2 VaKorinde 10:1-6
2 VaKorinde 10:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nounyoro nokuzvidzora kwaKristu, ndinokumbira zvikuru kwamuri, ini Pauro, “ndinotya” zvikuru kana ndichitarisana nemi chiso nechiso asi, “handityi” kana ndisipo! Ndinokukumbirisai zvikuru kuti kana ndichinge ndasvika kwamuri ndirege kuzova nokushinga kwandinofanira kuva nako kuna vanhu avo vanofunga kuti tinorarama namararamiro enyika ino. Nokuti kunyange dai tichigara zvedu munyika, hatirwi hondo sezvinoita nyika ino. Nhumbi dzatinorwa nadzo hadzizi nhumbi dzenyika ino. Asi dzine simba raMwari rokuputsa nhare. Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu. Uye tichange takagadzirira kuranga kuita kwose kwokusateerera, kana kuteerera kwenyu kuchinge kwazadziswa.
2 VaKorinde 10:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ini Pauro ndinokumbira zvikuru kwamuri nounyoro netsitsi dzaKristu ini muduku kana ndiri pakati penyu, asi ndinotsunga kwamuri kana ndisipo. Ndinokumbira kwamuri, kuti kana ndavapo, ndirege kuzotsunga, nokutenda kwandinoti zvino ndichatsunga nako kuna vamwe vanoti tinofamba nenzira yenyama. Nokuti, kunyange tichifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitoo yenyama; nokuti nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare; isu tinoti tichiputsa njere, nezvakakwirira zvose zvinomutswa kuzorwa nokuziva Mwari, tinopa mifungo yose kuti iteerere Kristu; takazvigadzira kuranga kusateerera kwose, kana kuteerera kwenyu kwazadziswa.
2 VaKorinde 10:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ini Pauro ndinokukumbirisai, nounyoro nokupfava kwaKristu. Iyeni ndakawota kana ndakatarisana nemi uso nouso asi munhu ane chivindi kwamuri kana ndisipo. Ndinokukumbirai kuti kana ndauyako, ndirege kuita zvakaomarara sokufunga kwandinoita kune vamwe vanhu vanofunga kuti tinoita zvinhu tichitungamirirwa namafungiro ezvenyika. Kunyange zvedu tichigara panyika, hatisi kurwa hondo yapanyika nokuti zvombo zvatinorwisa nazvo, hazvisi zvapasi pano asi kuti zvine simba raMwari rinoparadza nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. Isu tinoparadza nharo uye pfungwa dzokuzvikudza dzinopingidza vanhu kuziva Mwari uye tinotora vanhu pfungwa dzavo tichidziisa muutapwa, tichivaita kuti vateerere Kristu takagadzirira kuranga kusateerera kose kana kuteerera kwenyu kwakwana.
2 VaKorinde 10:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ini Pauro ndinokumbira ɀikuru kwamuri noʋunyoro netsitsi dzaKristu — ini muɗuku kana ndiri pakati penyu, asi ndinotsuŋga kwamuri kana ndisi’po — Ndinokumbira kwamuri, kuti kana ndaʋa’po, ndirege kuzotsuŋga, nokutenda kwandinoti ɀino ndicatsuŋga nako kunaʋamŋe ʋanoti tinofamba nenzira yenyama. Nokuti, kunyaŋge ticifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitoʋo yenyama; nokuti nhumbi dzeɗu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzinesimba pamberi paMŋari rokuputsa nhare; isu tinoti ticiputsa njere, neɀakakwirira ɀose ɀinomutswa kuzorwa nokuziʋa Mŋari, tinotapa mifuŋgo yose kuti iterere Kristu; takaɀigadzira kuraŋga Kusaterera kwose, kana kuterera kwenyu kwazadziswa.
2 VaKorinde 10:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)