Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 17

17
Mambo weAsiria anokunda Samaria nokutapa vaIsiraeri
1Zvino negore regumi namaviri raAhazi mambo waJudha, Hoshea mwanakomana waEra wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akahubata makore mapfumbamwe. 2Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; asi haana kufanana namadzimambo aIsiraeri akamutangira. 3Zvino Sharimaneseri mambo weAsiria akasvika kuzorwa naye, Hoshea akava muranda wake, akamuterera mutero. 4Asi mambo weAsiria wakati achiona kuti Hoshea akarangana navamwe kumumukira, nokuti wakanga atuma nhume kuna Soromoni mambo weIjipiti, akarega kuterera mambo weAsiria mutero sezvaaiita gore rimwe nerimwe, mambo weAsiria akamupfigira mutorongo akamusunga.
5Ipapo mambo weAsiria akafamba nenyika yose, akaenda Samaria, akarikomba makore matatu.
6Negore repfumbamwe raHoshea, mambo weAsiria akakunda Samaria, akatapa vaIsiraeri, akaenda navo Asiria, akavaisa paHara, napaHabhori, parwizi Gozani, napamaguta avaMedhi.
7Izvozvo zvakaitwa, nokuti vana veIsiraeri vakatadzira Jehovha Mwari wavo, iye wakanga avabudisa panyika yeIjipiti kwavakanga vakabatwa naFarao mambo weIjipiti, vakatya vamwe vamwari, 8vakafamba nemitemo yendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavana veIsiraeri, neyamadzimambo eIsiraeri yavakatema ivo. 9Vana veIsiraeri vakaita pakavanda zvisina kururama pamberi paJehovha Mwari wavo, vakazvivakira matunhu akakwirira mumaguta avo ose, kubva pachirindo chavarindi kusvikira pamaguta akakombwa.
10Vakazvimutsira shongwe namatanda okunamata nawo pamatunhu ose akakwirira, napasi pemiti yose mitema.
11Vakapisirapo zvinonhuwira pamatunhu ose akakwirira, sezvaiita ndudzi dzakanga dzabviswa pamberi pavo naJehovha; vakaita zvakashata zvakatsamwisa Jehovha; 12vakashumira zvifananidzo, zvavakanga vanzi naJehovha, “Regai kuita chinhu ichi.”
13Kunyange zvakadaro Jehovha wakapupurira Isiraeri naJudha nemiromo yavaporofita vose navawoni vose, akati, “Dzokai panzira dzenyu dzakaipa, muchengete mirairo yangu nezvandakatema, sezvakarehwa nomurayiro wangu wose wandakaraira madzibaba enyu, wandakatuma nemiromo yavaporofita varanda vangu.” 14Kunyange zvakadaro, vakaramba kuteerera, vakawomesa mitsipa yavo, semitsipa yamadzibaba avo, vakanga vasingatendi Jehovha Mwari wavo. 15Vakaramba mitemo yake nesungano yake yaakaita namadzibaba avo, nezvipupuriro zvake zvaakavapupurira, vakatevera zvisina maturo, ivo vakava vasina maturo, vakatevera ndudzi dzakavapoteredza, ivo vavakanga varairwa naJehovha kuti varege kuita saivo. 16Vakasiya mirairo yose yaJehovha Mwari wavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa, zvemhuru mbiri; vakaitawo matanda okunamata nawo, vakanamata hondo yose yokudenga, vakashumira Bhaari. 17Vakapinza vanakomana navakunda vavo mumoto, vakauka nokuita uroyi hwavo, vakazvitengesa kuti vaite zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsamwisa. 18Naizvozvo Jehovha wakatsamwira vaIsiraeri kwazvo, akavabvisa pachiso chake; hakuna vakasiyiwa, asi rudzi rwaJudha bedzi.
19Kunyange navaJudhawo havana kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wavo, asi vakafamba nemitooo yavaIsiraeri, yavakatema. 20Jehovha akarasha vana veIsiraeri vose, akavatambudza, akavapa mumaoko avaparadzi, kusvikira avarashira kure nechiso chake.
