Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 18:9-37

2 Madzimambo 18:9-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mugore rechina ramambo Hezekia, iro raiva gore rechinomwe raHoshea mwanakomana waEra mambo weIsraeri, Sharimaneseri mambo weAsiria akaenda kundorwa neSamaria akarikunda. Pakupera kwamakore matatu vaAsiria vakaritora. Saka Samaria yakatorwa mugore rechitanhatu raMambo Hezekia, iro rakanga riri gore rechipfumbamwe raHoshea mambo weIsraeri. Mambo weAsiria akavatapa akavaendesa kuAsiria akandovagarisa muHara, muGozani paRwizi rweHabhori nomumaguta avaMedhesi. Izvi zvakaitika nokuti vakanga vasina kuteerera Jehovha Mwari wavo, asi vakanga vadarika sungano yake nezvose zvakanga zvarayirwa naMozisi muranda waJehovha. Vakaramba kunzwa mirayiro kana kuiita. Mugore regumi namana rokutonga kwamambo Hezekia, Senakeribhi mambo weAsiria akarwisa maguta ose eJudha akakomberedzwa namasvingo akaatora. Saka Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi achiti, “Ndakakanganisa hangu. Ibvai henyu kwandiri, uye ndicharipa zvose zvamuchareva kwandiri.” Mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha mutero wamazana matatu amatarenda esirivha namatarenda egoridhe makumi matatu. Saka Hezekia akamupa sirivha yose yakawanikwa mutemberi yaJehovha nomumatura omumuzinda wamambo. Panguva iyoyo Hezekia mambo weJudha akabvisa goridhe raakanga afukidza naro makonhi nembiru dzamakonhi etemberi yaJehovha, akazvipa kuna mambo weAsiria. Mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wavabati uye nomukuru wavatariri, nehondo huru, kubva kuRakishi kuti vaende kuna mambo Hezekia kuJerusarema. Vakakwira kuJerusarema vakamira pamugero weDziva roKumusoro, mumugwagwa unoenda kuMunda woMusuki. Vakadana mambo; uye Eriakimi mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakabuda vakaenda kwavari. Mukuru wavatariri akati kwavari, “Udzai Hezekia kuti: “ ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria: Chaunovimba nacho chii? Unoti unogona kuronga uye une simba rokurwa, asi uri kungotaura mashoko asingazari mukombe. Uri kuvimba naaniko, kuti undimukire? Tarira zvino, wakasendamira paIjipiti, uya mudonzvo werutsanga rwakatsemuka runobaya ruoko rwomunhu ruchimupa ronda kana asendamira parwuri! Ndizvo zvakaita Faro mambo weIjipiti kuna vose vanosendamira paari. Asi kana ukati kwandiri, “Tinovimba naJehovha Mwari wedu,” ko, haazi iye ane matunhu akakwirira nearitari dzakabviswa naHezekia, achiti kuJudha neJerusarema, “Munofanira kunamata pamberi pearitari iyi muJerusarema here?” “ ‘Chiuya zvino, uite chitsidzo natenzi wangu, mambo weAsiria. Ndichakupa zviuru zviviri zvamabhiza, kana uchigona kuisa vatasvi pamusoro pawo! Ungagona seiko kukunda mumwe wamachinda madiki atenzi wangu kunyange dai uchivimba neIjipiti kuti uchapiwa ngoro navatasvi vamabhiza? Pamusoro pezvo, handina kuuya kuzorwa nokuparadza nzvimbo ino ndisina shoko rinobva kuna Jehovha here? Jehovha pachake akandiudza kuti ndiuye kuzorwisa nyika uye ndiiparadze.’ ” Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, naShebhina naJoa vakati kumukuru wavatariri, “Tapota, taurai kuvaranda venyu norurimi rwechiAramu sezvo tichirunzwa. Musataura nesu nechiHebheru vanhu vari parusvingo vachizvinzwa.” Asi mukuru wehondo akapindura akati, “Ko, ndakatumwa natenzi wangu kuna tenzi wako nokwauri chete here kuti nditaure mashoko aya ndisingatauri kuvarume vagere parusvingo, ivo pamwe chete newe vanofanira kudya tsvina yavo nokunwa mvura yemiviri yavo?” Ipapo mukuru wehondo akasimuka akadanidzira norurimi rwechiHebheru achiti, “Inzwai shoko ramambo mukuru, mambo weAsiria! Zvanzi namambo: Musarega Hezekia achikunyengerai. Haagoni kukudzikinurai kubva muruoko rwangu Musarega Hezekia achikukurudzirai kuti muvimbe naJehovha paanoti, ‘Zvirokwazvo Jehovha achatirwira; guta rino harizopiwi muruoko rwamambo weAsiria.’ “Musateerera Hezekia. Zvanzi namambo weAsiria: Itai rugare neni mugouya kuno kwandiri. Ipapo mumwe nomumwe wenyu achadya zvinobva pamuzambiringa wake napamuonde wake, uye achanwa mvura inobva muchirongo chake, kusvikira ndauya ndikakutorai ndigokuisai kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zvokudya newaini itsva, nyika yechingwa neminda yemizambiringa, nyika yemiti yemiorivhi nouchi. Sarudzai upenyu kwete rufu! “Musateerera Hezekia, nokuti anokutsausai kana akati, ‘Jehovha achatirwira.’ Pana mwari wenyika ipi zvayo akamborwira nyika yake kubva muruoko rwamambo weAsiria? Vamwari veHamati neveAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi, neHena neIvha varipi? Vakanunura Samaria muruoko rwangu here? Ndiani wavamwari vose venyika idzi akagona kuponesa nyika yake kubva kwandiri? Zvino Jehovha achanunura Jerusarema sei kubva muruoko rwangu?” Asi vanhu vakaramba vakanyarara vakasataura chinhu, nokuti mambo akanga arayira akati, “Musamupindura.” Ipapo Eriakimi mwanakomana waHirikia mutariri womuzinda wamambo, naShebhina munyori naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo vakaenda kuna Hezekia, nenguo dzavo dzakabvaruka, vakamuudza zvakanga zvataurwa nomukuru wavarwi.

2 Madzimambo 18:9-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino negore rechina ramambo Hezekia, riri gore rechinomwe raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsiraeri, Sharimaneseri mambo weAsiria akandorwa neSamaria, akarikomba. Pakupera kwamakore matatu vakarikunda; Samaria rikakundwa negore retanhatu raHezekia, riri gore repfumbamwe raHoshea mambo weIsiraeri. Mambo weAsiria akatapa vaIsiraeri, akaenda navo Asiria, akavaisa paHara, napaHabhori, parwizi Gozani, nomumaguta avaMedhi; nokuti havana kuteerera izwi raJehovha Mwari wavo, asi vakadarika sungano yake, izvo zvose zvavakanga varairwa naMosesi muranda waJehovha, vakaramba kunzwa, kana kuzviita. Zvino negore regumi namana ramambo Hezekia, Sanheribhi mambo weAsiria akandorwa namaguta ose aJudha akakombwa namasvingo, akaakunda. Zvino Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi, akati, “Ndatadza, dzokai henyu mubve kwandiri; zvose zvamunoreva kwandiri ndichazviripa.” Ipapo mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha matarenda ana mazana matatu esirivha namatarenda ana makumi matatu endarama. Hezekia akamupa sirivha yose yakanga iri mumba maJehovha, napapfuma yeimba yamambo. Nenguva iyo Hezekia wakabvisa ndarama pamikova yeimba yaJehovha, napambiru dzakanga dzafukidzwa nayo naHezekia mambo waJudha, akaipa mambo weAsiria. Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wamachinda, nomukuru wavatariri vabve Rakishi nehondo huru vaende kuna Hezekia paJerusaremu. Ivo vakaenda, vakasvika Jerusaremu. Zvino vakati vasvika, vakamira pamugero wedziva rokumusoro, riri panzira huru inoenda kumunda womusuki. Zvino vakati vadana mambo, Eriakimu mwanakomana waHirikia, waichengeta imba, naShebhana munyori, naJoa mwanakomana waAsafi sahwira, vakabudira kwavari. Zvino mukuru wavatariri akati kwavari, “Zvino imi muti kuna Hezekia, ‘Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, chaunovimba nacho chinyi?’ Iwe unoti (asi mashoko omuromo hawo), mano nesimba zvokurwa nazvo zviripo hazvo. Zvino unovimba naniko, zvawandimukira ini? Tarira zvino, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakapwanyika, Ijipiti, runoti kana munhu akasendama kwaruri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye. Asi kana ukati kwandiri, ‘Tinovimba naJehovha Mwari wedu,’ ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira nearitari dzake naHezekia, akati kuna Judha naJerusaremu, ‘Munofanira kunamata pamberi pearitari iri paJerusaremu, here?’ “Naizvozvo zvino, chipikiranai henyu natenzi wangu mambo weAsiria, ndikupe mabhiza ane zviuru zviviri, kana iwe ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo. “Ungagona seiko kukunda mukuru mumwe kuna vaduku vavaranda vatenzi vangu, kana ukavimba naIjipiti kuti upiwe ngoro namabhiza navo? Ini ndauya kuzorwa nenzvimbo iyi kuti ndiiparadze ndisina Jehovha here? Ndiye Jehovha wakati kwandiri, ‘Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze.’ ” Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, naShebhana, naJoa vakati kumukuru wavatariri, “Tinokumbira kuti mutaure henyu navaranda venyu norurimi rwechiAramaia, nokuti tinochinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwavaJudha, vanhu vose vari parusvingo vazvinzwe.” Asi mukuru wavatariri wakati kwaari, “Tenzi wangu wakandituma kuna tenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana kundituma here kuvanhu vagere pamusoro porusvingo, kuti vadye ndove yavo nemvura yavo pamwechete nemi?” Ipapo mukuru wavatariri akamira, akadanidzira nezwi guru norurimi rwavaJudha, akataura achiti, “Inzwai shoko ramambo mukuru, iye mambo weAsiria. Zvanzi namambo, ‘Hezekia ngaarege kukunyengerai; nokuti haagoni kukurwirai pamaoko ake;’ Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha, achiti ‘Jehovha uchatirwira zvirokwazvo, uye kuti guta iri haringaiswi mumaoko amambo weAsiria.’ Musateerera Hezekia, nokuti zvanzi namambo weAsiria, ‘Yananai neni, mubudirei kwandiri, mudye mumwe nomumwe mudzambiringa wake, mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake; kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemidzambiringa, nyika inamafuta emiorivhi nouchi, murarame, murege kufa; regai kuteerera Hezekia, kana achikugombedzerai’ achiti, ‘Jehovha uchatirwira.’ “Ko mumwe wavamwari vendudzi wakatomborwira nyika yake paruoko rwamambo weAsiria here? Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi, neHena, neIvha varipi vakarwira Samaria paruoko rwangu here? Ndavapiko pakati pavamwari vose venyika vakarwira nyika yavo paruoko rwangu, zvamunoti Jehovha ucharwira Jerusaremu paruoko rwangu?” Asi vanhu vakaramba vanyerere, havana kumupindura shoko rimwe, nokuti murayiro wamambo wakanga uchiti, “Regai kumupindura.” Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikia, waitarira imba, naShebha munyori, naJoa, mwanakomana waAsafi sahwira, vakaenda kuna Hezekia, nguo dzavo dzabvarurwa, vakamuudza mashoko omukuru wavatariri.

