Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 ƲaKorinte 10

10
Pauro unosimbisa ʋuapostora bgake.
1Ɀino ini Pauro ndinokumbira ɀikuru kwamuri noʋunyoro netsitsi dzaKristu — ini muɗuku kana ndiri pakati penyu, asi ndinotsuŋga kwamuri kana ndisi’po — 2Ndinokumbira kwamuri, kuti kana ndaʋa’po, ndirege kuzotsuŋga, nokutenda kwandinoti ɀino ndicatsuŋga nako kunaʋamŋe ʋanoti tinofamba nenzira yenyama. 3Nokuti, kunyaŋge ticifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitoʋo yenyama; 4nokuti nhumbi dzeɗu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzinesimba pamberi paMŋari rokuputsa nhare; 5isu tinoti ticiputsa njere, neɀakakwirira ɀose ɀinomutswa kuzorwa nokuziʋa Mŋari, tinotapa mifuŋgo yose kuti iterere Kristu; 6takaɀigadzira kuraŋga Kusaterera kwose, kana kuterera kwenyu kwazadziswa. 7Imi munotarira ɀinhu ɀiri pamberi penyu. Kana munhu aciʋimba naɀo aciti ndiri waKristu, ŋgaaraŋgarire ɀe cinhu ici mumŋoyo make, kuti seɀaari waKristu iye, saiɀoɀo nesu ʋo. 8Nokuti kunyaŋge ndainyanya kuɀirumbidza pamsoro pesimba reɗu ratakapiwa naShe kukusimbisai, risati riri rokukuputsai, handiŋganyadziswi; 9kuti ndirege kuita sendinokutyisai neŋwadi dzaŋgu. 10Nokuti ʋanoti, ŋwadi dzake dzinamashoko makuru, dzinesimba, asi muʋiri wake kana ari’po, unoʋutera, nokutaura kwake kunoɀidzwa. 11Munhu wakaɗaro ŋgaaraŋgarire cinhu ici, kuti seɀatinoreʋa paŋwadi kana tisi’po, ndiɀo ɀatakaita ʋo pakuita kweɗu kana tiri’po. 12Nokuti tinotya kuɀienzanisa nokuɀifananidza naʋamŋe ʋanoɀikudza; asi iʋo haʋanenjere, ɀaʋanoɀienzanisa naiʋo ʋamene, nokuɀifananidza naiʋo ʋamene. 13Ɀino isu hatiŋgaɀirumbidzi ticipfuʋura ciyero, asi neciyero cinoȿika pacitanda catakagoʋerwa naMŋari, kuti ciʋe ciyero, ciȿikire ʋo kwamuri. 14Nokuti hatinyanyi kuɀitambanudza, seɀatisiŋgaȿikiri kwamuri; nokuti tisu takataŋga kuȿikira kwamuri neEvaŋgeri yaKristu; 15hatiɀirumbidzi ticipfuʋura ciyero pamsoro peɓasa raʋamŋe; asi tinetariro kuti, kana kutenda kwenyu kucikura, isu ticakuriswa pakati penyu kuȿikira pacitanda ceɗu nokupfuʋurisa; 16tigoparidza Evaŋgeri panyika dziri mberi kwenyu, tirege kuɀirumbidza pacitanda comumŋe pamsoro peɀatoitwa haɀo. 17Asi unoɀirumbidza, ŋgaaɀirumbidze munaShe. 18Nokuti wakatendeka haazi iye unoɀirumbidza, asi ndiye unorumbidzwa naShe.

Zvasarudzwa nguva ino

2 ƲaKorinte 10: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda