2 VaKorinde 4:13-14
2 VaKorinde 4:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kwakanyorwa kuchinzi: “Ndakatenda; naizvozvo ndikataura.” Nomweya mumwe chete iwoyo wokutenda takatendawo uye naizvozvo tinotaura, nokuti tinoziva kuti iye akamutsa Ishe wedu Jesu kubva kuvakafa achazotimutsawo pamwe chete naJesu uye agotisvitsa pamberi pake pamwe chete nemi.
2 VaKorinde 4:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino zvatino mweya iwoyu wokutenda, sezvazvakanyorwa, zvichinzi, “Ndakatenda, saka ndakataura;” nesuo tinotenda, saka tinotaurawo; tichiziva kuti iye akamutsa Ishe Jesu, achatimutsawo isu pamwechete naJesu; agotiisa pamberi pake pamwechete nemi.
2 VaKorinde 4:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino zvatino mweya mumwechetewo wechitendero wakanga uine uyo akanyora achiti, “Ndakatenda ndikataura, saizvozvo,” isuwo takatenda tinotaura saizvozvo tichiziva kuti iye akamutsa Tenzi Jesu achatimutsawo naJesu achizotiunza pamwechete nemi paari.
2 VaKorinde 4:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ɀatinomŋeya iwoyu wokutenda, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Ndakatenda, saka ndakataura; nesu ʋo tinotenda, saka tinotaura ʋo; ticiziʋa kuti iye wakamutsa Ishe Jesu, ucatimutsa ʋo isu pamŋe cete naJesu; agotiisa pamberi pake pamŋe cete nemi.
2 VaKorinde 4:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)