2 VaKorinde 4:14-18
2 VaKorinde 4:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
nokuti tinoziva kuti iye akamutsa Ishe wedu Jesu kubva kuvakafa achazotimutsawo pamwe chete naJesu uye agotisvitsa pamberi pake pamwe chete nemi. Izvi zvose zvinoitwa nokuda kwenyu, kuitira kuti nyasha dziri kusvikira vanhu vazhinji dziwanze kuvonga kuti Mwari akudzwe. Naizvozvo hatiori mwoyo. Kunyange zvazvo kunze tichiparara, asi mukati tiri kuvandudzwa zuva nezuva. Nokuti chiedza chedu nokutambudzika kwedu kwechinguva chiduku zviri kutiitira kubwinya kusingaperi, kukuru kupfuura zvose. Naizvozvo hatitarisi zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi. Nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi.
2 VaKorinde 4:14-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
tichiziva kuti iye akamutsa Ishe Jesu, achatimutsawo isu pamwechete naJesu; agotiisa pamberi pake pamwechete nemi. Nokuti zvinhu zvose zvinoitwa nokuda kwenyu, kuti nyasha zvadzakawanzwa navazhinji, dziwanze kuvonga, kuti Mwari akudzwe. Saka hatineti, asi kunyange munhu wedu wokunze uchipera hawo, munhu womukati unovandudzwa zuva rimwe nerimwe. Nokuti kutambudzika kwedu, kwakareruka, kuripo chinguva chiduku, kunotiitira kubwinya kukuru kwakaisvonaka kusingaperi; tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi; nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi ndezvokusingaperi.
2 VaKorinde 4:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
tichiziva kuti iye akamutsa Tenzi Jesu achatimutsawo naJesu achizotiunza pamwechete nemi paari. Zvose izvi kuitira imi, kuti nyasha nokupararira kwadzinoita kuvanhu vakawanda kutendawo kuwande, kuti Mwari agorumbidzwa nazvo. Nezvo hatirasi mwoyo. Kunyange tavakuchembera, umunhu hwedu hokunze; hwomukati huri kutovandudzwa zuva nezuva, nokuti tunhamo tunopera utwu, twuri kutigadzirira mbiri isingaperi, inoremerera, isina chokuienzanisa nacho. Chikonzero chacho ndechokuti ziso redu harisi pazvinhu zvinoonekwa asi kuzvinhu zvisingaonekwi nokuti zvinhu zvinoonekwa zvinopfuura asi zvinhu zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi.
2 VaKorinde 4:14-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ticiziʋa kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, ucatimutsa ʋo isu pamŋe cete naJesu; agotiisa pamberi pake pamŋe cete nemi. Nokuti ɀinhu ɀose ɀinoitwa nokuɗa kwenyu, kuti nyasha ɀadzakawanzwa naʋazhinji, dziwanze kuʋoŋga, kuti Mŋari akudzwe. Saka hatineti, asi kunyaŋge munhu weɗu wokunze ucipera hawo, munhu womukati unoʋandudzwa zuʋa rimŋe nerimŋe. Nokuti kutambudzika kweɗu, kwakareruka, kuri’po ciŋguʋa ciɗuku, kunotiitira kubginya kukuru kwakaiȿo‐naka kusiŋgaperi; tisiŋgatariri ɀinoʋonekwa, asi ɀisiŋgaʋonekwi; nokuti ɀinoʋonekwa ɀinopfuʋura, asi ɀisiŋgaʋonekwi ndeɀokusiŋgaperi.
2 VaKorinde 4:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)