sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Iye akaparadzira, iye akapa varombo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.” Zvino iye, anopa mudyari mbeu nechingwa, kuti zvive zvokudya, achakupaiwo mbeu dzokudyara achidziwanza, nokuwedzera zvibereko zvokururama kwenyu; muchifumiswa pazvose mugoziva kupa zvakawanda, zvinoti, kana zvichiitwa nesu, Mwari anovigirwa nazvo kuvonga. Nokuti kushumira kwokubatsira uku hakuzadzisi kushayiwa kwavatsvene bedzi, asi kunowanzisawo kuvonga kuna Mwari; nokuda kwezvinoonekwa pakushumira uku vanorumbidza Mwari, pamusoro pokupupura kwenyu kwakateerera Vhangeri yaKristu, napamusoro pokupa kwenyu zvakawanda kwavari nokuna vose. Naivo vamene vanokushuvai, vachikukumbirirai, nokuda kwenyasha huru-huru dzaMwari pamusoro penyu. Mwari ngaavongwe pamusoro pechipo chake, chisingagoni kurondedzerwa.
Verenga chikamu 2 VaKorinde 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 VaKorinde 9:9-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo