2 VaKorinde 9:9-15
2 VaKorinde 9:9-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akaparadzira zvipo zvake kuvarombo; kururama kwake kunogara nokusingaperi.” Zvino iye anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya achakupaiwo uye achakupaiwo mbeu zhinji mudura renyu uye agokupaiwo kukohwa kukuru kwokururama kwenyu. Muchapfumiswa pane zvose kuti mugogona kupa panguva dzose, uye kubudikidza nesu kupa kwenyu kuchaita kuti Mwari avongwe. Ushumiri uhu hwamunoita, hahusi hwokungopa vanhu vaMwari zvavanoshayiwa bedzi, asi kuti huri kufashukirawo mukuvonga kuzhinji kuna Mwari. Nokuda kwoushumiri uhwo hwamakazviratidza nahwo, vanhu vacharumbidza Mwari nokuda kwokuteerera kwenyu kunoenderana nokupupura kwenyu vhangeri raKristu, uye nokuda kwokugoverana kwenyu navo zvizhinji uye navamwe vose. Uye muminyengetero yavo pamusoro penyu mwoyo yavo ichakushuvai, nokuda kwenyasha huru kwazvo dzamakapiwa naMwari. Mwari ngaavongwe nokuda kwechipo chake chisingagoni kurondedzerwa!
2 VaKorinde 9:9-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Iye akaparadzira, iye akapa varombo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.” Zvino iye, anopa mudyari mbeu nechingwa, kuti zvive zvokudya, achakupaiwo mbeu dzokudyara achidziwanza, nokuwedzera zvibereko zvokururama kwenyu; muchifumiswa pazvose mugoziva kupa zvakawanda, zvinoti, kana zvichiitwa nesu, Mwari anovigirwa nazvo kuvonga. Nokuti kushumira kwokubatsira uku hakuzadzisi kushayiwa kwavatsvene bedzi, asi kunowanzisawo kuvonga kuna Mwari; nokuda kwezvinoonekwa pakushumira uku vanorumbidza Mwari, pamusoro pokupupura kwenyu kwakateerera Vhangeri yaKristu, napamusoro pokupa kwenyu zvakawanda kwavari nokuna vose. Naivo vamene vanokushuvai, vachikukumbirirai, nokuda kwenyasha huru-huru dzaMwari pamusoro penyu. Mwari ngaavongwe pamusoro pechipo chake, chisingagoni kurondedzerwa.
2 VaKorinde 9:9-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kuvarombo ndimupanegombe ururami hwake hunogara nokusingaperi.” Iye Mwari anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya ndiye achakupa mbeu dzose dzaunoda uye achaitawo kuti dzikure dzibereke zvokukohwa zvakawanda zvichibva muururami hwako. Muchapfuma muna zvose kuti mukwanise kuita mabasa makuru omwoyochena anoita kuti Mwari atendwe pamusana pezvatinenge taita. Kuita basa irori, hakungagutsi zvinodiwa navatsvene chete asi kuti kunowanziridza kutendwa kwaMwari. Nezvinobuda mukuita basa iri, mucharumbidza Mwari nokuteerera kwenyu Shoko Rakanaka raKristu nemwoyochena mukudyidzana kwenyu navo uye navamwe vose. Ivo vachikusuwai nokukunamatirai pamusana penyasha dzinoshamisa dzaMwari mamuri Mwari ngaatendwe pamusana pechipo chake chisingatauriki.
2 VaKorinde 9:9-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Iye wakaparadzira, iye wakapa ʋarombo; Kururama kwake kunogara nokusiŋgaperi. Ɀino iye, unopa mudɀari mbeu neciŋgwa, kuti ɀiʋe ɀokudya, ucakupai ʋo mbeu dzokudɀara acidziwanza, nokuwedzera ɀiɓereko ɀokururama kwenyu; mucifumiswa paɀose mugoziʋa kupa ɀakawanda, ɀinoti, kana ɀiciitwa nesu, Mŋari unoʋigirwa naɀo kuʋoŋga. Nokuti kushumira kwokuɓatsira uku hakuzadzisi kushaiwa kwaʋatȿene ɓedzi, asi kunowanzisa ʋo kuʋoŋga kunaMŋari; nokuɗa kweɀinoʋonekwa pakushumira uku ʋanorumbidza Mŋari, pamsoro pokupupura kwenyu kwakaterera Evaŋgeri yaKristu, napamsoro pokupa kwenyu ɀakawanda kwaʋari nokunaʋose. Naiʋo ʋamene ʋanokushuʋai, ʋacikukumbirirai, nokuɗa kwenyasha huru‐huru dzaMŋari pamsoro penyu. Mŋari ŋgaaʋoŋgwe pamsoro pecipo cake, cisiŋgagoni kurondedzerwa.
2 VaKorinde 9:9-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)