2 VaKorinde 10:3-7
2 VaKorinde 10:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti kunyange dai tichigara zvedu munyika, hatirwi hondo sezvinoita nyika ino. Nhumbi dzatinorwa nadzo hadzizi nhumbi dzenyika ino. Asi dzine simba raMwari rokuputsa nhare. Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu. Uye tichange takagadzirira kuranga kuita kwose kwokusateerera, kana kuteerera kwenyu kuchinge kwazadziswa. Imi muri kungoonera zvinhu pamusoro bedzi. Kana munhu achivimba kuti iye ndowaKristu, ngaarangarirewo zvakare kuti isu tiri vaKristu sezvaakaitawo iye.
2 VaKorinde 10:3-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti, kunyange tichifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitoo yenyama; nokuti nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare; isu tinoti tichiputsa njere, nezvakakwirira zvose zvinomutswa kuzorwa nokuziva Mwari, tinopa mifungo yose kuti iteerere Kristu; takazvigadzira kuranga kusateerera kwose, kana kuteerera kwenyu kwazadziswa. Imi munotarira zvinhu zviri pamberi penyu. Kana munhu achivimba nazvo achiti ndiri waKristu, ngaarangarirezve chinhu ichi mumwoyo make, kuti sezvaari waKristu iye, saizvozvo nesuo.
2 VaKorinde 10:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kunyange zvedu tichigara panyika, hatisi kurwa hondo yapanyika nokuti zvombo zvatinorwisa nazvo, hazvisi zvapasi pano asi kuti zvine simba raMwari rinoparadza nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. Isu tinoparadza nharo uye pfungwa dzokuzvikudza dzinopingidza vanhu kuziva Mwari uye tinotora vanhu pfungwa dzavo tichidziisa muutapwa, tichivaita kuti vateerere Kristu takagadzirira kuranga kusateerera kose kana kuteerera kwenyu kwakwana. Onai zvinhu sezvazviri. Kana pane anonyatsovimba kuti ndewaKristu, ngaayeukewo kuti sezvaari waKristu, nesuwo ndizvo zvatiri.
2 VaKorinde 10:3-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti, kunyaŋge ticifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitoʋo yenyama; nokuti nhumbi dzeɗu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzinesimba pamberi paMŋari rokuputsa nhare; isu tinoti ticiputsa njere, neɀakakwirira ɀose ɀinomutswa kuzorwa nokuziʋa Mŋari, tinotapa mifuŋgo yose kuti iterere Kristu; takaɀigadzira kuraŋga Kusaterera kwose, kana kuterera kwenyu kwazadziswa. Imi munotarira ɀinhu ɀiri pamberi penyu. Kana munhu aciʋimba naɀo aciti ndiri waKristu, ŋgaaraŋgarire ɀe cinhu ici mumŋoyo make, kuti seɀaari waKristu iye, saiɀoɀo nesu ʋo.
2 VaKorinde 10:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)