2 Makoronike 36:1-21
2 Makoronike 36:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye vanhu vomunyika iyi vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia vakamuita mambo muJerusarema panzvimbo yababa vake. Jehoahazi akanga ana makore makumi maviri namatatu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwemwedzi mitatu. Mambo weIjipiti akamubvisa paumambo muJerusarema akatemera Judha kuti iripe matarenda zana esirivha netarenda regoridhe. Mambo weIjipiti akaita kuti Eriakimu, mukoma waJehoahazi, ave mambo pamusoro peJudha neJerusarema akashandura zita raEriakimi kuti anzi Jehoyakimi. Asi Neko akatora mununʼuna waEriakimi, Jehoahazi, akaenda naye kuIjipiti. Jehoyakimi akanga aina makore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe chete akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake. Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akamurwisa akamusunga nengetani dzendarira kuti amutore aende naye kuBhabhironi. Nebhukadhinezari akatorawo midziyo yomutemberi yaJehovha akaenda nayo kuBhabhironi akandoiisa mutemberi yake ikoko. Zvimwe zvakaitwa panguva yokutonga kwaJehoyakimi, zvinhu zvinonyangadza zvaakaita nezvose zvakawanikwa zvaakakanganisa, zvakanyorwa mubhuku ramadzimambo eIsraeri neJudha. Uye Jehoyakini mwanakomana wake akamutevera paumambo. Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwemwedzi mitatu namazuva gumi. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Pakupera kwegore, Mambo Nebhukadhinezari akatuma shoko rokuti auyiswe kuBhabhironi pamwe chete nemidziyo inokosha kubva mutemberi yaJehovha, akaita mununʼuna waJehoyakini, Zedhekia, mambo pamusoro peJudha neJerusarema. Zedhekia akanga ava namakore makumi maviri nerimwe paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha uye haana kuzvininipisa pamberi pomuprofita Jeremia, akataura shoko raJehovha. Akamukirawo Mambo Nebhukadhinezari akanga amuita kuti ape mhiko muzita raMwari. Akaomesa mutsipa akaomesa mwoyo wake uye akaramba kutendeukira kuna Jehovha, Mwari weIsraeri. Uyezve vakuru vose vavaprista navanhu vakanyanya kutadza vachitevera zvinonyangadza zvose zvendudzi vakasvibisa imba yaJehovha yaakanga akudza kwazvo muJerusarema. Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akatuma shoko rake kubudikidza nenhume dzake nguva nenguva, nokuti akaitira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara. Asi vakashora nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake vakadadira vaprofita vake kusvikira hasha dzaMwari dzavamukira uye pasisina zvingagadziridzwa. Akauyisa mambo wavaBhabhironi kuti azovarwisa uye akauraya majaya avo nomunondo munzvimbo tsvene, uye hapana waakasiya, jaya kana mhandara, varume vakuru kana vatana. Mwari akavapa vose kuna Nebhukadhinezari. Akatakura midziyo yose yaiva mutemberi yaMwari akaenda nayo kuBhabhironi, zvose zvikuru nezvidiki nepfuma yomutemberi yaJehovha nepfuma yaMambo namachinda ake. Vakapisa temberi yaMwari vakaputsa rusvingo rweJerusarema; vakapisa mizinda yose uye vakaparadza zvose zvaikosha imomo. Akatakura vose vakanga vasara muutapwa avo vakanga vapunyuka kubva pamunondo uye vakava varanda vake nevevanakomana vake kusvikira pakutanga umambo hwePezhia kutonga. Nyika yakava namaSabata ayo ezororo; panguva yose yokuparadzwa kwayo yakazorora, kusvikira makore makumi manomwe apera kuti shoko raJehovha rakataurwa naJeremia rizadziswe.

