacema kwaɀo. Ɀino Isaya wakaŋga acigere kuɓuɗa paruʋazhe rwapakati, shoko raJehova rikaʋuya kwaari, riciti: Dzoka ɀe, undoti kunaHezekia, mutuŋgamiriri waʋanhu ʋaŋgu: Ɀanzi naJehova Mŋari waDavidi ɓaɓa ʋako: Ndanzwa kunyeŋgetera kwako, ndaʋona misodzi yako; ɀino tarira, ndicakuporesa; nezuʋa recitatu ucakwira kuimba yaJehova. Ndicawedzera pamazuʋa ako makore anegumi namashanu; ndicakurwira iwe neguta rino paruʋoko rwamambo weAsiria, ndicadzitira guta rino nokuɗa kwaŋgu, ʋuye nokuɗa kwaDavidi muranda waŋgu. Ipapo Isaya akati: Ʋuyai neɓundu ramaʋonde. Iʋo ʋakaʋuya naro, ʋakariisa pamota, akapora. Ɀino Hezekia akati kunaIsaya: Ciratidzo cicaʋa ceiko kuti Jehova ucandiporesa, ndikwire kumba kwaJehova nezuʋa recitatu here? Isaya akati: Ici cicaʋa ciratidzo caJehova kwauri, kuti Jehova ucaita seɀaakataura: Unoɗa kuti mumvuri upfuʋurire mberi mitaro inegumi, kana udzoke mitaro inegumi here? Hezekia akapindura, akati: Ɀakareruka kuti mumvuri upfuʋurire mberi mitaro inegumi; kwete, mumvuri ŋgaudzoke mitaro inegumi. Ipapo muprofita akaɗana kunaJehova, akadzosera mumvuri shure mitaro inegumi pacikati caAhazi. Ɀino neŋguʋa iyo Berodaki‐baradani mŋanakomana waBaradani, mambo weBabironi, akatuma ŋwadi necipo kunaHezekia; nokuti wakaŋga anzwa kuti Hezekia wairwara. Hezekia akaʋanzwa, akaʋaratidza imba yose yakaŋga ineɀinokosha ɀake, sirveri, nendarama, neɀinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiʋa nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, neɀose ɀakaŋga ɀiri pafuma yake; kwakaŋga kusisinecinhu mumba make, kana muʋushe bgake bgose, caʋasina‐kuratidzwa naHezekia. Ɀino muprofita Isaya akaȿika kunamambo Hezekia, akati kwaari: Ko ʋarume aʋa ʋakati kuɗini? Ʋaȿika kwauri ʋacibvepiko? Hezekia akati: Ʋakabva kunyika iri kure, Babironi. Akati: Ʋakaʋonei mumba mako? Hezekia akapindura, akati: Ʋakaʋona ɀose ɀiri mumba maŋgu; hakunecinhu pakati pefuma yaŋgu candisina‐kuʋaratidza. Ipapo Isaya akati kunaHezekia: Inzwa shoko raJehova. Tarira, mazuʋa acaȿika, neŋguʋa iyo ɀose ɀiri mumba mako neɀose ɀakaʋuŋganidzwa namadziɓaɓa ako kuȿikira zuʋa ranhasi ɀicaiswa Babironi; hakunecinhu cicasiyiwa, ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ʋamŋe ʋaʋanakomana ʋako, ʋacabva kwauri, ʋaucaɓereka, ʋacatapxa; ʋacaʋa ʋaranda mumba mamambo weBabironi. Ipapo Hezekia akati kunaIsaya: Shoko raJehova, ramataura, rakanaka haro. Akati ʋo: Ko handiɀo here, kana rugare neɀokwaɗi ɀiri’po haɀo pamazuʋa aŋgu? Ɀino mamŋe maɓasa aHezekia, nesimba rake, nokuita kwake dziʋa nomugero, nokuȿitsa kwake mvura muguta, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda? Hezekia akaʋata namadziɓaɓa ake, Manase mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.

2 Madzimambo 20:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)