2 VaKorinde 5:17-21
2 VaKorinde 5:17-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva! Zvose izvi zvakabva kuna Mwari, akatiyananisa naye kubudikidza naKristu uye akatipa ushumiri hwokuyananisa: ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika kwaari muna Kristu, asingaverengeri vanhu zvivi zvavo. Uye akatipa shoko rokuyananisa. Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu, sokunge Mwari ari kusvitsa chikumbiro chake kubudikidza nesu. Tinokukumbirai nokuda kwaKristu tichiti: Yananiswai naMwari. Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.
2 VaKorinde 5:17-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka kana munhu ari muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvinhu zvakare zvapfuura; tarirai, zvose zvava zvitsva. Asi zvinhu zvose zvakabva kuna Mwari, wakatiyananisa naye naKristu, akatipa kushumira kwokuyananisa; ndiko kuti Mwari akanga achiyananisa nyika naye muna Kristu, akasavaverengera kudarika kwavo, akatipa isu shoko rokuyananisa. Naizvozvo tiri nhume nokuda kwaKristu, Mwari saanenge achikumbira zvikuru nesu; tinokumbira nokuda kwaKristu, tichiti, “Yananiswai naMwari.” Uyo, akanga asingazivi zvivi, akamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.
2 VaKorinde 5:17-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saizvozvo kana munhu ari muna Kristu ava chisikwa chitsva. Zvakare zvakapera, zvitsva zvakauya. Zvose izvi zvinobva kuna Mwari akatiwadzanisa naye nokuna Kristu akatipawo basa rokuwadzanisa zvinoreva kuti muna Kristu, Mwari akaita kuti pasi pawadzane naye, achirega kuvapa mhosva uye achitipawo shoko rokuwadzanisa. Naizvozvo tiri vamiririri vaKristu. Mwari anoisa chikumbiro chake nokwatiri. Tinokutetererai, takamirira Kristu tichiti, wadzanai naMwari. Pamusana pedu akaita kuti iye ave chitadzo uyo akanga asingazivi chinonzi chitadzo kuti maari tive noururami hwaMwari.
2 VaKorinde 5:17-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka kana munhu ari munaKristu, waʋa cisikwa citȿa; ɀinhu ɀakare ɀapfuʋura; tarirai, ɀose ɀaʋa ɀitȿa. Asi ɀinhu ɀose ɀakabva kunaMŋari, wakatiyananisa naye naKristu, akatipa kushumira kwokuyananisa; ndiko kuti Mŋari wakaŋga aciyananisa nyika naye munaKristu, akasaʋaʋereŋgera kuɗarika kwaʋo, akatipa isu shoko rokuyananisa. Naiɀoɀo tiri nhume nokuɗa kwaKristu, Mŋari saaneŋge acikumbira ɀikuru nesu; tinokumbira nokuɗa kwaKristu, ticiti: Yananiswai naMŋari. Uyo, wakaŋga asiŋgaziʋi ɀiʋi, wakamuita kuti aʋe ɀiʋi nokuɗa kweɗu; kuti isu tiʋe kururama kwaMŋari maari.
2 VaKorinde 5:17-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)