2 Makoronike 36:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo vanhu venyika iyo vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosia, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake paJerusaremu. Joahazi akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namatatu, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu. Mambo weIjipiti akamubvisa paushe paJerusaremu, akaripisa nyika matarenta esirivha ane zana, netarenta rimwe rendarama. Mambo weIjipiti akagadza Eriyakimi munun'una wake ave mambo waJudha neJerusaremu, akashandura zita rake, rikazova Jehoyakimu. Neko akatora munun'una wake Joahazi, akaenda naye Ijipiti. Jehoyakimu akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe, akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake. Zvino Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika kuzorwa naye, akamusunga nangetani, kundomuisa Bhabhironi. Nebhukadhinezari akaendawo nedzimwe nhumbi dzeimba yaJehovha akadziisa Bhabhironi. Zvino mamwe mabasa aJehoyakimu, nezvinonyangadza zvake zvaakaita, nezvakawanikwa maari, tarirai zvakanyorwa mubhuku yamadzimambo aIsiraeri naJudha; Jehoyakini mwanakomana wake akamutevera paushe. Jehoyakini akatanga kubata ushe ava namakore masere, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu namazuva ane gumi; akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Zvino gore rikati rapera mambo Nebhukadhinezari akatuma nhume vakamuisa Bhabhironi, pamwechete nenhumbi dzinokosha dzeimba yaJehovha, akaita munun'una wake Zedhekia mambo waJudha neJerusaremu. Zedhekia akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri nerimwe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake; haana kuzvininipisa pamberi pomuporofita Jeremiya, aitaura mashoko aibva pamurumo waJehovha. Akamukirawo mambo Nebhukadhinezari, akanga amupikisa naMwari; asi akawomesa mutsipa wake, nokuomesa mwoyo wake, akarega kutendeukira kuna Jehovha Mwari waIsiraeri. Uye vakuru vose vapristi navanhu vakadarika zvikuru kwazvo, vakatevera zvinonyangadza zvose zvavahedheni, vakasvibisa imba yaJehovha yaakanga atsaura paJerusaremu. Jehovha Mwari wamadzibaba avo akatuma mashoko kwavari nenhume dzake, achifumira mangwanani achituma; nokuti akanga ane tsitsi navanhu vake uye nenzvimbo yake; asi vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaporofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa. Saka wakauyisa mambo wavaKaradhea kwavari akauraya majaya avo nomunondo paimba yavo tsvene; haana kunzwira tsitsi kunyange jaya, kana musikana, kana mutana, kana akachena vhudzi; akavaisa vose muruoko rwake. Nhumbi dzosewo dzeimba yaMwari, huru neduku, nepfuma yeimba yaJehovha, nepfuma yamambo neyamachinda ake, akazviisa zvose Bhabhironi. Vakapisa imba yaMwari, vakaputsa rusvingo rweJerusaremu, vakapisa dzimba dzose dzoushe dzaro nomoto, vakaparadza nhumbi dzose dzinokosha dzaro. Avo vakanga vapukunyuka pamunondo, akaenda navo Bhabhironi; vakandova varanda vake navanakomana vake kusvikira ushe uchibatwa navaPeresia; kuti shoko raJehovha, rakanga rarehwa nomuromo waJeremiya, riitike; kusvikira nyika yafarira maSabata ayo, nokuti panguva yose yokuparadzwa kwayo yakachengeta maSabata, ikasvitsa makore ana makumi manomwe.
