2 Madzimambo 13:24-25
2 Madzimambo 13:24-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hazaeri mambo weAramu akafa, mwanakomana wake Bheni-Hadhadhi akamutevera paumambo. Ipapo Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorazve kubva kuna Bheni-Hadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta aakanga atora muhondo kubva kuna baba vake Jehoahazi. Jehoashi akamukunda katatu, nokudaro akadzorazve maguta avaIsraeri.
2 Madzimambo 13:24-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Hazaeri mambo weSiria akafa, Bhenihadhadhi mwanakomana wake akamutevera paushe. Ipapo Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorerazve Bhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri, maguta aakanga atorera baba vake Jehoahazi pakurwa. Joashi akamukunda katatu, akatorazve maguta eIsiraeri.
2 Madzimambo 13:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakafa Hazaeri mambo weSiria, mwanakomana wake Bhenihadhadhi ndiye akatonga panzvimbo pake. Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorera pakare Bhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta akanga atorerwa baba vake Jehoahazi muhondo. Jehoashi akamukurira rutatu akabva adzosa maguta eIsiraeri.
2 Madzimambo 13:24-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Hazaeri mambo weSiria akafa, Beni‐hadadi mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe. Ipapo Jehoashi mŋanakomana waJehoahazi akatorera ɀe Beni‐hadadi mŋanakomana waHazaeri, maguta aakaŋga atorera ɓaɓa ʋake Jehoahazi pakurwa. Joashi akamukunda katatu, akatora ɀe maguta aIsraeri.
2 Madzimambo 13:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)