2 VaKorinde 10:15-16
2 VaKorinde 10:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyezve hatipfuuri miganhu yedu nokuzvirumbidza pamusoro pebasa rakaitwa navamwe. Tariro yedu ndeyokuti, pamunoramba muchikura pakutenda kwenyu, mashandiro edu pakati penyu achakurawo kwazvo, kuitira kuti tigoparidza vhangeri kumatunhu ari mberi kwenyu. Nokuti hatidi kuzvirumbidza nebasa rakaitwa kare munzvimbo dzavamwe vanhu.
2 VaKorinde 10:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
hatizvirumbidzi tichipfuura chiyero pamusoro pebasa ravamwe; asi tine tariro kuti, kana kutenda kwenyu kuchikura, isu tichakuriswa pakati penyu kusvikira pachitanda chedu nokupfuurisa; tigoparidza Vhangeri panyika dziri mberi kwenyu, tirege kuzvirumbidza pachitanda chomumwe pamusoro pezvatoitwa hazvo.
2 VaKorinde 10:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo, hatipindiridzi tichizvirovera dundundu mubasa ravamwe. Chitarisiro chedu ndechokuti chitendero chenyu pachinokura, munda wedu unobva wakurakurawo pakati penyu. Pakadaro tinobva takwanisa kuparidza Shoko Rakanaka munyika dziri mberi kweyenyu kuti tirege kuzozvikudza nebasa rakaitwa kare muminda yavamwe.
2 VaKorinde 10:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
hatiɀirumbidzi ticipfuʋura ciyero pamsoro peɓasa raʋamŋe; asi tinetariro kuti, kana kutenda kwenyu kucikura, isu ticakuriswa pakati penyu kuȿikira pacitanda ceɗu nokupfuʋurisa; tigoparidza Evaŋgeri panyika dziri mberi kwenyu, tirege kuɀirumbidza pacitanda comumŋe pamsoro peɀatoitwa haɀo.
2 VaKorinde 10:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)