2 Makoronike 36:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saka vanhu venyika iyoyo vakazotora Jehoahazi mwanakomana waJosiya vakamugadza umambo muJerusaremu panzvimbo yababa vake. Jehoahazi akanga ava namakore makumi maviri ana matatu paakatangisa kutonga. Akatonga kwemwedzi mitatu ari muJerusaremu. Mambo weIjipiti akamubvisa paumambo muJerusaremu akateresa nyika mutero wematani matatu esirivha ane makirogiramu mazana mana nendarama yaiita makirogiramu makumi matatu ane mana. Neko mambo weIjipiti akaita Eriyakimu munun'una waJehoahazi mambo weJudha neJerusaremu akabva amusandura zita omupa rimwe rokuti Jehoyakimu, asi akatakura mukoma wake Jehoahazi akaenda naye kuIjipiti. Jehoyakimu akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, Mwari wake. Nebhukadhineza mambo weBhabhironi akauya kuzomurwisa. Akamusunga nengetani akaenda naye kuBhabhironi. Nebhukadhineza akatakurawo mimwe midziyo yepamba paTenzi akaenda nayo kuBhabhironi akandoiisa mumuzinda wake muBhabhironi. Dzimwe nyaya dzezvaJehoyakimu nezvimwe zvakaipisisa kwazvo zvaakaita netumwewo twaaiita twakazobuda zvakanyorwa wani muBhuku raMadzimambo okwaIsiraeri neokwaJudha. Mwanakomana wake Jehoyakini ndiye akazotonga panzvimbo yake. Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, akatonga kwemwedzi mitatu negumi ramazuva ari muJerusaremu. Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi. Muchirimo panguva yepfumvudza mambo Nebhukadhineza akatumira shoko rokuti aunzwe kuBhabhironi pamwechete nemidziyo inokosha yomumba yaTenzi akabva aita munun'una wake Zedhekiya mambo wokwaJudha neJerusaremu. Zedhekiya akanga ava namakore makumi maviri nerimwechete paakava mambo, akatonga kwemakore gumi nerimwechete ari muJerusaremu. Akaita zvakaipa zvisingadiwe naTenzi, Mwari wake. Haana kuzvininipisa pamberi pomuporofita Jeremiya, aitaura zvaibva mumuromo waTenzi. Akapandukira mambo Nebhukadhineza akanga aita kuti apike naTenzi mhiko. Akaomesa musoro akaomesa mwoyo wake pane zvokudzokera kuna Tenzi, Mwari weIsiraeri. Vakuru vakuru vose pavapristi pamwechete navanhu zvakanga zvangova zvimwechetezvo zvokurega kuva pachokwadi zvatonyanyisa kwazvo votevedza zviito zvakaipisisa kwazvo zvaiitwa nevechirudzi vachin'oresa imba yaTenzi yaakanga aeresa muJerusaremu Tenzi, Mwari wamadzibaba avo akatuma-atumazve nhume dzake kwavari neshoko pamusana pokuti ainzwira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara. Asi vakaramba vachinyomba nhume dzaMwari vachitozvidza zvavo mashoko ake vachitafurira vaporofita vake kudzamara Tenzi amukira vanhu vake nehasha kusvikira pasisina chokuzvigadziridza nacho. Naizvozvo akavamutsira mambo wavanhu vechiKaredhea vakauraya namapakatwa majaya avo mumba yavo macho menzvimbo inoera pasina kana zvokumbonzwira tsitsi kuti majaya here kana kuti mhandara kunyange kuti murume mukuru kana kuti munhu achembera; akaisa vose mumaoko ake. Midziyo yose yomumba yaMwari mikuru nemidiki noupfumi hwomumba yaTenzi noupfumi hwamambo nehwemachinda ake akakukucha zvose izvozvi akaenda nazvo kuBhabhironi. Vakapisa imba yaTenzi vakapazira pasi rusvingo rweJerusaremu vakapisa mizinda chaiyo yose yedzimba vachiparadza midziyo yose yakakosha yaivamo. Akatapa vakanga vapunyuka mapakatwa vakabva vava varanda kwaari iye navanakomana vake kusvikira pakazomirawo umambo hwokuPezhiya. Nyika yakambofara kuwana maSabata okutombozororawo zvayo nguva yose iyoyo yamakanga munyika makati hwa musina munhu kusvikira makore makumi manomwe akwana kuzadzikisa shoko raTenzi rakataurwa nomuromo waJeremiya.
