2 Johani 1:4-11
2 Johani 1:4-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvakandifadza zvikuru kuwana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba. Uye zvino, mai, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi iwo watakanzwa kubva pakutanga. Ndinokumbira kuti tidanane. Uye urwu ndirwo rudo: kuti tifambe mukuteerera mirayiro yake. Sezvamakanzwa kubva pakutanga, murayiro wake ndewokuti mufambe murudo. Vanyengeri vazhinji, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya munyama, vakapinda munyika. Munhu akadaro ndiye munyengeri naandikristu. Muchenjere kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira, asi kuti mugopiwa mubayiro wakakwana. Mumwe nomumwe anomhanya mberi asingarambiri mudzidziso yaKristu haana Mwari; ani naani anorambira mukudzidzisa kwaKristu ana Baba noMwanakomana. Kana munhu akauya kwamuri uye asingauyi nedzidziso iyi, musamupinza mumba menyu kana kumugamuchira. Ani naani anomugamuchira anogovana naye mubasa rake rakaipa.
2 Johani 1:4-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinofara zvikuru, nokuti ndakawana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba. Zvino ndinokumbira kwamuri, mai, ndisingaiti sendinokunyorerai murayiro mutsva, asi uyo watakanga tinawo kubva pakutanga, wokuti tidane. Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirayiro yake. Ndiwoyu murayiro, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri. Nokuti vanyengeri vazhinji vakabudira munyika, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya panyama. Ndiye munyengeri naantikristu. Zvichenjerei imi, kuti murege kurashikirwa nezvatakabatira, asi kuti mupiwe mubayiro wakakwana. Mumwe nomumwe, anotungamirira vamwe, asingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haana Mwari; asi uyo, anorambira mukudzidzisa, ndiye anaBaba noMwanakomana. Kana mumwe achiuya kwamuri, asingauyi nokudzidzisa uku, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari, “Kwaziwai!” Nokuti anoti kwaari, “Kwaziwai!” Anofambidzana naye pamabasa ake akaipa.
2 Johani 1:4-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakafara kwazvo kuona vamwe vana venyu vachitevera chokwadi sokuudzwa kwatakaitwa naBaba. Zvino ndinokukumbirai mai, kwete sokunge ndiri kukunyorerai nezvomutemo mutsva asi mutemo watakanzwa kubvira pakutanga wokuti tinofanira kudana. Chinonzi rudo ndechichi chokuti, tinofanira kuchengeta mitemo yake. Mutemo wacho, sokunzwa kwamakaita kubvira pakutanga, ndowokuti munofanira kutevedza upenyu hworudo. Ndinodaro nokuti vanyengedzi vakawanda vapararira nenyika. Vanhu ivavo havabvumi kuti Jesu Kristu akauya somunhu. Munhu akadaro ndiye munyengedzi uya, uye ndiye mhandu yaKristu. Zvichenjererei kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira asi kuti muwane mubayiro uzere. Ani naani anowedzera zvomusoro wake asingarambe ari mune zvinodzidziswa naKristu, haana Mwari. Munhu anoramba ari mune zvinodzidziswa naKristu ana Baba naMwanakomana. Kana mumwe munhu akauya kwamuri aine chidzidziso chakasiyana nechichi musamupinze mumba kana kumukwazisa nokuti anomukwazisa anodyidzana naye mubasa rake rakaipa.
2 Johani 1:4-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinofara ɀikuru, nokuti ndakawana ʋamŋe ʋana ʋenyu ʋacifamba muɀokwaɗi, seɀatakarairwa naƂaɓa. Ɀino ndinokumbira kwamuri, mai, ndisiŋgaiti sendinokunyorerai murairo mutȿa, asi uyo watakaŋga tinawo kubva pakutaŋga, wokuti tiɗane. Ndirwo ruɗo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, seɀamakanzwa kubva pakutaŋga, kuti mufambe mauri. Nokuti ʋanyeŋgeri ʋazhinji ʋakaɓuɗira munyika, ʋasiŋgapupuri kuti Jesu Kristu wakaʋuya panyama. Ndiye munyeŋgeri naantikristu. Ɀicenjerei imi, kuti murege kurashikirwa neɀatakaɓatira, asi kuti mupiwe muɓairo wakakwana. Mumŋe nomumŋe, unotuŋgamirira ʋamŋe, asiŋgarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haanaMŋari; asi uyo, unorambira mukudzidzisa, ndiye unaƂaɓa noMŋanakomana. Kana mumŋe aciʋuya kwamuri, asiŋgaʋuyi nokudzidzisa uku, musamugamucira mumba, kana kuti kwaari, Kwaziwa! Nokuti unoti kwaari, Kwaziwa! unofambidzana naye pamaɓasa ake akaipa.
2 Johani 1:4-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)