2 VaKorinde 4:6-12
2 VaKorinde 4:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti Mwari akati, “Chiedza ngachipenye murima,” akaita kuti chiedza chake chipenye mumwoyo yedu kuti tiwane chiedza choruzivo rwokubwinya kwaMwari muchiso chaKristu. Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu kuratidza kuti simba iri rinopfuura zvose rinobva kuna Mwari kwete kwatiri. Tinomanikidzwa kumativi ose, asi hatipwanyiwi; tinokanganiswa, asi hatina kuora mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa. Tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaJesu, kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumuviri wedu. Nokuti isu vapenyu tinoramba tichiiswa kurufu nokuda kwaJesu, kuti upenyu hwake huratidzwe mumuviri wedu unofa. Saka naizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu hunobata mamuri.
2 VaKorinde 4:6-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti Mwari, akareva kuti, “Chiedza chibude parima,” ndiye akavhenekera mumwoyo yedu, kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunoonekwa pachiso chaJesu Kristu. Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti ukuru hwesimba huve hwaMwari, hurege kuva hwedu. Tinotambudzika pamativi ose, asi hatimanikidzwi; tinokanganiswa, asi hatina kurasa mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa; tinoramba tichitakura nguva dzose mumuviri wedu kufa kwaJesu, kuti noupenyuwo hwaJesu huratidzwe mumuviri wedu. Nokuti isu vapenyu tinogara tichingoiswa pakufa nokuda kwaJesu, kuti noupenyuwo hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa. Saizvozvo kufa kunobata matiri, asi upenyu mamuri.
2 VaKorinde 4:6-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti iye Mwari ndiye akati, “Chiedza ngachivheneke murima,” ndiye akavhenekawo mumwoyo yedu, kuti atipe mwenje woruzivo rwembiri yaMwari iri muuso hwaKristu. Asi upfumi uhu tinaho huri muhari dzevhu, kuratidza kuti simba ramasimba ose nderaMwari, kwete redu. Tinotambudzwa nenzira dzakasiyana–siyana asi hatishai pokupunyuka napo, tinoshaiswa mazano asi hatirasi mwoyo; tinoshushwa asi hatisiiwi tiri toga; tinorigirwa pasi asi hatiparadzwi. Tinogara takaberekana narwo rufu rwaJesu kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo mumiviri yedu. Paupenyu hwedu, tinogara takangotarisana narwo rufu pamusana paJesu kuti upenyu hwaJesu huratidzwe munyama yedu inofa. Naizvozvo, isu tinogara takafudzwa narwo rufu asi imi muri muupenyu.
2 VaKorinde 4:6-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti Mŋari, wakareʋa kuti ciedza ciɓuɗe parima, ndiye wakavenekera mumŋoyo yeɗu, kuti atipe ciedza cokuziʋa kubginya kwaMŋari kunoʋonekwa paciso caJesu Kristu. Asi fuma iyi tinayo mumidziyo yevu, kuti ʋukuru bgesimba bguʋe bgaMŋari, bgurege kuʋa bgeɗu. tinotambudzika pamatiʋi ose, asi hatimanikidzwi; tinokaŋganiswa, asi hatina‐kurasha mŋoyo; tinotambudzwa, asi hatinakusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatinakuparadzwa; tinoramba ticitakura ŋguʋa dzose mumuʋiri weɗu kufa kwaJesu, kuti noʋupenyu ʋo bgaJesu bguratidzwe mumuʋiri weɗu. Nokuti isu ʋapenyu tinogara ticiŋgoiswa pakufa nokuɗa kwaJesu, kuti noʋupenyu ʋo bgaJesu bguratidzwe munyama yeɗu inofa. Saiɀoɀo kufa kunoɓata matiri, asi ʋupenyu mamuri.
2 VaKorinde 4:6-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)