2 Makoronike 36:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo ʋanhu ʋenyika iyo ʋakatora Jehoahazi mŋanakomana waJosia, ʋakamuita mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake paJerusarema. Joahazi wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anamakumi maʋiri namatatu, akaɓata ʋushe paJerusarema mŋedzi mitatu. Mambo weEgipita akamubvisa paʋushe paJerusarema, akaripisa nyika matarenta esirveri anezana, netarenta rimŋe rendarama. Mambo weEgipita akagadza Eriyakimi munuŋuna wake aʋe mambo waJuda neJerusarema, akashandura zita rake, rikazoʋa Jehoyakimi. Neko akatora munuŋuna wake Joahazi, akaenda naye Egipita. Jehoyakimi wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anamakumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi nerimŋe; akaita ɀakaipa pamberi paJehova Mŋari wake. Ɀino Nebukadnezari mambo weBabironi akaȿika kuzorwa naye, akamusuŋga namaketani, kundomuisa Babironi. Nebukadnezari akaenda ʋo nedzimŋe nhumbi dzeimba yaJehova akadziisa Babironi, akadziisa mutembere yake paBabironi. Ɀino mamŋe maɓasa aJehoyakimi, neɀinonyaŋgadza ɀake ɀaakaita, neɀakawanikwa maari, tarirai ɀakanyorwa mubuku yamadzimambo aIsraeri naJuda; Jehoyakini mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe. Jehoyakini wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore masere, akaɓata ʋushe paJerusarema mŋedzi mitatu namazuʋa anegumi; akaita ɀakaipa pamberi paJehova. Ɀino gore rakati rapera mambo Nebukadnezari akatuma nhume ʋakamuisa Babironi, pamŋe cete nenhumbi dzinokosha dzeimba yaJehova, akaita munuŋuna wake Zedekia mambo waJuda neJerusarema. Zedekia wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore makumi maʋiri nerimŋe; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anegumi nerimŋe. Akaita ɀakaipa pamberi paJehova Mŋari wake; haana‐kuɀininipisa pamberi pomuprofita Jeremia, waitaura mashoko aibva pamuromo waJehova. Wakamukira ʋo mambo Nebukadnezari, wakaŋga amupikisa naMŋari; asi wakawomesa mutsipa wake, nokuwomesa mŋoyo wake, akarega kutendeʋukira kunaJehova Mŋari waIsraeri. Ʋuye ʋakuru ʋose ʋaprista naʋanhu ʋakaɗarika ɀikuru kwaɀo, ʋakateʋera ɀinonyaŋgadza ɀose ɀaʋahedeni, ʋakaȿiɓisa imba yaJehova yaakaŋga atsaura paJerusarema. Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo akatuma mashoko kwaʋari nenhume dzake, acifumira maŋgwanani acituma; nokuti wakaŋga anetsitsi naʋanhu ʋake ʋuye nenɀimbo yake; asi ʋakaseka nhume dzaMŋari, ʋakaɀidza mashoko ake, ʋakaɗaɗira ʋaprofita ʋake, kuȿikira Jehova atsamŋira ʋanhu ʋake, kuȿikira ʋasicagoni kurapxa. Saka wakaʋuyisa mambo waʋaKardea kwaʋari, akaʋuraya majaya aʋo nomunondo paimba yaʋo tȿene; haana‐kunzwira tsitsi kunyaŋge jaya, kana musikana, kana mutana, kana wakacena vudzi; wakaʋaisa ʋose muruʋoko rwake. Nhumbi dzose ʋo dzeimba yaMŋari, huru neɗuku, nefuma yeimba yaJehova, nefuma yamambo neyamacinda ake, wakaɀiisa ɀose Babironi. Ʋakapisa imba yaMŋari, ʋakaputsa ruȿiŋgo rweJerusarema, ʋakapisa dzimba dzose dzoʋushe dzaro nomŋoto, ʋakaparadza nhumbi dzose dzinokosha dzaro. Aʋo ʋakaŋga ʋapukunyuka pamunondo, wakaenda naʋo Babironi; ʋakandoʋa ʋaranda ʋake naʋaʋanakomana ʋake kuȿikira ʋushe ʋuciɓatwa naʋaPersia; kuti shoko raJehova, rakaŋga rarebga nomuromo waJeremia, riitike; kuȿikira nyika yafarira masaɓata ayo, nokuti paŋguʋa yose yokuparadzwa kwayo yakaceŋgeta masaɓata, ikaȿitsa makore anamakumi manomŋe.
2 Makoronike 36:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)