2 Madzimambo 17:22-23
2 Madzimambo 17:22-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
VaIsraeri vakaramba vari muzvivi zvose zvaJerobhoamu uye havana kutendeuka kubva pazviri kusvikira Jehovha avabvisa pamberi pake, sezvaakanga avayambira kubudikidza navaranda vake vose vaprofita. Saka vanhu veIsraeri vakatapwa kubva kunyika yavo vakaendeswa kuusungwa muAsiria, uye vachiriko nanhasi.
2 Madzimambo 17:22-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vana veIsiraeri vakafamba pazvivi zvose zvaJerobhoamu, zvaakaita; havana kutsauka kwazviri; kusvikira Jehovha abvisa Isiraeri kure nechiso chake, sezvaakataura nemiromo yavaporofita, varanda vake vose. Naizvozvo vaIsiraeri vakatapwa panyika yavo, vakaiswa Asiria kusvikira nhasi.
2 Madzimambo 17:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanhu vokwaIsiraeri vakatevedzawo zvitadzo zvose zvakaitwa naJerobhoamu. Havana kusiyana nazvo kusvikira Tenzi abvisa vokwaIsiraeri pameso pake sokutaura kwaakanga aita nomuromo wavaranda vake vaporofita. Saizvozvo vokwaIsiraeri vakatapwa munyika mavo vakaendwa navo kuAsiria kusvikira pari nhasi.
2 Madzimambo 17:22-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba paɀiʋi ɀose ɀaJeroboami, ɀaakaita; haʋana‐kutsauka kwaɀiri; kuȿikira Jehova abvisa Israeri kure neciso cake, seɀaakataura nemiromo yaʋaprofita, ʋaranda ʋake ʋose. Naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakatapxa panyika yaʋo, ʋakaiswa Asiria kuȿikira nhasi.
2 Madzimambo 17:22-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)