Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 10:1-18

2 VaKorinde 10:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Nounyoro nokuzvidzora kwaKristu, ndinokumbira zvikuru kwamuri, ini Pauro, “ndinotya” zvikuru kana ndichitarisana nemi chiso nechiso asi, “handityi” kana ndisipo! Ndinokukumbirisai zvikuru kuti kana ndichinge ndasvika kwamuri ndirege kuzova nokushinga kwandinofanira kuva nako kuna vanhu avo vanofunga kuti tinorarama namararamiro enyika ino. Nokuti kunyange dai tichigara zvedu munyika, hatirwi hondo sezvinoita nyika ino. Nhumbi dzatinorwa nadzo hadzizi nhumbi dzenyika ino. Asi dzine simba raMwari rokuputsa nhare. Tinoputsa kukakavara nokunyengera kwose kunozvikudza kuchipikisa kuziva Mwari, uye tinotapa mifungo yose kuti iteerere Kristu. Uye tichange takagadzirira kuranga kuita kwose kwokusateerera, kana kuteerera kwenyu kuchinge kwazadziswa. Imi muri kungoonera zvinhu pamusoro bedzi. Kana munhu achivimba kuti iye ndowaKristu, ngaarangarirewo zvakare kuti isu tiri vaKristu sezvaakaitawo iye. Nokuti kunyange dai ndichizvirumbidza pachena pamusoro pesimba ratakapiwa naIshe rokukuvakai kwete rokukuputsirai pasi, handinganyadziswi nazvo. Handidi kuedza kuita sendinokutyisidzirai netsamba dzangu. Nokuti vamwe vanoti, “Tsamba dzake dzina mashoko makukutu uye dzine chisimba, asi iye pachake haatyisi uye kutaura kwake hakuna maturo.” Vanhu vakadai vanofanira kuziva kuti zvatiri mumatsamba edu kana tisipo, ndizvo zvatichava pakuita kwedu kana tavapo. Hatidi kuedza kuzvienzanisa kana kuzvifananidza navamwe vanozvirumbidza. Pavanozviera vachizvienzanisa naivo pachavo, havana kuchenjera. Zvisinei, isu hatingazvirumbidzi kupfuura mwero wakafanira, asi tinogumisa mwero wokuzvirumbidza kwedu pabasa ratakapiwa naMwari, basa rinosvika kunyange kwamuri. Hatizi kupfurikidza mwero pakuzvirumbidza kwedu, sezvazvaizova kana dai takanga tisina kuuya kwamuri, nokuti takasvika kwamuri nevhangeri raKristu. Uyezve hatipfuuri miganhu yedu nokuzvirumbidza pamusoro pebasa rakaitwa navamwe. Tariro yedu ndeyokuti, pamunoramba muchikura pakutenda kwenyu, mashandiro edu pakati penyu achakurawo kwazvo, kuitira kuti tigoparidza vhangeri kumatunhu ari mberi kwenyu. Nokuti hatidi kuzvirumbidza nebasa rakaitwa kare munzvimbo dzavamwe vanhu. Asi, “Anozvirumbidza ngaazvirumbidze muna She.” Nokuti haasi uyo anozvirumbidza achanzi akatendeka, asi uyo anorumbidzwa naShe.

2 VaKorinde 10:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino ini Pauro ndinokumbira zvikuru kwamuri nounyoro netsitsi dzaKristu ini muduku kana ndiri pakati penyu, asi ndinotsunga kwamuri kana ndisipo. Ndinokumbira kwamuri, kuti kana ndavapo, ndirege kuzotsunga, nokutenda kwandinoti zvino ndichatsunga nako kuna vamwe vanoti tinofamba nenzira yenyama. Nokuti, kunyange tichifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitoo yenyama; nokuti nhumbi dzedu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzine simba pamberi paMwari rokuputsa nhare; isu tinoti tichiputsa njere, nezvakakwirira zvose zvinomutswa kuzorwa nokuziva Mwari, tinopa mifungo yose kuti iteerere Kristu; takazvigadzira kuranga kusateerera kwose, kana kuteerera kwenyu kwazadziswa. Imi munotarira zvinhu zviri pamberi penyu. Kana munhu achivimba nazvo achiti ndiri waKristu, ngaarangarirezve chinhu ichi mumwoyo make, kuti sezvaari waKristu iye, saizvozvo nesuo. Nokuti kunyange ndainyanya kuzvirumbidza pamusoro pesimba redu ratakapiwa naIshe kukusimbisai, risati riri rokukuputsai, handinganyadziswi; kuti ndirege kuita sendinokutyisai netsamba dzangu. Nokuti vanoti, “Tsamba dzake dzina mashoko makuru, dzine simba, asi muviri wake kana aripo, unoutera, nokutaura kwake kunozvidzwa.” Munhu akadaro ngaarangarire chinhu ichi, kuti sezvatinoreva mutsamba kana tisipo, ndizvo zvatakaitawo pakuita kwedu kana tiripo. Nokuti tinotya kuzvienzanisa nokuzvifananidza navamwe vanozvikudza; asi ivo havana njere, zvavanozvienzanisa naivo vamene, nokuzvifananidza naivo vamene. Zvino isu hatingazvirumbidzi tichipfuura chiyero, asi nechiyero chinosvika pachitanda chatakagoverwa naMwari, kuti chive chiyero, chisvikirewo kwamuri. Nokuti hatinyanyi kuzvitambanudza, sezvatisingasvikiri kwamuri; nokuti tisu takatanga kusvikira kwamuri neVhangeri yaKristu; hatizvirumbidzi tichipfuura chiyero pamusoro pebasa ravamwe; asi tine tariro kuti, kana kutenda kwenyu kuchikura, isu tichakuriswa pakati penyu kusvikira pachitanda chedu nokupfuurisa; tigoparidza Vhangeri panyika dziri mberi kwenyu, tirege kuzvirumbidza pachitanda chomumwe pamusoro pezvatoitwa hazvo. Asi anozvirumbidza, ngaazvirumbidze muna Ishe. Nokuti akatendeka haazi iye anozvirumbidza, asi ndiye anorumbidzwa naIshe.

2 VaKorinde 10:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ini Pauro ndinokukumbirisai, nounyoro nokupfava kwaKristu. Iyeni ndakawota kana ndakatarisana nemi uso nouso asi munhu ane chivindi kwamuri kana ndisipo. Ndinokukumbirai kuti kana ndauyako, ndirege kuita zvakaomarara sokufunga kwandinoita kune vamwe vanhu vanofunga kuti tinoita zvinhu tichitungamirirwa namafungiro ezvenyika. Kunyange zvedu tichigara panyika, hatisi kurwa hondo yapanyika nokuti zvombo zvatinorwisa nazvo, hazvisi zvapasi pano asi kuti zvine simba raMwari rinoparadza nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. Isu tinoparadza nharo uye pfungwa dzokuzvikudza dzinopingidza vanhu kuziva Mwari uye tinotora vanhu pfungwa dzavo tichidziisa muutapwa, tichivaita kuti vateerere Kristu takagadzirira kuranga kusateerera kose kana kuteerera kwenyu kwakwana. Onai zvinhu sezvazviri. Kana pane anonyatsovimba kuti ndewaKristu, ngaayeukewo kuti sezvaari waKristu, nesuwo ndizvo zvatiri. Kunyange ndingazvikudze zvinenge zvakati nyanyisei noukuru hwandinahwo, hwandakapiwa naTenzi, ndakahupiwa kuti ndikuvakei kwete kuti ndikuparadzei, saka handinyari nazvo. Handingadi kuita sokunge ndinoda kukutyityidzirai namatsamba nokuti zvinonzi, “Matsamba ake akaomarara kwazvo uye ane simba asi kana aripo imbwende yomunhu uye pakutaura idera chairo.” Vanhu vakadaro ngavazive kuti zvatinotaura netsamba tisipo tinogonawo kuzvitaura tiripo. Hatingazviisi zvedu mubato kana kuzvienzanisa navavo vanozviisa pamusoro, vanozvitora ivo vozviita mwero wokuzviera nawo vachizvienzanisawo nezvavari. Isu hatidi kuzvirova dundundu zvinopfuuridza asi tichamirira pamiganhu yatakaisirwa naMwari. Imi muri mukati memiganhu iyoyo. Pamusana pokuti imi muri mukati memiganhu yedu hatisi kupfuuridza miganhu yedu. Ndisu takatotanga kuuya neShoko Rakanaka raKristu kwamuri. Naizvozvo, hatipindiridzi tichizvirovera dundundu mubasa ravamwe. Chitarisiro chedu ndechokuti chitendero chenyu pachinokura, munda wedu unobva wakurakurawo pakati penyu. Pakadaro tinobva takwanisa kuparidza Shoko Rakanaka munyika dziri mberi kweyenyu kuti tirege kuzozvikudza nebasa rakaitwa kare muminda yavamwe. Anozvirumbidza ngaazvirumbidze naTenzi nokuti haasi munhu anozviti ndakanaka asi anonzi naTenzi akanaka.

2 VaKorinde 10:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ini Pauro ndinokumbira ɀikuru kwamuri noʋunyoro netsitsi dzaKristu — ini muɗuku kana ndiri pakati penyu, asi ndinotsuŋga kwamuri kana ndisi’po — Ndinokumbira kwamuri, kuti kana ndaʋa’po, ndirege kuzotsuŋga, nokutenda kwandinoti ɀino ndicatsuŋga nako kunaʋamŋe ʋanoti tinofamba nenzira yenyama. Nokuti, kunyaŋge ticifamba nenzira yenyama, hatirwi nemitoʋo yenyama; nokuti nhumbi dzeɗu dzokurwa nadzo hadzizi dzenyama, asi dzinesimba pamberi paMŋari rokuputsa nhare; isu tinoti ticiputsa njere, neɀakakwirira ɀose ɀinomutswa kuzorwa nokuziʋa Mŋari, tinotapa mifuŋgo yose kuti iterere Kristu; takaɀigadzira kuraŋga Kusaterera kwose, kana kuterera kwenyu kwazadziswa. Imi munotarira ɀinhu ɀiri pamberi penyu. Kana munhu aciʋimba naɀo aciti ndiri waKristu, ŋgaaraŋgarire ɀe cinhu ici mumŋoyo make, kuti seɀaari waKristu iye, saiɀoɀo nesu ʋo. Nokuti kunyaŋge ndainyanya kuɀirumbidza pamsoro pesimba reɗu ratakapiwa naShe kukusimbisai, risati riri rokukuputsai, handiŋganyadziswi; kuti ndirege kuita sendinokutyisai neŋwadi dzaŋgu. Nokuti ʋanoti, ŋwadi dzake dzinamashoko makuru, dzinesimba, asi muʋiri wake kana ari’po, unoʋutera, nokutaura kwake kunoɀidzwa. Munhu wakaɗaro ŋgaaraŋgarire cinhu ici, kuti seɀatinoreʋa paŋwadi kana tisi’po, ndiɀo ɀatakaita ʋo pakuita kweɗu kana tiri’po. Nokuti tinotya kuɀienzanisa nokuɀifananidza naʋamŋe ʋanoɀikudza; asi iʋo haʋanenjere, ɀaʋanoɀienzanisa naiʋo ʋamene, nokuɀifananidza naiʋo ʋamene. Ɀino isu hatiŋgaɀirumbidzi ticipfuʋura ciyero, asi neciyero cinoȿika pacitanda catakagoʋerwa naMŋari, kuti ciʋe ciyero, ciȿikire ʋo kwamuri. Nokuti hatinyanyi kuɀitambanudza, seɀatisiŋgaȿikiri kwamuri; nokuti tisu takataŋga kuȿikira kwamuri neEvaŋgeri yaKristu; hatiɀirumbidzi ticipfuʋura ciyero pamsoro peɓasa raʋamŋe; asi tinetariro kuti, kana kutenda kwenyu kucikura, isu ticakuriswa pakati penyu kuȿikira pacitanda ceɗu nokupfuʋurisa; tigoparidza Evaŋgeri panyika dziri mberi kwenyu, tirege kuɀirumbidza pacitanda comumŋe pamsoro peɀatoitwa haɀo. Asi unoɀirumbidza, ŋgaaɀirumbidze munaShe. Nokuti wakatendeka haazi iye unoɀirumbidza, asi ndiye unorumbidzwa naShe.

2 VaKorinde 10:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)