2 Madzimambo 18:9-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvakazoitika kuti mugore rechina rokutonga kwamambo Hezekiya ipapo makanga muri mugore rechinomwe rokutonga kwaHoshea mambo wokwaIsiraeri mwanakomana waEra, Sharumanesa mambo weAsiria akauya kuzorwisa Samaria ndokurikomba. Kurikurira akazorikurira pakupera kwegore rechitatu muri mugore rechitanhatu rokutonga kwaHezekiya izvozvowo muri mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaHoshea mambo wokwaIsiraeri, ndopakakurirwa Samaria ipapo. Mambo weAsiria akatapa vaIsiraeri akaenda navo kuAsiria. Akandovagarisa kuHara nomuna Habhori rwizi rwokuGozani nomumaguta evaMidhi nokuti havana kuteerera zvakanga zvataurwa naTenzi, Mwari wavo, vakatyora chitenderano chake, kunyange zvose zvavakaudzwa naMosesi muranda waTenzi, havana kumbozviteerera kana kuzviita. Mugore regumi nechina rokutonga kwamambo Hezekiya, Senakeribhu mambo weAsiria akauya kuzorwisa maguta ose okwaJudha akanga akavakirirwa netsvingo akaakurira. Hezekiya mambo wokwaJudha akatuma nhume kuna mambo weAsiria kuRakishi achiti, “Ndakatadza. Dai mukachitisiya muende zvenyu. Chamunenge mati ndiite ndinoita.” Mambo weAsiria akapa Hezekiya mambo wokwaJudha mutoro wokubvisa mari yesirivha inorema gumi rezviuru zvamakirogiramu nendarama inorema makirogiramu chiuru. Hezekiya akamupa sirivha yose yaiva mumba yaTenzi nomudzimba dzokuchengetera upfumi hwomumuzinda wamambo. Panguva iyoyo Hezekiya akakwatanura ndarama yaiva pamagonhi eTemberi yaTenzi napamagwatidziro yaakanga anamirapo, akaipa kuna mambo weAsiria. Mambo weAsiria akatumira mutungamiriri mukuru wehondo yake nerimwe jinda rake guru nomutariri mukuru wezvomumuzinda make vaine hondo huru kwazvo kuna mambo Hezekiya kuJerusaremu kubva kuRakishi. Vakakwira vakasvika kuJerusaremu. Pavakasvika vakasvikomira kumugero wemvura wedziva rokumusoro pamugwagwa mukuru wokunhandare yomusuki wamachira. Pavaidaidza mambo, kwakabuda Eriakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda nasamunyori mukuru Shebhuna nomunyori Joa mwanakomana waAsafu. Mutariri mukuru wezvomumuzinda uya akati kwavari, “Itii kuna Hezekiya, zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, ‘Unovimba neiko?’ Unofunga kuti kutaura pamuromo apa ndiko kuronga hondo here ikoko kana kuti simba rokurwa hondo iroro? Ndiani wawava kuinzva naye zvawava kutondipandukira kudai? Zvino chinzwa, uri kuvimba norutsanga zvarwo rwakatyoka, Ijipiti, runobaya muchanza munhu anenge ada kuti agamwe narwo. Ndozvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye. “Asi kana zvako ukati kwandiri, ‘Tinovimba naTenzi, Mwari wedu,’ haasi ndiye here ane nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira neatari dzacho dzakabviswa naHezekiya achitaurira Judha neJerusaremu kuti, ‘Munofanira kunamata muri paatari iyi muJerusaremu umu.’ Mupikirane natenzi wangu mambo weAsiria, ndikupeka mabhiza zviuru zviviri. Pakopo ungaawanirewo vachayiri here iwe? Kunyange akava mukuru mukuru wehondo pakati pamakurukota okupedzisira chaiwo atenzi wangu ungabva wafemera kumumhanyisawo here iwe, iwe uchidaro kutovimba neIjipiti kuti utowanawo ngoro dzehondo navachairi. Uyewo kuuya kwandaita kuzorwisa ndichiparadza nzvimbo ino, ndangouyawo here zvisina Tenzi mukati? Tenzi ndiye akanditi, ‘Vinga nyika iyoyi uiparadze.’ ” Eriakimu mwanakomana waHirikiya naShebhuna naJoa vakati kumutariri wezvomumuzinda wacho, “Dai mukataura zvenyu kwatiri isu varanda venyu nechiSiria nokuti tinochinzwa. Murege zvenyu kutaura nesu nechiJudha vanhu vari parusvingo apo vachinzwa.” Asi mutariri mukuru wezvomumuzinda uyu akavati, “Munoti tenzi wangu andituma kuzotaura izvozvi kuna tenzi wenyu nokwamuri nhai ndichirega kutaurirawo varume vagere parusvingo apo vapinda nyatwa pamwechete nemi yokudya ndove yavo nemvura yavo.” Mutariri mukuru wezvomumuzinda ndopaakasimuka kwazvo odaidzira chaizvo muchiJudha achiti, “Tererai munzwe shoko ramambo mukuru, mambo weAsiria. Zvanzi namambo, regai kunyengedzwa naHezekiya nokuti haakwanise kukununurai mumaoko angu. Musarege Hezekiya achikutii muvimbe naTenzi achiti Tenzi anonyatsokununurai uye kuti guta rino harimboiswa mumaoko avaAsiria. “Musateerere Hezekia nokuti zvanzi namambo weAsiria ngatinzwananei ubude kuno kwandiri. Mukadaro mumwe nomumwe achadya muchero womugirepisi wake, munhu wose achidya michero yomuonde wake; munhu wose uchinwa mvura yomutsime rake, kusvikira ndauya kuzokutorai ndoenda nemi kunyika yakangoita senyika yenyu iyi. “Nyika yembesanwa newaini nyika yechingwa nemigirepisi nyika yemiti yemuorivhi nouchi kuitira kuti murarame murege kufa. Musateerere Hezekiya achikufurirai achiti, ‘Tenzi achatinunura.’ Pamarudzi ose pana mwari here ati ambonunura nyika yake mumaoko amambo weAsiria? ‘Ko vamwari vokuHamati nokuAripadhi varipi?’ Ko vamwari vokuSefarivhaimu novokuHena nokuIvha varipiko? Vakanunura Samaria mumaoko angu here? Pakati pavamwari vose venyika idzodzo ndivanaani vakanunura nyika dzavo mumaoko angu zvingazonzi Tenzi achanunura Jerusaremu mumaoko angu?” Asi vanhu vakati mwiro kunyarara vakarega nokumupindura kwose nokuti chirevo chamambo chaiti, “Regai kumupindura.” Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikiya aiva mukuru mukuru womumuzinda naShebhuna samunyori mukuru nomunyori Joa mwanakomana waAsafu vakaenda kuna Hezekiya hanzu vabvarura. Vakamusvitsa zvakanga zvataurwa nomutariri mukuru wezvomumuzinda.

2 Madzimambo 18:9-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino negore recinna ramambo Hezekia, riri gore recinomŋe raHoshea mŋanakomana waEra mambo waIsraeri, Sharmaneseri mambo weAsiria akandorwa neSamaria, akarikomba. Pakupera kwamakore matatu ʋakarikunda; Samaria rikakundwa negore retanhatu raHezekia, riri gore repfumbamŋe raHoshea mambo waIsraeri. Mambo weAsiria akatapa ʋaIsraeri, akaenda naʋo Asiria, akaʋaisa paHara, napaHabori, parwizi Gozani, nomumaguta aʋaMedi; nokuti haʋana‐kuterera inzwi raJehova Mŋari waʋo, asi ʋakaɗarika suŋgano yake, iɀo ɀose ɀaʋakaŋga ʋarairwa naMosesi muranda waJehova, ʋakaramba kunzwa, kana kuɀiita. Ɀino negore regumi namanna ramambo Hezekia, Sanheribi mambo weAsiria akandorwa namaguta ose aJuda akakombga namaȿiŋgo, akaakunda. Ɀino Hezekia mambo waJuda akatuma shoko kunamambo weAsiria paRakishi, akati: Ndatadza, dzokai henyu mubve kwandiri; ɀose ɀamunoreʋa kwandiri ndicaɀiripa. Ipapo mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo waJuda matarenta anamazana matatu esirveri namatarenta anamakumi matatu endarama. Hezekia akamupa sirveri yose yakaŋga iri mumba maJehova, napafuma yeimba yamambo. Neŋguʋa iyo Hezekia wakabvisa ndarama pamikoʋa yeimba yaJehova, napambiru dzakaŋga dzafukidzwa nayo naHezekia mambo waJuda, akaipa mambo weAsiria. Ɀino mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wamacinda, nomukuru waʋatariri ʋabve Rakishi nehondo huru ʋaende kunaHezekia paJerusarema. Iʋo ʋakaenda, ʋakaȿika Jerusarema. Ɀino ʋakati ʋaȿika, ʋakamira pamugero wedziʋa rokumsoro, riri panzira huru inoenda kumunda womusuki. Ɀino ʋakati ʋaɗana mambo, Eriakimi mŋanakomana waHirkia, waiceŋgeta imba, naShebna munyori, naJoa mŋanakomana waAsafi sahwira, ʋakaɓuɗira kwaʋari. Ɀino mukuru waʋatariri akati kwaʋari: Ɀino imi muti kunaHezekia: Ɀanzi namambo mukuru, mambo weAsiria: Caunoʋimba naco cinyi? Iwe unoti (asi mashoko omuromo hawo): Mano nesimba ɀokurwa naɀo ɀiri’po haɀo. Ɀino unoʋimba naniko, ɀawandimukira ini? Tarira ɀino, unoʋimba nomuɗonɀo worutsaŋga urwu rwakapxanyika, Egipita, runoti kana munhu akasendama kwaruri, rucapinda muruʋoko rwake, rukamuɓaya; ndiɀo ɀakaita Farao mambo weEgipita kunaʋose ʋanoʋimba naye. Asi kana ukati kwandiri: Tinoʋimba naJehova Mŋari weɗu, ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira neartari dzake naHezekia, akati kunaJuda naJerusarema: Munofanira kunamata pamberi peartari iri paJerusarema, here? Naiɀoɀo ɀino, cipikiranai henyu natenzi waŋgu mambo weAsiria, ndikupe mabiza aneɀuru ɀiʋiri, kana iwe ukagona kuisa ʋataȿi pamsoro pawo. Uŋgagona seiko kukunda mukuru mumŋe kunaʋaɗuku ʋaʋaranda ʋatenzi ʋaŋgu, kana ukaʋimba neEgipita kuti upiwe ŋgoro namabiza naʋo? Ini ndaʋuya kuzorwa nenɀimbo iyi kuti ndiiparadze ndisinaJehova here? Ndiye Jehova wakati kwandiri: Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze. Ipapo Eriakimi mŋanakomana waHirkia, naShebna, naJoa ʋakati kumukuru waʋatariri: Tinokumbira kuti mutaure henyu naʋaranda ʋenyu norurimi rweciAramia, nokuti tinocinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwaʋaJuda, ʋanhu ʋose ʋari paruȿiŋgo ʋaɀinzwe. Asi mukuru waʋatariri wakati kwaari: Tenzi waŋgu wakandituma kunatenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana‐kundituma here kuʋanhu ʋagere pamsoro poruȿiŋgo, kuti ʋadye ndoʋe yaʋo nemvura yaʋo pamŋe cete nemi? Ipapo mukuru waʋatariri akamira, akaɗanidzira nenzwi guru norurimi rwaʋaJuda, akataura, aciti: Inzwai shoko ramambo mukuru, iye mambo weAsiria. Ɀanzi namambo: Hezekia ŋgaarege kukunyeŋgerai; nokuti haagoni kukurwirai pamaʋoko ake; Hezekia ŋgaarege kukuʋimbisai naJehova, aciti: Jehova ucatirwira ɀirokwaɀo, ʋuye kuti guta iri hariŋgaiswi mumaʋoko amambo weAsiria. Musaterera Hezekia, nokuti ɀanzi namambo weAsiria: Yananai neni, muɓuɗirei kwandiri, mudye mumŋe nomumŋe muzambiriŋga wake, mumŋe nomumŋe muʋonde wake, munwe mumŋe nomumŋe mvura yetsime rake; kuȿikira ini ndaʋuya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ineɀiyo newaini, nyika ineciŋgwa neminda yemizambiriŋga, nyika inamafuta emiorivi noʋuci, murarame, murege kufa; regai kuterera Hezekia, kana acikugombedzerai, aciti: Jehova ucatirwira. Ko mumŋe waʋamŋari ʋendudzi wakatomborwira nyika yake paruʋoko rwamambo weAsiria here? Ʋamŋari ʋeHamati neArpadi ʋaripi? Ʋamŋari ʋeSefarvaimi, neHena, neIva ʋaripi? Ʋakarwira Samaria paruʋoko rwaŋgu here? Ndaʋapiko pakati paʋamŋari ʋose ʋenyika ʋakarwira nyika yaʋo paruʋoko rwaŋgu, ɀamunoti Jehova ucarwira Jerusarema paruʋoko rwaŋgu? Asi ʋanhu ʋakaramba ʋanyerere, haʋana‐kumupindura shoko rimŋe, nokuti murairo wamambo wakaŋga uciti: Regai kumupindura. Ɀino Eriakimi mŋanakomana waHirkia, waitarira imba, naShebna munyori, naJoa, mŋanakomana waAsafi sahwira, ʋakaenda kunaHezekia, ŋguʋo dzaʋo dzabvarurwa, ʋakamuʋudza mashoko omukuru waʋatariri.

2 Madzimambo 18:9-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)