21Nokuti wakabvarura vaIsiraeri paimba yaDhavhidhi; vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, mambo wavo, Jerobhoamu akatsautsa vaIsiraeri, vakarega kutevera Jehovha, akavatadzisa nechivi chikuru. 22Vana veIsiraeri vakafamba pazvivi zvose zvaJerobhoamu, zvaakaita; havana kutsauka kwazviri; 23kusvikira Jehovha abvisa Isiraeri kure nechiso chake, sezvaakataura nemiromo yavaporofita, varanda vake vose. Naizvozvo vaIsiraeri vakatapwa panyika yavo, vakaiswa Asiria kusvikira nhasi.
Nyika yavaIsiraeri inogarwa navahedheni
24Zvino mambo weAsiria wakatora vanhu paBhabhironi, napaKuta, napaAva, napaHamati, napaSefarivhaimi, akavaisa mumaguta eSamaria panzvimbo yavana veIsiraeri; Samaria rikava ravo, vakagara mumaguta aro. 25Zvino pakutanga kwokugarapo kwavo havana kutya Jehovha, Jehovha akatuma shumba pakati pavo, dzikavauraya vamwe vavo. 26Naizvozvo vakaudza mambo weAsiria, vakati, “Ndudzi dzavanhu dzamakatapa, mukavaisa mumaguta eSamaria, hadzizivi tsika dzaMwari wenyika iyo; naizvozvo wakatuma shumba pakati pavo, dzinovauraya, nokuti havazivi tsika dzaMwari wenyika iyo.” 27Ipapo mambo weAsiria akaraira, akati, “Isaiko mumwe wavapristi vamakatapapo; ngavaende kundogarako, avadzidzise tsika dzaMwari wenyika iyo.” 28Naizvozvo mumwe wavapristi vavakatapa paSamaria, wakandogara paBhetieri, akavadzidzisa sezvavaifanira kutya Jehovha. 29Kunyange zvakadaro rudzi rumwe norumwe rwakazviitira vamwari varwo, vakavaisa mudzimba dzamatunhu akakwirira, dzakavakwa navaSamaria, rudzi rumwe norumwe pamaguta arwo, kwavaigara. 30Vanhu veBhabhironi vakavaka Sukotibhenoti, vanhu veKuti vakavaka Nerigari, vanhu veHamati vakavaka Ashima, 31vaAvhi vakavaka Nibhazi neTaritaki, vaSefarivhaimi vakapisa vana vavo mumoto kuna Adhiramereki naAnamereki, vamwari veSefarivhaimi. 32Naizvozvo vakatya Jehovha, vakazvitsaurira pakati pavo vapristi vamatunhu akakwirira, vaivabayirira mudzimba dzamatunhu akakwirira. 33Vakatya Jehovha, vakashumira vamwari vavo, vachitevera tsika dzendudzi kwavakanga vatapwako.
34Kusvikira zuva ranhasi vanotevera tsika dzakare; havatyi Jehovha, kana kuita sezvavanorairwa nemitemo yavo, kana zvirevo zvavo, kana murayiro wavo, kana mirau yavo, yakanga yarairwa vana vaJakobho naJehovha, iye waakatumidza zita rinonzi Isiraeri; 35Jehovha akaita sungano navo, akavaraira, akati, “Regai kutya vamwe vamwari, kana kuvapfugamira kana kuvashumira, kana kuvabayira; 36asi Jehovha, wakakubudisai paIjipiti nesimba guru, noruoko rwakatambanudzwa, ndiye wamunofanira kutya, ndiye wamunofanira kupfugamira, ndiye wamunofanira kubayira.
37“Mitemo, nezvirevo, nomurayiro, nomurau, zvaakakunyorerai, munofanira kuzvichengeta nokusingaperi, hamufaniri kutya vamwe vamwari; 38uye hamufaniri kukanganwa sungano yandakaita nemi; uye hamufaniri kutya vamwe vamwari; 39asi munofanira kutya Jehovha Mwari wenyu; iye achakusunungurai pamaoko avavengi venyu vose.”
40Kunyange zvakadaro havana kuteerera, asi vakatevera tsika dzakare.
41Naizvozvo ndudzi idzi dzakatya Jehovha, dzikashumirawo zvifananidzo zvadzo zvakavezwa; navana vavo, navana vavana vavo, vanoita saizvozvo kusvikira nhasi, sezvakaita madzibaba avo.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Madzimambo 17: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda