2 Johani 1:6-9
2 Johani 1:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye urwu ndirwo rudo: kuti tifambe mukuteerera mirayiro yake. Sezvamakanzwa kubva pakutanga, murayiro wake ndewokuti mufambe murudo. Vanyengeri vazhinji, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya munyama, vakapinda munyika. Munhu akadaro ndiye munyengeri naandikristu. Muchenjere kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira, asi kuti mugopiwa mubayiro wakakwana. Mumwe nomumwe anomhanya mberi asingarambiri mudzidziso yaKristu haana Mwari; ani naani anorambira mukudzidzisa kwaKristu ana Baba noMwanakomana.
2 Johani 1:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirayiro yake. Ndiwoyu murayiro, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri. Nokuti vanyengeri vazhinji vakabudira munyika, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya panyama. Ndiye munyengeri naantikristu. Zvichenjerei imi, kuti murege kurashikirwa nezvatakabatira, asi kuti mupiwe mubayiro wakakwana. Mumwe nomumwe, anotungamirira vamwe, asingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haana Mwari; asi uyo, anorambira mukudzidzisa, ndiye anaBaba noMwanakomana.
2 Johani 1:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chinonzi rudo ndechichi chokuti, tinofanira kuchengeta mitemo yake. Mutemo wacho, sokunzwa kwamakaita kubvira pakutanga, ndowokuti munofanira kutevedza upenyu hworudo. Ndinodaro nokuti vanyengedzi vakawanda vapararira nenyika. Vanhu ivavo havabvumi kuti Jesu Kristu akauya somunhu. Munhu akadaro ndiye munyengedzi uya, uye ndiye mhandu yaKristu. Zvichenjererei kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira asi kuti muwane mubayiro uzere. Ani naani anowedzera zvomusoro wake asingarambe ari mune zvinodzidziswa naKristu, haana Mwari. Munhu anoramba ari mune zvinodzidziswa naKristu ana Baba naMwanakomana.
2 Johani 1:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndirwo ruɗo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, seɀamakanzwa kubva pakutaŋga, kuti mufambe mauri. Nokuti ʋanyeŋgeri ʋazhinji ʋakaɓuɗira munyika, ʋasiŋgapupuri kuti Jesu Kristu wakaʋuya panyama. Ndiye munyeŋgeri naantikristu. Ɀicenjerei imi, kuti murege kurashikirwa neɀatakaɓatira, asi kuti mupiwe muɓairo wakakwana. Mumŋe nomumŋe, unotuŋgamirira ʋamŋe, asiŋgarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haanaMŋari; asi uyo, unorambira mukudzidzisa, ndiye unaƂaɓa noMŋanakomana.
2 Johani 1:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)