2 VaKorinde 4:5-7
2 VaKorinde 4:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti hatizviparidzi isu, asi Jesu Kristu saShe, uye isu savaranda venyu nokuda kwaJesu. Nokuti Mwari akati, “Chiedza ngachipenye murima,” akaita kuti chiedza chake chipenye mumwoyo yedu kuti tiwane chiedza choruzivo rwokubwinya kwaMwari muchiso chaKristu. Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu kuratidza kuti simba iri rinopfuura zvose rinobva kuna Mwari kwete kwatiri.
2 VaKorinde 4:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Isu hatizviparidzi asi watinoparidza ndiJesu Kristu saTenzi, isu tiri varanda venyu pamusana paJesu, nokuti iye Mwari ndiye akati, “Chiedza ngachivheneke murima,” ndiye akavhenekawo mumwoyo yedu, kuti atipe mwenje woruzivo rwembiri yaMwari iri muuso hwaKristu. Asi upfumi uhu tinaho huri muhari dzevhu, kuratidza kuti simba ramasimba ose nderaMwari, kwete redu.
2 VaKorinde 4:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti hatizviparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri varanda venyu nokuda kwaJesu. Nokuti Mwari, akareva kuti, “Chiedza chibude parima,” ndiye akavhenekera mumwoyo yedu, kuti atipe chiedza chokuziva kubwinya kwaMwari kunoonekwa pachiso chaJesu Kristu. Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yevhu, kuti ukuru hwesimba huve hwaMwari, hurege kuva hwedu.
2 VaKorinde 4:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Isu hatizviparidzi asi watinoparidza ndiJesu Kristu saTenzi, isu tiri varanda venyu pamusana paJesu, nokuti iye Mwari ndiye akati, “Chiedza ngachivheneke murima,” ndiye akavhenekawo mumwoyo yedu, kuti atipe mwenje woruzivo rwembiri yaMwari iri muuso hwaKristu. Asi upfumi uhu tinaho huri muhari dzevhu, kuratidza kuti simba ramasimba ose nderaMwari, kwete redu.
2 VaKorinde 4:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti hatiɀiparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri ʋaranda ʋenyu nokuɗa kwaJesu Nokuti Mŋari, wakareʋa kuti ciedza ciɓuɗe parima, ndiye wakavenekera mumŋoyo yeɗu, kuti atipe ciedza cokuziʋa kubginya kwaMŋari kunoʋonekwa paciso caJesu Kristu. Asi fuma iyi tinayo mumidziyo yevu, kuti ʋukuru bgesimba bguʋe bgaMŋari, bgurege kuʋa bgeɗu.